Shona

聖經新譯本

Job

5

1Zvino chidana hako; panomumwe angakupindura here?
1世人必受苦難“你只管呼籲吧,有誰回答你?在眾聖者之中你轉向哪一位?
2nekuti kutsamwa kunouraya benzi, Uye shungu dzinoparadza asina zivo.
2煩惱殺死愚昧人,激情害死愚蒙人。
3Ndakaona benzi richiita midzi; Asi pakarepo ndakatuka nzvimbo yaro.
3我看見愚昧人扎下了根,但咒詛忽然臨到他的居所。
4Vana varo havatongoponeswi, Vanopwanyiwa musuwo; Hapana anovarwira.
4他的兒女遠離安穩之處,在城門口被欺壓卻沒有人援救。
5Zvaakacheka zvinodyiwa navane nzara, Vanozvitora kunyange napakati pemhinzwa; Vane nyota vanomwa fuma yavo.
5飢餓的人吃盡他的莊稼,連在荊棘裡的也搶去;渴求的人吞盡他的財富。
6Nekuti kutambudzika hakubudi paguruva. Uye nhamo haibvi pasi.
6患難不從土中生出來,勞碌不由地裡長出來;
7Asi munhu anoberekerwa nhamo, Sebaribari dzomoto dzinokwira kumusoro.
7原來人為勞碌而生,如同火花向上飛揚。
8Asi kana ndirini, ndaitsvaka Mwari, Ndaiisa mhosva yangu kuna Mwari;
8人的指望在乎 神至於我,我必尋求 神,向他陳明我的案件。
9Iye anoita zvinhu zvikuru zvisinganzverwi; Zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengwi;
9他所作的大事無法測度,所行的奇事不可勝數。
10Iye anonisa mvura panyika, Anotuma mvura paminda;
10降雨在地上,遣水到田裡,
11Ndiye anokwiridza vakaderera; Vanochema vanokundiswa.
11把低微的安置在高位,把哀慟的高舉於安穩之處;
12Anokanganisa mano avanyepedzeri, Maoko avo arege kuita zvavakanga vachida kuita.
12又挫敗狡猾人的計謀,使他們的手所作的無法成全;
13Vakachenjera anovabata pamano avo, Nokurangana kwavasakarurama kunoputsirwa pasi.
13他使有智慧的人中了自己的詭計,使奸詐人的謀算快快失敗。
14Vanosangana nerima masikati. Vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.
14他們白天遇見黑暗,中午摸索如在夜間。
15Asi iye anorwira paminondo yemiromo yavo, Anorwira anoshaiwa pamaoko avane simba.
15他拯救窮乏人脫離他們口中的刀劍,脫離強暴人的手;
16Saka murombo ane tariro, Kuipa kunozvifumbira murumo.
16這樣,貧窮人有指望,不義的人卻閉口無言。
17Tarirai, munhu, anorairwa naMwari, ano mufaro; Saka usazvidza kuranga kowaMasimbaose.
17受主懲治的人是有福的 神所責備的人是有福的,所以你不要輕看全能者的管教。
18Nekuti iye anokuvadza, ndokusungazve vanga, Unopwanya, maoko ake ndokupodzazve.
18因為他打傷,又纏裹;他擊傷,又親手醫治。
19Iye achakurwira panjodzi nhanhatu; Kunyange panomwe hakuna chakaipa chingakubata.
19你六次遭遇患難,他都救拔你,就算第七次,災禍也傷不了你。
20Panzara achakudzikunura parufu; Napakurwa achakudzikunura pasimba romunondo.
20在饑荒中,他必救你脫離死亡;在戰爭中,他必救你脫離刀劍的權勢。
21Iwe uchavanziwa pakurohwa norurimi; Haungatyi kuparadza kana kuchisvika.
21你必不受人口舌之害,災殃臨到,也不害怕。
22Uchaseka kuparadza nokushaiwa; Haungatyi zvikara zvenyika.
22對災殃和饑饉,一笑置之,地上的野獸你也不害怕。
23Nekuti iwe uchaita sungano namabwe esango; Zvikara zvesango zvichaita rugare newe.
23你必與田間的石頭立約,田間的野獸必與你和平相處。
24Iwe uchaziva kuti tende rako rino rugare; Uchandotarira zvipfuwo zvako, ukasashaiwa chimwe chazvo.
24你必曉得你的帳棚平安無事;你查看莊舍,也一無缺失。
25Uchazivawo kuti vana vako vachawanda, Navazukuru vako vachaita souswa bwenyika.
25你必曉得你的後裔眾多,子孫像地上的青草那樣茂盛。
26Uchasvika pahwiro hwako wakwegura kwazvo, Sechisote chezviyo chinosvika panguva yacho.
26你必全壽才歸到墳墓去,如同禾捆到時就收起來。
27Tarira izvozvi takazvinzvera, ndizvozvo; Chizvinzwa, uzvizive iwe umene.
27這道我們已經查明實在是這樣,你當聆聽,也當明白。”