Shona

聖經新譯本

John

8

1Asi Jesu wakaenda kugomo reMiorivhi.
1耶穌不定犯姦淫婦人的罪耶穌往橄欖山去。
2Zvino mangwanani-ngwanani wakauyazve kutembere, vanhu vose ndokuuya kwaari; iye ndokugara pasi akavadzidzisa.
2黎明的時候,他又到聖殿去,眾人都來到他那裡,他就坐下教導他們。
3Zvino vanyori nevaFarisi vakauya kwaari nemukadzi wakabatwa mukufeva, vakati vamumisa pakati,
3經學家和法利賽人帶了一個行淫時被抓到的婦人來,叫她站在中間,
4vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wabatwa achifeva, pachiitiko chaipo;
4就對耶穌說:“先生,這婦人是正在犯姦淫的時候被抓到的。
5zvino Mozisi pamurairo wakatiraira kuti vakadaro vatakwe nemabwe; naizvozvo imwi munoti kudini?
5摩西在律法上吩咐我們把這樣的婦人用石頭打死,你怎樣說呢?”
6Asi izvozvi vakareva vachimuidza, kuti vave nechavangamupomera. Asi Jesu wakakotamira pasi, akanyora pasi nemumwe, seusina kuvaona.
6他們說這話是要試探耶穌,要找把柄來控告他。耶穌卻彎下身,用指頭在地上寫字。
7Zvino vakati vachiramba vachimubvunza, akatasamuka akati kwavari: Usina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari.
7他們不住地問耶穌,他就挺起身來,說:“你們中間誰是沒有罪的,他就可以先拿起石頭打她。”
8Zvino akakotamirazve pasi, akanyora pasi.
8於是又彎下身在地上寫字。
9Zvino ivo vanzwa, vachipiwa mhosva nehana dzavo, vakabuda umwe-umwe, kutanga kuvakuru kusvikira kune vekupedzisira; Jesu akasara ari oga, nemukadzi amire pakati.
9他們聽了這話,就從年老的開始,一個一個地都離開了,留下的只有耶穌和那個還站在那裡的婦人。
10Jesu wakati atasamuka, akasaona munhu asi mukadzi, akati kwaari: Mai, varipi vaya vapomeri vako? Hakuna wakupa mhosva here?
10耶穌挺起身來,問她:“婦人,他們在哪裡?沒有人定你的罪嗎?”
11Iye ndokuti: Hakuna, Ishe. Jesu ndokuti kwaari: Neni handikupi mhosva. Enda, usachitadzazve.
11她說:“主啊!沒有。”耶穌說:“我也不定你的罪。走吧,從現在起不要再犯罪了。”
12Naizvozvo Jesu wakataurazve kwavari, achiti: Ini ndiri chiedza chenyika; unonditevera haangatongofambi murima, asi uchava nechiedza cheupenyu.
12耶穌是世界的光耶穌又對眾人說:“我是世界的光,跟從我的,必定不在黑暗裡走,卻要得著生命的光。”
13Naizvozvo vaFarisi vakati kwaari: Iwe unopupura nezvako; uchapupu hwako hahuna chokwadi.
13法利賽人對他說:“你為自己作證,你的見證不是真實的。”
14Jesu akapindura akati kwavari: Kunyange ndichipupura nezvangu ini, uchapupu hwangu ndehwechokwadi; nekuti ndinoziva kwandakabva, uye kwandinoenda; asi imwi hamuzivi kwandakabva, uye kwandinoenda.
14耶穌回答:“即使我為自己作證,我的見證還是真實的,因為我知道我從哪裡來,往哪裡去,但你們卻不知道我從哪裡來,往哪裡去。
15Imwi munotonga maererano nenyama; ini handitongi munhu.
15你們按著外貌判斷人,我卻不判斷人。
16Asi kunyange ini ndichitonga, kutonga kwangu ndekwechokwadi; nekuti handisi ndoga, asi ini naBaba vakandituma.
16即使我判斷人,我的判斷也是正確的,因為我不是獨自一人,而是差我來的父和我在一起。
17Uye mumurairo wenyu makanyorwa kuti uchapupu hwevanhu vaviri ndehwechokwadi.
17你們的律法上也寫著:‘兩個人的見證才是真的。’
18Ndini ndinopupura nezvangu, naBaba vakandituma vanopupura nezvangu.
18我為自己作證,差我來的父也為我作證。”
19Naizvozvo vakati kwaari: Baba vako varipi? Jesu akapindura akati: Hamuzivi ini, kana Baba vangu. Dai maindiziva ini, mungadai maiziva Baba vanguwo.
19他們問:“你的父在哪裡?”耶穌回答:“你們不認識我,也不認識我的父;如果你們認識我,也就認識我的父了。”
20Jesu wakataura mashoko awa muchivigiro chezvipo, achidzidzisa mutembere; asi hakuna munhu wakamubata, nekuti awa rake rakange risati rasvika.
20這些話是耶穌在殿裡教導人的時候,在銀庫的院中說的。當時沒有人逮捕他,因為他的時候還沒有到。
21Naizvozvo Jesu wakatizve kwavari: Ini ndinoenda, uye muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; ini pandinoenda, imwi hamugoni kuuyapo.
21不信基督的必在罪中死亡耶穌又對他們說:“我要去了,你們要尋找我,並且要在自己的罪中死亡;我去的地方,你們不能到。”
22Naizvozvo vaJudha vakati: Uchazviuraya kanhi? Nekuti unoti: Pandinoenda ini, imwi hamugoni kuuya?
22於是猶太人說:“他說‘我去的地方,你們不能到’,難道他要自殺嗎?”
23Zvino akati kwavari: Imwi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro; imwi munobva panyika ino, ini handibvi panyika ino.
23耶穌說:“你們是從地上來的,我是從天上來的;你們屬這世界,我卻不屬這世界,
24Naizvozvo ndareva kwamuri kuti, muchafira muzvivi zvenyu; nekuti kana musinganditendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.
24所以我對你們說,你們要在自己的罪中死亡;你們若不信我就是‘那一位’,就要在自己的罪中死亡。”
25Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Jesu ndokuti kwavari: Ndizvo zvandakuudzaiwo kubva pakutanga.
25他們就問:“你是誰?”耶穌說:“我不是從起初就告訴你們嗎?
26Ndine zvinhu zvizhinji zvekutaura nekutonga pamusoro penyu; asi wakandituma ndewechokwadi, uye izvo zvandakanzwa ini kwaari ndizvo zvandinotaura kunyika.
26關於你們,我有許多事要說,要判斷;但那差我來的是真實的,我從他那裡聽見的,就告訴世人。”
27Havana kunzwisisa kuti unotaura kwavari zvaBaba.
27他們不明白耶穌是對他們講論父的事。
28Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Kana masimudza Mwanakomana wemunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye handiiti chinhu pachangu, asi baba vangu sezvavakandidzidzisa, ndinotaura zvinhu izvi.
28所以耶穌說:“你們舉起了人子以後,必定知道我就是‘那一位’,並且知道我不憑著自己作甚麼事;我說的這些話,是照著父所教導我的。
29Zvino iye wakandituma uneni; Baba havana kundisiya ndoga, nekuti ini ndinoita nguva dzose zvinomufadza.
29那差我來的和我同在,他沒有留下我獨自一人,因為我常作他喜悅的事。”
30Achiri kutaura izvi vazhinji vakatenda kwaari.
30耶穌說這些話的時候,就有許多人信了他。
31Naizvozvo Jesu wakati kuvaJudha vakatenda kaari: Kana imwi muchirambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo;
31真理必使人自由於是耶穌對信了他的猶太人說:“你們若持守我的道,就真是我的門徒了;
32uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.
32你們必定認識真理,真理必定使你們自由。”
33Vakamupindura vakati: Tiri mbeu yaAbhurahamu, uye hatina kutongova varanda vemunhu; zvino iwe unoreva sei kuti muchasunungurwa?
33他們說:“我們是亞伯拉罕的後裔,從來沒有被誰奴役過,你怎麼說‘你們必得自由’呢?”
34Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ani nani unoita chivi muranda wechivi.
34耶穌說:“我實實在在告訴你們,凡犯罪的都是罪的奴隸。
35Uye muranda haagari mumba nekusingaperi; mwanakomana unogara nekusingaperi.
35奴隸不能永遠住在家裡,唯有兒子才可以永遠住在家裡。
36Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunugurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo.
36所以, 神的兒子若使你們自由,你們就真的得自由了。
37Ndinoziva kuti muri mbeu yaAbhurahamu; asi munotsvaka kundiuraya, nekuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.
37我知道你們是亞伯拉罕的後裔;但你們想殺我,因為你們心裡不能容納我的道。
38Ini ndinotaura izvo zvandakaona kuna Baba vangu; naizvozvo nemwi munoita izvo zvamakaona kuna baba venyu.
38我所說的,是我在父那裡看見的;但你們所作的,卻是從你們的父那裡聽見的。”
39Vakapindura vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahamu. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahamu, maiita mabasa aAbhurahamu.
39魔鬼的兒女不肯聽主的道他們說:“我們的祖宗是亞伯拉罕。”耶穌說:“你們若是亞伯拉罕的子孫,就必作亞伯拉罕所作的。
40Asi ikozvino munotsvaka kundiuraya, munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari; izvo Abhurahamu haana kuzviita.
40現在我把從 神那裡聽見的真理告訴了你們,你們竟然想殺我,這不是亞伯拉罕所作的。
41Imwi munoita mabasa ababa venyu. Naizvozvo vakati kwaari: Hatina kuberekwa neupombwe isu; tina Baba vamwe, Mwari.
41你們要作的,正是你們的父要作的。”他們說:“我們不是從淫亂生的;我們只有一位父,就是 神。”
42Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva Baba venyu, maindida; nekuti ini ndakabuda ndichibva kuna Mwari; nekuti handina kuzviuyira, asi iye wakandituma.
42耶穌說:“如果 神是你們的父,你們就必愛我,因為我是從 神那裡來的;我已經來到這裡。我不是憑著自己來的,而是 神差了我來。
43Sei musinganzwisisi nhaurwa yangu? Nekuti hamugoni kunzwa shoko rangu.
43你們為甚麼不明白我的話呢?因為我的道你們聽不進去。
44Imwi muri vababa venyu dhiabhorosi, munoda kuita zvishuvo zvababa venyu. Iye wakange ari mhondi kubva pakutanga, asingagari muchokwadi, nekuti maari hamuna chokwadi. Kana achitaura nhema, unotaura pachake; nekuti mutauri wenhema uye baba vadzo.
44你們是出於你們的父魔鬼,喜歡按著你們的父的私慾行事。他從起初就是殺人的兇手,不守真理,因為他心裡沒有真理。他說謊是出於本性,因為他本來就是說謊者,也是說謊的人的父。
45Asi nekuti ini ndinoreva chokwadi, hamunditendi.
45我講真理,你們卻因此不信我。
46Ndiani kwamuri ungandipomera pamusoro pechivi? Uye kana ndichireva chokwadi, imwi munoregerei kunditenda?
46你們中間有誰能指證我有罪呢?我既然講真理,你們為甚麼不信我呢?
47Uyo unobva kuna Mwari unonzwa mashoko aMwari; naizvozvo imwi hamunzwi, nekuti hamubvi kuna Mwari.
47出於 神的,就聽 神的話;你們不聽,因為你們不是出於 神的。”
48Naizvozvo vaJudha vakapindura vakati kwaari: Isu hatina kureva kwazvo here kuti iwe uri muSamaria, uye une dhimoni?
48亞伯拉罕以前耶穌已存在猶太人對耶穌說:“我們說你是撒瑪利亞人,並且是鬼附的,不是很對嗎?”
49Jesu akapindura, akati: Ini handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu; asi imwi munondizvidza.
49耶穌回答:“我不是鬼附的。我尊敬我的父,你們卻侮辱我。
50Asi ini handitsvaki rumbidzo yangu; uriko unotsvaka nekutonga.
50我不求自己的榮耀,但有一位是為我求榮耀,並且是審判人的。
51Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu nekusingaperi.
51我實實在在告訴你們,人若遵守我的道,必定永遠不見死亡。”
52Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Ikozvino toziva kuti une dhimoni; Abhurahamu wakafa, nevaporofita, asi iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu nekusingaperi.
52猶太人對他說:“現在我們知道你的確是鬼附的。亞伯拉罕死了,先知們也死了,你還說‘人若遵守我的道,必定永遠不嘗死味’,
53Iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahamu, vakafa? Nevaporofita vakafa; iwe unozviita ani?
53難道你比我們的祖宗亞伯拉罕還大嗎?他死了,先知們也死了;你把自己當作甚麼人呢?”
54Jesu akapindura akati: Kana ini ndichizvikudza, rukudzo rwangu harwusi chinhu; ndiBaba vangu vanondikudza, avo imwi vamunoti ndiMwari wenyu.
54耶穌回答:“如果我榮耀自己,我的榮耀就算不得甚麼;那使我得榮耀的是我的父,就是你們說是你們的 神的那一位。
55Uye hamuna kuvaziva; asi ini ndinovaziva, uye kana ndikati handivazivi, ndichava murevi wenhema semwi; asi ndinovaziva, ndinochengeta shoko ravo.
55可是你們不認識他,我卻認識他。如果我說我不認識他,我就像你們一樣是說謊的;然而我認識他,也遵守他的道。
56Baba venyu Abhurahamu vakafara kuona zuva rangu, uye vakariona vakapembera.
56你們的祖宗亞伯拉罕,因為可以看見我的日子就歡喜,既然看見了,他就很快樂。”
57Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Hausati wava nemakore makumi mashanu, zvino wakaona Abhurahamu here?
57猶太人對他說:“你還不到五十歲,怎會見過亞伯拉罕呢?”
58Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahamu asati avapo, ini ndiripo.
58耶穌說:“我實實在在告訴你們,亞伯拉罕出生以前,我已經存在了。”
59Ipapo vakanonga mabwe kuti vaposhere kwaari; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere, achigura nepakati pavo; akapfuura saizvozvo.
59於是他們拿起石頭要打他。耶穌卻躲起來,從殿裡出去了。