Shona

聖經新譯本

Judges

14

1Zvino Samusoni wakaburukira Timuna, akaona paTimuna mukadzi pakati pavakunda vavaFirisitia.
1參孫娶非利士女子為妻參孫下到亭拿,在亭拿看見了一個女子,是一個非利士人的女兒。
2Akakwira akandoudza baba vake namai vake, akati, Ndaona mukadzi paTimuna pakati pavakunda vavaFirisitia; naizvozvo zvino nditorerei iye, ave mukadzi wangu.
2參孫上來告訴他的父母,說:“我在亭拿看見一個女子,是一個非利士人的女兒;現在請你們把她娶來給我作妻子。”
3Ipapo baba vake namai vake vakati kwaari, Ko pakati pavakunda vehama dzako, kana pakati pavanhu vangu vose, hapano mukadzi here, zvowoda kundozvitorera mukadzi pakati pavaFirisitia vasina kudzingiswa? Samusoni akati kuna baba vake, Nditorerei iye, nekuti unondifadza kwazvo.
3他的父母對他說:“在你兄弟的女兒中,或是在你所有的族人中,難道沒有一個女子,以致你要去從那些未受割禮的非利士人中娶妻呢?”參孫對他的父親說:“請你把她娶來給我,因為我看中她。”
4Asi baba vake namai vake havana kuziva kuti zvakanga zvichibva kuna Jehovha, nekuti wakange achitsvaka mhaka yokurwa navaFirisitia. Zvino nenguva iyo vaFirisitia vakanga vakabata Isiraeri.
4他的父母卻不知道這事是出於耶和華,因為他正在找機會攻擊非利士人。那時非利士人正統治著以色列人。
5Zvino Samusoni wakaburukira Timuna nababa vake namai vake, vakasvika paminda yemizambiringa paTimuna; onei mwana weshumba ukamuombera.
5參孫殺壯獅參孫跟他的父母下到亭拿去,到了亭拿的葡萄園;忽然見一隻少壯獅子向他吼叫。
6Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba guru, akaibvambura sembudzana, zvino wakange asina chinhu muruoko rwake; asi haana kuudza baba vake kana mai vake zvaakanga aita.
6耶和華的靈大大感動參孫,他雖然手裡沒有武器,竟把獅子撕裂,像人撕裂山羊羔一樣;他沒有把他所作的這事告訴他的父母。
7Akaburuka, akandotaura nomukadzi, iye akafadza Samusoni kwazvo.
7參孫下去,和那女子說話,就看中了她。
8Zvino nguva yakati yapfuura, akadzoka kuzomutora, akatsauka kuzoona chitunha cheshumba, ndokuona bumha renyuchi muchitunha cheshumba, nouchi.
8過了些日子,參孫回去迎娶那女子,他轉向一旁去看看那隻死了的獅子;看見有一群蜂子和一些蜂蜜在獅子的屍體內。
9Akahutora namaoko ake, akaenda achidya; akasvika kuna baba vake namai vake, akavapa vakadyawo; asi haana kuvaudza kuti wakange abura uchi muchitunha cheshumba.
9他刮了些蜂蜜,放在手裡,就走了;他一面走,一面吃,直走到他的父母那裡去;他又把蜂蜜給了他們,他們也吃了;但是他沒有告訴他們這蜂蜜是從獅子的屍體內刮下來的。
10Baba vake vakaburukira kumukadzi, Samusoni akagadzirapo mutambo, nekuti majaya aisiita saizvozvo.
10參孫的謎語參孫的父親下去見那女子,參孫在那裡擺設了筵席,因為青年人都慣常這樣行。
11Zvino vakati vachimuona, vakauya neshamwari dzina makumi matatu kuzova naye.
11眾人看見參孫,就請了三十個人陪伴他。
12Samusoni akati kwavari, Nditaurirei chirabwe zvino; kana mukagona kundidudzira icho pamazuva manomwe omutambo, mukawana dudziro yacho, ini ndichakupai nguvo dzomucheka dzina makumi matatu nehanzu dzakanaka dzina makumi matatu.
12參孫對他們說:“現在讓我給你們出一個謎語,你們在七天婚宴之內,如果能猜出來,把它的意思清楚告訴我,我就給你們三十件內衣、三十套衣服。
13Asi kana musingagoni kundidudzira icho, imwi muchafanira kundipa nguvo dzomucheka dzina makumi matatu, nehanzu dzakanaka dzina makumi matatu. Ivo vakati kwaari, Chitaura hako chirabwe, chako, tichinzwe.
13如果你們不能告訴我,你們就要給我三十件內衣、三十套衣服。”他們對他說:“請你把謎語說給我們聽。”
14Akati kwavari, Chokudya chakabuda kumudyi, Uye zvinotapira zvakabuda kuno une simba.Asi vakanga vasingagoni kududzira chirabwe icho namazuva matatu.
14參孫對他們說:“可吃的從吃者出來;甜的從強者出來。”他們過了三日都不能說出謎語的意思。
15Zvino nezuva rechinomwe vakati kumukadzi waSamusoni, Nyengetedza murume wako, atidudzire chirabwe, tirege kukupisa nomoto, iwe naveimba yababa vako;
15到了第四天,他們對參孫的妻子說:“你要引誘你的丈夫,使他把謎語的意思告訴我們,否則我們用火燒你和你的父家。難道你們請了我們來,是要奪取我們所有的嗎?”
16Ipapo mukadzi waSamusoni wakachema kumurume wake, akati, Unondivenga hako, haundidi; wakataurira vana vavanhu vangu chirabwe, asi hauna kundiudza icho ini. Akati kwaari, Tarira, handina kuchiudza baba vangu kana mai vangu; zvino ndingakuudza icho iwe here?
16參孫的妻子在丈夫面前哭哭啼啼,說:“你只是恨我,不是愛我;你給我的族人設謎語,卻沒有把謎語的意思告訴我。”參孫對她說:“連我父母我都沒有告訴,怎能告訴你呢?”
17Akaramba achichema kwaari mazuva manomwe panguva yomutambo; zvino nezuva rechinomwe akamuudza, nekuti wakamutambudza kwazvo; ipapo akandoudza vana vavanhu vake chirabwe icho.
17在那七天婚宴期內,她在丈夫跟前常常哭哭啼啼;到了第七天,因為她催逼著參孫,參孫才告訴她;於是她把謎語的意思告訴她的族人。
18Nezuva rechinomwe zuva richigere kuvira, varume veguta vakati kwaari, Ko chinotapira kukunda uchi chinyi? Uye chine simba kukunda shumba chinyiko?Iye akati kwavari, Dai musina kurima netsiru rangu, Hamuzaiwana chirabwe changu.
18到了第七天太陽未落以前,城裡的人就對參孫說:“有甚麼比蜂蜜還甜呢?有甚麼比獅子還強呢?”參孫對他們說:“你們若不是用我的母牛犢耕田,你們就不會猜出我的謎語的意思來。”
19Mweya waJehovha akauya pamusoro pake nesimba guru, akaburukira Ashikeroni, akauraya varume vana makumi matatu kwavari, akatora nguvo dzavo, akandopa vakadudzira chirabwe hanzu dzavo dzakanaka. Asi kutsamwa kwake kwakanga kwamutswa kwazvo, akadzokera kumba kwababa vake.
19耶和華的靈大大感動參孫,參孫就下到亞實基倫,擊殺了他們中間三十個人,拿了剝下來的衣服,把三十套衣服給了那些把謎語的意思說出來的人;參孫怒氣沖沖地上自己的父家去了。
20Asi mukadzi waSamusoni akapiwa shamwari yake, wakange amuperekedza.
20參孫的妻子卻歸了一個陪伴參孫的人,就是作過他伴郎的。