1Zvino varume vaIsiraeri vakanga vapika paMizipa, vachiti, Hakuna mumwe wedu uchapa muBhenjamini mukunda wake, kuti ave mukadzi wake.
1為便雅憫人娶妻以色列人在米斯巴曾經起誓說:“我們中間不可有人把自己的女兒嫁給便雅憫人作妻子。”
2Vanhu vakasvika paBheti-eri, vakagarapo pamberi paMwari kusvikira madekwana; vakachema kwazvo.
2眾人來到伯特利,在那裡坐在 神面前直到晚上,放聲大哭,
3Vakati, Jehovha,Mwari waIsiraeri, chinhu ichi chakaitirweiko pakati paIsiraeri, kuti nhasi rumwe rudzi rushaikwe pakati paIsiraeri?
3說:“耶和華以色列的 神啊,今日以色列中缺少了一個支派,為甚麼在以色列中發生這事呢?”
4Zvino fume mangwana vanhu vakamuka mangwanani, vakavakapo atari, vakauya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.
4次日,眾人清早起來,在那裡築了一座祭壇,獻上燔祭和平安祭。
5Ipapo vana vaIsiraeri vakati, Ndianiko pakati pamarudzi ose aIsiraeri vasina kukwira kuungano yaJehovha? nekuti vakanga vapika nokupika kukuru pamusoro pomunhu usina kukwira kuna Jehovha paMizipa, vachiti, Zvirokwazvo, anofanira kuurawa.
5以色列人彼此說:“以色列各支派中,誰沒有與會眾上到耶和華面前來呢?”因為他們曾經起過很嚴厲的誓,說:“不上米斯巴到耶和華面前的,必把他處死。”
6Zvino vana vaIsiraeri vakazvidemba pamusoro pavaBhenjamini, hama dzavo, vakati, Nhasi rumwe rudzi rwagurwa pakati pavaIsiraeri.
6以色列人為他們的兄弟便雅憫難過,說:“今天以色列中有一個支派被剪除了。
7Tichadiniko kuti tiwanire vakasara vakadzi, zvatakapika naJehovha, kuti hatingavapi vakunda vedu vave vakadzi vavo?
7我們曾經指著耶和華起過誓,必不把我們的女兒給便雅憫人作妻子,那麼現在我們當怎樣辦理,使他們剩下的人有妻子呢?”
8Vakati, Ndianiko pamarudzi aIsiraeri usina kukwira kuna Jehovha paMizipa? Onei, kwakanga kusina munhu wakabva Jabheshi-Giriyadhi wakakwira kumisasa kuungano.
8他們又彼此問:“以色列各支派中,有誰沒有上米斯巴到耶和華面前來的呢?”他們就發現基列.雅比中沒有一人去到營中會眾那裡。
9nekuti vanhu vakati vachiverengwa, onei kwakanga kusina munhu wavagere Jabheshi-Giriyadhi ipapo.
9眾人被數點的時候,就發現基列.雅比的居民中沒有一人在那裡。
10Zvino ungano ikatumirako varume voumhare kwazvo vane zviuru zvine gumi nezviviri, vakavaraira vachiti, Endai mundouraya vagere Jabheshi-Giriyadhi neminondo inopinza, pamwechete navakadzi navana.
10因此會眾從勇士中差派一萬二千人到那裡去,吩咐他們說:“你們去用刀擊殺基列.雅比的居民,連婦女與孩子都要殺。
11Munofanira kuitawo chinhu ichi: Munofanira kuparadza chose varume vose, nomukadzi mumwe nomumwe wakambovata nomurume.
11你們要這樣行,你們要把所有的男子,和所有與男子同過房的女子,完全毀滅。”
12Zvino vakandowana kuna vagere Jabheshi-Giriyadhi mhandara dzina mazana mana, vasina kumbovata nomurume; vakauya navo kumisasa paShiro munyika yeKanani.
12他們在基列.雅比的居民中,找到了四百個未曾與人同房,也未曾與男子同寢的年輕少女,就把她們帶到迦南地的示羅營那裡。
13Zvino ungano yose yakatuma nhume kundotaurirana navana vaBhenjamini vakanga vari padombo reRimoni, vakavaparidzira rugare.
13全體會眾又派人到臨門的磐石那裡,對便雅憫人說話,向他們宣告和平。
14Nenguva iyo vaBhenjamini vakadzoka; vakavapa vakadzi vavakanga vachengeta vari vapenyu pavakadzi veJabheshi-Giriyadhi; asi havana kuvaringana.
14那時便雅憫人回來了,以色列人就把他們保留的基列.雅比的女子給他們作妻子,但還是不夠。
15Vanhu vakazvidemba pamusoro pavaBhenjamini, nekuti Jehovha wakange aparadza vamwe pakati pamarudzi avaIsiraeri.
15眾人為便雅憫人難過,因為耶和華使以色列眾支派中有了缺口。
16Ipapo vakuru veungano vakati, Tichadiniko kuti tiwanire vakasara vakadzi, vakadzi zvavaparadzwa pakati pavaBhenj amini?
16會眾中的長老說:“便雅憫的女子既然都被除滅了,我們應怎樣行,使那些餘下的人有妻子呢?”
17Vakati, VaBhenjamini vakapukunyuka vanofanira kuva nenhaka yavo, kuti rudzi rumwe rurege kurova pakati pavaIsiraeri.
17又說:“便雅憫逃脫的人應有地業,免得有個支派從以色列中被消滅。
18Asi hatingavapi vakunda vedu, vave vakadzi vavo; nekuti vana vaIsiraeri vakanga vapika, vachiti, Munhu unopa vaBhenjamini mukadzi ngaatukwe.
18但是我們不能把我們自己的女兒給他們作妻子。”因為以色列人曾經起誓說:“把女兒給便雅憫人作妻子的,是可咒詛的。”
19Vakati: Gore rimwe nerimwe kune mutambo waJehovha paShiro, kurutivi rwekumusoro kweBheti-eri, kumabvazuva enzira huru inobva Bheti-eri ichikwira Shekemu, nezasi kweRebhona.
19他們又說:“看哪,每年在示羅都舉行耶和華的節期;示羅就是在伯特利的北面,從伯特利上示劍的大路的東面,在利波拿的南面。”
20Vakaraira vana vaBhenjamini, vachiti, Endai, mundovandira muminda yemizambiringa;
20於是他們吩咐便雅憫人說:“你們去在葡萄園中設下埋伏;
21mutarire, muone kana vakunda veShiro vachibuda kuzotamba; zvino mubude paminda yenyu yemizambiringa, murume mumwe nomumwe agozvitorera mukadzi pakati pavakunda veShiro, muende kunyika yavaBhenjamini.
21在那裡觀看,示羅的女子出來跳舞的時候,你們就從葡萄園出來,從示羅的女子中,各搶一個作妻子,然後回便雅憫地去。
22Zvino kana madzibaba avo kana hama dzavo vachiuya kuzovakwirira kwatiri, isu tichati kwavari, Chitipai henyu ivavo zvakanaka, nekuti hatina kuvatapira vose vakadzi pakurwa; nemiwo hamuna kuvapa ivo, mungadai mune mhosva.
22如果她們的父親或是兄弟來與我們爭論,我們就對他們說:‘求你們恩待他們吧,因為我們在戰場上沒有給他們留下女子作妻子,而且這次又不是你們把女兒給他們;若是你們給的,你們就有罪了。’”
23Vana vaBhenjamini vakaita saizvozvo, vakazvitorera vakadzi kuna vakanga vachitamba, vakavaringana; vakaenda navo; vakabva ndokudzokera kunhaka yavo, vakavaka maguta, ndokugara mukati mawo.
23於是便雅憫人照樣行了:按著他們的數目,從跳舞的女子中強搶她們作妻子,然後離開那裡,回到自己的地業去,重建城市,住在其中。
24Zvino vana vaIsiraeri vakabvapo nenguva iyo, murume mumwe nomumwe kurudzi rwake nokumhuri yake; vakabudapo murume mumwe nomumwe akaenda kunhaka yake.
24那時,以色列人離開那裡,各人回到自己的支派和自己的家族去;他們離開那裡,各人回到自己的地業去。
25Namazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati palsiraeri; murume mumwe nomumwe waiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka.
25在那些日子,以色列中沒有王,各人都行自己看為對的事。