Shona

聖經新譯本

Ruth

1

1Zvino namazuva okutonga kwavatongi nzara yakanga iripo panyika. Mumwe murume weBheterehemu-judha akandogara panyika yaMoabhu, iye nomukadzi wake navanakomana vake vaviri.
1以利米勒與妻兒遷居摩押在士師統治期間,國內發生了饑荒。有一個人帶著妻子和兩個兒子,從猶大的伯利恆前往摩押地去,寄居在那裡。
2Zita romurume rakanga riri Erimereki, nezita romukadzi wake Naomi; mazita avanakomana vake vaviri aiva Maroni naKirioni, vaEfurata veBheterehemu-judha. Ivo vakasvika panyika yaMoabhu, vakagarako.
2這個人名叫以利米勒,妻子名叫拿俄米,兩個兒子叫瑪倫和基連,都是猶大伯利恆的以法他人。他們到了摩押地,就在那裡住下來了。
3Zvino Erimereki murume waNaomi, akafa, iye akasiiwa navanakomana vake vaviri.
3後來拿俄米的丈夫以利米勒去世了,留下她和兩個兒子。
4Ivo vakazviwanira vakadzi kuvaMoabhu; zita romumwe raiva Oripa, nezita romumwe Rute; vakagarako makore anenge gumi.
4他們娶了摩押女子作妻子,一個名叫俄耳巴,一個名叫路得。他們在那裡住了約有十年。
5Maroni naKirioni vakafawo, vose vari vaviri, mukadzi akasiiwa asina vanakomana vake vaviri nomurume wake.
5後來,瑪倫和基連二人也死了,留下拿俄米,既沒有了兩個兒子,又沒有了丈夫。
6Ipapo akasimuka navakadzi vavana vake, achida kubva kunyika yaMoabhu; nekuti wakange anzwa achiri panyika yaMoabhu, kuti Jehovha wakarangarira vanhu vake, akavapa zvokudya.
6拿俄米與路得同返伯利恆拿俄米還在摩押地的時候,因為聽說耶和華眷顧他的子民,賜糧食給他們,就帶著兩個媳婦動身從摩押地回來。
7Akabva kwaakanga ari navakadzi vavana vake vaviri, vakafamba nenzira inodzokera kunyika yaJudha.
7她離開居住的地方,兩個媳婦也隨她出發,要回到猶大地去。
8Zvino Naomi akati kuvakadzi vavana vake vaviri, Endai, dzokerai mumwe nomumwe kumba kwamai vake; Jehovha ngaakuitirei zvakanaka, sezvamakaitira vakafa neniwo.
8拿俄米對兩個媳婦說:“去吧,你們還是各自回娘家吧。願耶和華恩待你們,像你們善待已死的人和我一樣。
9Jehovha ngaakuzorodzei, mumwe nomumwe mumba momurume wake. Akavatsvoda, ivo vakachema kwazvo.
9願耶和華使你們各人有機會再嫁(“有機會再嫁”原文作“在丈夫家裡”),找到歸宿。”跟著親吻她們,她們就發聲大哭,
10Vakati kwaari, Kwete, tichaenda nemwi kana modzokera kuvanhu venyu.
10說:“不,我們一定要跟你一起回到你同胞那裡去。”
11Naomi akati, Dzokai, vana vangu, muchaendereiko neni? Ini ndichina vamwe vanakomana mumuviri wangu vangazova varume venyu here?
11拿俄米說:“我女兒啊,你們回去吧,為甚麼要跟我去呢?我肚子裡還有兒子作你們的丈夫嗎?
12Dzokai, vana vangu, endai henyu, nekuti ini ndachembera, handingawanikwi nomurumezve. Kunyangwe ndikati; ndichine tariro kuti ndingabereka vanakomana, kana ndaiva nomurume usiku hwuno,
12走吧,我女兒啊,你們回去吧,因為我太老,不能嫁人了,就算我說我還有希望今天晚上有個丈夫,又生兒子,
13mungavamirira kusvikira vakura here? Mungaramba kuwanikwa navamwe varume naizvozvo here? Kwete, vana vangu, nekuti zvinovava kwazvo kwandiri kupfuura imwi, nekuti ruoko rwaJehovha runorwa neni.
13你們可以等到他們長大嗎?你們可以為他們守節而不嫁人嗎?不行,我女兒啊,我為你們非常難過,因為耶和華伸手對付我。”
14Ipapo vakachemazve kwazvo, Oripa akatsvoda vamwene vake, asi Rute wakavanamatira.
14她們又放聲大哭。俄耳巴就和婆婆吻別,路得卻捨不得離開拿俄米。
15Akati, Tarira, vakoma vako vadzokera kuvanhu vako, nokunamwari wake; dzoka newewo, utevere vakoma vako.
15拿俄米說:“你看,你嫂嫂已經回到她同胞和她的神那裡去了。你也跟著嫂嫂回去吧。”
16Rute akati, Musandirwaririra kuti ndikusiyei, ndirege kukuteverai; nekuti pamunoenda neni ndichaendapowo; pamunovata, neni ndichavatapowo; navanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu achava Mwari wangu;
16路得說:“請不要逼我離開你回去,不跟從你。你到哪裡去,我也要到哪裡去;你在哪裡過夜,我也要在哪裡過夜;你的同胞就是我的同胞,你的 神就是我的 神;
17pamunondofira, ndipo pandichandofira neniwo, ndipo pandichavigwawo; Jehovha ngaandirove, arambe achidaro, kana imwi neni tikaparadzaniswa nechinhu, asi norufu chete.
17你死在哪裡,我也要死在哪裡,葬在哪裡。除非死亡把你我分離;如果我離開你,願耶和華加倍懲罰我。”
18Zvino wakati achiona kuti watsungirira kwazvo kuenda naye, akarega kuzotaura naye.
18拿俄米看路得堅決要跟她走,就不再多費唇舌了。
19Naizvozvo ivavo vaviri vakafamba kusvikira paBheterehemu. Zvino vakati vachisvika paBheterehemu, guta rose rikashamiswa pamusoro pavo; vakadzi vakati, Uyu ndiye Naomi here?
19她們雙雙上路,來到伯利恆。她們到達的時候,全城都因她們的緣故騷動起來。婦女們說:“這是拿俄米嗎?”
20Akati kwavari, Regai kundiidza Naomi, asi mundiidze Mara, nekuti waMasimbaose wakandiitira zvinovava kwazvo.
20拿俄米對她們說:“不要叫我拿俄米,叫我瑪拉吧,因為全能者使我吃盡了苦頭。
21Ndakabuda ndizere, Jehovha akandidzoserazve kumusha ndisina chinhu; munondiidzireiko Naomi, Jehovha zvaakandipupurira mhosva, waMasimbaose zvaakandimanikidza?
21我滿滿地出去,耶和華卻使我空空地回來,你們為甚麼還叫我拿俄米呢?耶和華折磨我,全能者加害於我。”
22Naizvozvo Naomi akadzoka naRute muMoabhu, mukadzi womwana wake, vachibva kunyika yaMoabhu; vakasvika paBheterehemu vanhu votanga kukohwa bhari.
22拿俄米就這樣回來了。她媳婦摩押女子路得隨著她從摩押地回來。她們到達伯利恆,正是開始收割大麥的時候。