Shona

聖經新譯本

Luke

10

1Shure kwezvinhu izvi, Ishe wakagadza vamwe makumi manomwewo, akavatuma vaviri vaviri pamberi pechiso chake muguta rimwe nerimwe nenzvimbo imwe neimwe iye kwaakange achizoenda.
1差遣七十二人這些事以後,主又另外指派了七十二個人(“七十二個人”有些抄本作“七十個人”),差遣他們兩個兩個地,在他前面,到他自己將要到的各城各地去。
2Naizvozvo wakati kwavari: Goho zvirokwazvo iguru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai Ishe wegoho kuti abudisire vashandi pagoho rake.
2耶穌對他們說:“莊稼多,工人少,所以你們應當求莊稼的主,派工人出去收他的莊稼。
3Endai; tarirai, ini ndinokutumai semakwayana pakati pemapumhi.
3你們去吧!我差你們去,如同羊羔進入狼群。
4Musatakura chikwama, kana hombodo, kana manyatera; uye musakwazisa munhu panzira.
4不要帶錢囊,不要帶口袋,不要帶鞋,不要在路上問候人。
5Zvino paimba ipi neipi yamunopinda, tangai mati: Rugare kuimba ino.
5無論進哪一家,先說:‘願平安歸與這家!’
6Uye kana mwanakomana werugare ari ipapo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro payo; kana zvisakadaro, ruchadzokera kwamuri.
6那裡若有配得平安的人(“配得平安的人”原文作“平安之子”),你們的平安就必臨到他,不然,就歸給你們。
7Garai muimba iyo, muchidya nekumwa zvinobva kwavari; nekuti mushandi wakafanirwa nemubairo wake; musapota-pota nedzimba.
7你們要住在那家,吃喝他們所供給的,因為作工的理當得工資;不必從這家搬到那家。
8Muguta ripi neripi mamunopinda vakakugamuchirai, idyai zvinoiswa mberi kwenyu,
8無論進哪一城,人若接待你們,擺上甚麼,就吃甚麼。
9muporese varwere varimo, muchiti kwavari: Ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.
9要醫治城中的病人,對他們宣講:‘ 神的國臨近你們了。’
10Asi muguta ripi neripi ramunopinda, vakasakugamuchirayi, budirai munzira dzaro, muti:
10無論進哪一城,人若不接待你們,你們就出來到街上,說:
11Kunyange guruva reguta renyu rakatinamatira, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi, kuti ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.
11‘連你們城裡那黏在我們腳上的塵土,我們也要當著你們擦去。雖然這樣,你們應該知道: 神的國臨近了!’
12Asi ndinoti kwamuri: Zvicharerukira Sodhoma nezuva iro, kupfuura guta iro.
12我告訴你們,當那日,所多瑪所受的,比那城所受的還輕呢。
13Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nekuti dai akaitwa muTire neSidoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vatendeuka kare, vakagara vakapfeka masaga nedota.
13責備不肯悔改的城(太11:21~23)“哥拉遜啊,你有禍了!伯賽大啊,你有禍了!因為在你們那裡行過的神蹟,如果行在推羅和西頓,他們早已披麻蒙灰,坐在地上悔改了。
14Asi zvicharerukira Tire neSidoni pakutongwa, kupfuura imwi.
14在審判的時候,推羅和西頓所受的,比你們所受的還輕呢。
15Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi kuHadhesi*,
15還有你,迦百農啊!你會被高舉到天上嗎?你必降到陰間。
16Unokunzwai imwi unondinzwa ini; neunokurambai imwi unondiramba ini; neunondiramba ini unomuramba wakandituma.
16聽從你們的,就是聽從我;棄絕你們的,就是棄絕我;棄絕我的,就是棄絕那差我來的。”
17Vanemakumi manomwe vakadzoka nemufaro, vachiti: Ishe, nemadhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.
17七十二人回來那七十二個人歡歡喜喜地回來,說:“主啊,因你的名,連鬼也服了我們。”
18Zvino akati kwavari: Ndakaona Satani semheni achiwa achibva kudenga.
18耶穌說:“我看見撒但,像閃電一樣從天墜落。
19Tarirai, ndinopa kwamuri simba rekutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, nepamusoro pesimba rose remuvengi; hakuna chinhu chingatongokukuvadzai.
19我已經給你們權柄,去踐踏蛇和蠍子,勝過仇敵的一切能力。絕對沒有甚麼能傷害你們了。
20Asi musafara nechinhu ichi kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi zvikuru mufare kuti mazita enyu akanyorwa kumatenga.
20然而不要因為鬼服了你們就歡喜,卻要因為你們的名字記錄在天上而歡喜。”
21Neawa iro Jesu wakafara mumweya, akati: Ndinokuvongai, Baba, Ishe wekudenga nenyika, kuti makavanza zvinhu izvi kune vakachenjera nevanonzwisisa, mukazvizarurira vacheche; hongu, Baba, nekuti saizvozvo zvakava zvakanaka pamberi penyu.
21耶穌歡樂讚美天父(太11:25~27,13:16~17)就在這時候,耶穌因聖靈而歡樂,說:“父啊,天地的主,我讚美你,因為你把這些事向智慧和聰明的人隱藏起來,卻向嬰孩顯明。父啊,是的,這就是你的美意。
22Zvose zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna unoziva kuti Mwanakomana ndiani, kunze kwaBaba, uye kuti Baba ndiani, kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanoda kuzarurira.
22我父已經把一切交給我;除了父沒有人知道子是誰,除了子和子所願意啟示的人,也沒有人知道父是誰。”
23Zvino akatendeukira kuvadzidzi vari vega akati: Akaropafadzwa meso anoona zvamunoona.
23耶穌轉過身來,悄悄地對門徒說:“看見你們所看見的,那眼睛有福了!
24Nekuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji nemadzimambo vaishuva kuona zvinhu zvamunoona imwi, asi havana kuzviona, nekunzwa zvinhu zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa.
24我告訴你們,曾經有許多先知和君王,想看你們所看見的,卻沒有看到;想聽你們所聽見的,卻沒有聽到。”
25Zvino tarira, imwe nyanzvi yemutemo yakasimuka, ichimuidza, ichiti: Mudzidzisi, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?
25好撒瑪利亞人的比喻(太22:34~40;可12:28~31)有一個律法師起來試探耶穌,說:“老師,我應該作甚麼,才可以承受永生呢?”
26Ndokuti kwaari: Pamurairo pakanyorwei? Unoverenga sei?
26耶穌對他說:“律法上寫的是甚麼?你怎麼念的呢?”
27Uye achipindura, akati: Ude Ishe Mwari wako, nemoyo wako wose, uye nemweya wako wose, uye nesimba rako rose, uye nefungwa dzako dzose; neumwe wako sezvaunozvida iwe.
27他回答:“你要全心、全性、全力、全意愛主你的 神,並且要愛鄰舍如同自己。”
28Akati kwaari: Wapindura zvakarurama; ita izvozvo, ugorarama.
28耶穌說:“你答得對,你這樣行,就必得生命。”
29Iye, achida kuzviruramisa, wakati kuna Jesu: Zvino ndiani umwe wangu?
29那人想證明自己有理,就對耶穌說:“誰是我的鄰舍呢?”
30Jesu akapindura akati: Umwe munhu wakaburuka kubva kuJerusarema achienda Jeriko; akawira pakati pemakororo, akamukururawo akamupa mavanga akaenda, ndokusiya oda kufa.
30耶穌回答:“有一個人從耶路撒冷下耶利哥去,落在強盜手中。他們剝去他的衣服,把他打得半死,撇下他一個人就走了。
31Zvakangoitikawo kuti umwe mupristi wakange achiburuka nenzira iyo; akati achimuona, akapfuura neparutivi rwakapesa.
31正好有一個祭司,從那條路下來,看見他,就從旁邊走過去了。
32Saizvozvowo muRevhi asvika panzvimbo iyo, akamuona, akapfuura neparutivi rwakapesa.
32又有一個利未人,來到那裡,看見他,也照樣從旁邊走過去了。
33Zvino umwe muSamaria, wakange achifamba wakasvika paaiva, akati achimuona akanzwa tsitsi,
33只有一個撒瑪利亞人,旅行來到他那裡,看見了,就動了憐憫的心,
34akaswedera ndokupomba mavanga ake, achidira mafuta newaini; akamugadza pachipfuwo chake pachake, ndokumuisa kuimba yevafambi, ndokumuchengeta.
34上前用油和酒倒在他的傷處,包裹好了,把他扶上自己的牲口,帶他到客店裡照顧他。
35Zvino pamangwana oenda, wakabudisa madhenari* maviri akapa kumwene weimba, akati kwaari: Muchengete; uye zvose zvaunoshandisa kupfuura izvi, ini ndichakupazve, kana ndichidzoka.
35第二天,他拿出兩個銀幣交給店主,說:‘請你照顧他,額外的開支,我回來的時候必還給你。’
36Naizvozvo ndeupi wevatatu ava waunofunga kuti waiva umwe waiye wakawira pakati pemakororo?
36你想,這三個人,誰是那個落在強盜手中的人的鄰舍呢?”
37Akati: Ndiye wakamuitira tsitsi. Ipapo Jesu akati kwaari: Enda, newe unoita saizvozvo.
37他說:“是那憐憫他的。”耶穌說:“你去,照樣作吧。”
38Zvino zvakaitika pakufamba kwavo, kuti iye wakapinda mune umwe musha; umwe mukadzi wainzi Marita akamugamuchira mumba make.
38馬大和馬利亞他們走路的時候,耶穌進了一個村莊。有一個名叫馬大的女人,接他到家裡。
39Uye iye wakange ane munin'inawo wainzi Maria, wakagarawo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.
39她有一個妹妹,名叫馬利亞,坐在主的腳前聽道。
40Asi Marita wakange akabatikana kwazvo nekushanda kukuru, akaswedera akati: Ishe, hamuna hanya here nekuti munin'ina wangu wandisiya ndoga ndichishanda? Naizvozvo muudzei kuti andibatsire.
40馬大被許多要作的事,弄得心煩意亂,就上前來,說:“主啊,我妹妹讓我一個人侍候,你不理嗎?請吩咐她來幫助我。”
41Jesu akapindura akati kwaari: Marita, Marita, unozvidya moyo nekutambudzika nezvinhu zvizhinji;
41主回答她:“馬大,馬大,你為許多事操心忙碌,
42asi chinhu chimwe chinodikamwa; asi Maria wasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.
42但是最需要的只有一件,馬利亞已經選擇了那上好的分,是不能從她奪去的。”