Shona

聖經新譯本

Luke

11

1Zvino zvakaitika achinyengetera pane imwe nzvimbo, apo amira, umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johwani sezvaakadzidzisawo vadzidzi vake.
1祈求就必得著(太6:9~13,7:7~11)有一天,耶穌在一個地方祈禱,祈禱完了,有一個門徒對他說:“主啊,求你教導我們禱告,像約翰教導他的門徒一樣。”
2Ndokuti kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene. Ushe hwenyu ngahwuuye. Chido chenyu ngachiitwe, panyika sezvachinoitwa kudenga.
2耶穌說:“你們禱告的時候,要說:‘父啊,願你的名被尊為聖,願你的國降臨(有些抄本在此有“願你的旨意行在地上,如同行在天上”一句);
3Mutipei zuva rimwe nerimwe chikafu chedu chemazuva ose.
3我們需用的食物,求你每天賜給我們;
4Uye mutikangamwire zvivi zvedu, nekuti isuwo tinokangamwira vose vane mhosva kwatiri. Uye musatipinza pakuidzwa, asi mutisunungure pakuipa.
4赦免我們的罪,因為我們也饒恕所有虧負我們的人;不要讓我們陷入試探(有些抄本在此有“救我們脫離那惡者”一句)。’”
5Akati kwavari: Ndeupi wenyu une shamwari, uye unoenda kwaari pakati peusiku, akati kwaari: Shamwari, ndikwerete zvingwa zvitatu,
5耶穌又對他們說:“你們當中,誰有朋友半夜去找他,說:‘請你借給我三個餅,
6nekuti shamwari yangu yasvika kwandiri ichibva parwendo, asi handina chinhu chandingamuperekera;
6因為我有一個朋友旅行來到我這裡,我沒有甚麼可以招待他。’
7uye uyo ari mukati akapindura akati: Usandinetsa; ikozvino mukova wapfigwa, nevana vangu vaduku vaneni pamubhedha; handigoni kumuka ndikakupa.
7而他卻在裡面回答:‘不要麻煩我,門已經關好了,孩子也跟我在床上了,我不能起來拿給你。’
8Ndinoti kwamuri: Kunyange akasamuka akamupa, nekuda kwekuva shamwari yake, asi nekuda kwekutsungirira kwake uchamuka akamupa zvose zvaanoshaiwa.
8我告訴你們,即使不因為他是朋友而起來給他,也會因為他厚顏地直求,而起來照他所需要的給他。
9Zvino ini ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
9我又告訴你們,你們祈求,就給你們;尋找,就尋見;叩門,就給你們開門。
10Nekuti wose unokumbira unogamuchira; neunotsvaka unowana; neunogogodza unozarurirwa.
10因為所有祈求的就得著,尋找的就尋見,叩門的就給他開門。
11Kuti ndeupi wenyu ari baba, kana mwanakomana achikumbira chingwa, ungazomupa ibwe? Kanawo hove, ungazomupa nyoka panzvimbo yehove here?
11你們中間作父親的,哪有兒子求魚,反拿蛇給他呢?
12Kanawo kuti akakumbira zai, ungazomupa chinyavada here?
12或求雞蛋,反給他蠍子呢?
13Naizvozvo kana imwi makaipa muchiziva kupa zvipo zvakanaka vana venyu, Baba vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanovakumbira.
13你們雖然不好,尚且知道把好東西給自己的兒女,何況天父,豈不更把聖靈賜給求他的人嗎?”
14Zvino wakange achibudisa dhimoni iro raiva chimumumu. Zvino zvakaitika kuti dhimoni rabuda, chimumumu chikataura; chaunga chikashamisika.
14耶穌靠 神的能力趕鬼(太12:22~30;可3:22~27)耶穌趕出一個啞巴鬼,鬼既出去,啞巴就說起話來,眾人都希奇。
15Asi vamwe vavo vakati: Unobudisa madhimoni naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.
15有人說:“他靠鬼王別西卜趕鬼。”
16Uye vamwe vachiidza, vakatsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga.
16又有人試探他,向他求一個從天上來的神蹟。
17Asi iye achiziva mifungo yavo wakati kwavari: Ushe hwose hwunopesana hwuchizvipikisa hwunoparadzwa; neimba inopikisana neimba inowa.
17耶穌知道他們的心意,就對他們說:“如果一個國家自相紛爭,就必定荒涼;如果一個家庭自相為敵,就必然敗落。
18Kana Sataniwo achipesana achizvipikisa, ushe hwake hwungazomira sei? Nekuti munoti, ndinobudisa madhimoni naBheerizebhuri.
18如果撒但自相紛爭,他的國怎能站立得住呢?你們說我靠別西卜趕鬼,
19Asi kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanobudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
19我若靠別西卜趕鬼,你們的子孫趕鬼又靠誰呢?因此,他們必要作你們的審判官。
20Asi kana ndichibudisa madhimoni nemumwe waMwari, naizvozvo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
20我若靠 神的能力趕鬼,這就是 神的國臨到你們了。
21Kana hamburamakaka yashonga nhumbi dzekurwa ichirinda chivanze chayo, nhumbi dzayo dziri murugare;
21一個壯漢拿著武器,看守自己的家園,他的家財就平安無事。
22asi kana wakasimba kuipfuura akairwisa, akaikunda, unotora nhumbi dzayo dzose dzekurwa dzayange ichivimba nadzo, ndokugovera zvayapamba zvayo.
22但是一個比他更強的人來了,勝過了他,奪去他所倚靠的武器,就把他的家財當作掠物分了。
23Usina ini, unopesana neni; neusingaunganidzi neni unoparadzira.
23不站在我這一邊的就是反對我的;不跟從一起收聚的就是分散的。
24Kana mweya wetsvina wabuda mumunhu, unofamba achigura nemunzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; asi achishaiwa unoti: Ndichadzokera kuimba yangu kwandakabuda.
24污靈去而復返的教訓(太12:43~45)“一個污靈離開了一個人,走遍乾旱之地,尋找棲身的地方,卻沒有找到,就說:‘我要回到我從前離開了的那房子。’
25Zvino kana wasvika unowana yatsvairwa nekurongedzwa.
25到了之後,看見裡面已經打掃乾淨,粉飾好了,
26Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye imwe mweya minomwe yakaipa kumupfuura, ndokupinda ndokugaramo; uye kuguma kwemunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga.
26他就去帶了另外七個比自己更惡的污靈來,進去住在那裡;那人後來的情況,比以前更壞了。”
27Zvino zvakaitika pakutaura kwake zvinhu izvozvi, umwe mukadzi pakati pechaunga akasimudza inzwi, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, nemazamu amakayamwa.
27約拿的神蹟(太12:39~42)耶穌正說這些話的時候,群眾中有一個女人高聲對他說:“懷你胎的和哺養你的有福了!”
28Asi iye akati: Hongu, asi zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta.
28他說:“是的,卻還不如聽 神的道而遵守的人有福。”
29Zvino kwakati kwaungana zvaunga zvakatsikirirana, akatanga kuti: Zera iri rakaipa; rinotsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chichazopiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.
29眾人聚集的時候,耶穌就說:“這世代是個邪惡的世代。這世代尋求神蹟,可是除了約拿的神蹟以外,再沒有神蹟給他們了。
30Nekuti Jona sezvaakava chiratidzo kuvaNinivhi, saizvozvowo zvichaita Mwanakomana wemunhu kuzera iri.
30約拿怎樣成了尼尼微人的神蹟,人子也照樣成為這個世代的神蹟。
31Mambokadzi wekumaodzanyemba uchasimuka pakutongwa pamwe nevarume vezera iri akaripa mhosva; nekuti wakabva pamigumo yenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni uri pano.
31審判的時候,南方的女王要和這世代的人一同起來,她要定他們的罪,因為她從地極來到,要聽所羅門智慧的話。你看,這裡有一位是比所羅門更大的。
32Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga nezera iri, vakaripa mhosva, nekuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona; zvino tarira, mukuru kuna Jona uri pano.
32審判的時候,尼尼微人要和這世代的人一同起來,他們要定這個世代的罪,因為尼尼微人聽了約拿所傳的就悔改了。你看,這裡有一位是比約拿更大的。
33Hakuna munhu unoti kana atungidza mwenje unoisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.
33裡面的光(太5:15,6:22~23)“沒有人點了燈,把它放在地窖裡,或量器底下,卻放在燈臺上,叫進來的人看得見光。
34Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wakowo wose uzere nechiedza; asi kana rakaipa, muviri wakowo une rima.
34你的眼睛就是你身體的燈,你的眼睛健全,全身就明亮;如果不健全,全身就黑暗。
35Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chisava rima.
35所以要謹慎,免得你裡面的光黑暗了。
36Naizvozvo kana muviri wako wose uzere nechiedza, pasina rumwe rutivi rwune rima, uchazara nechiedza wose, sepaya mwenje uchikuvhenekera nekupenya.
36你若全身明亮,沒有一點黑暗,你就完全明亮,好像明亮的燈光照你一樣。”
37Zvino wakati achataura, umwe muFarisi akamukumbira kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya.
37法利賽人和律法師有禍了(太23:1~36;可12:38~40)耶穌說話的時候,有一個法利賽人請耶穌和他一起吃飯;他就進去坐席。
38Zvino muFarisi wakati achiona, akashamisika kuti wakange asina kushamba asati adya chisvusvuro.
38這個法利賽人見耶穌吃飯之前不洗手,覺得奇怪。
39Ishe ndokuti kwaari: Ikozvino imwi vaFarisi munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati menyu muzere neupambi neuipi.
39主對他說:“你們法利賽人把杯盤的外面洗淨,但你們裡面卻充滿了搶奪和邪惡。
40Mapenzi, heya wakaita kunze, haana kuita mukatiwo?
40無知的人哪,那造外面的,不也造裡面嗎?
41Asi ipai sechipo kuvarombo izvo zvinhu zvemukati; zvino tarirai, zvose zvichava zvakachena kwamuri.
41只要把裡面的施捨出去,你們的一切就都潔淨了。
42Asi mune nhamo vaFarisi! Nekuti munopa chegumi cheminte* neruyi* nemirivo yose, uye muchirega kururamisira mhaka nerudo rwaMwari; maifanira kuita izvi, nekusarega zvimwe.
42然而你們法利賽人有禍了!因為你們把薄荷、茴香和各樣菜蔬獻上十分之一,卻把公義和愛 神的事疏忽了;這些是你們應當作的,但其他的也不可疏忽。
43Mune nhamo vaFarise! Nekuti munoda zvigaro zvepamusoro mumasinagoge, nekwaziso pamisika.
43你們法利賽人有禍了!因為你們喜愛會堂裡的高位和人在巿中心的問安。
44Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nekuti makafanana semarinda asingaonekwi, uye vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.
44你們有禍了!因為你們好像不顯露的墳墓,走在上面的人並不知道。”
45Zvino umwe wenyanzvi dzemutemo wakapindura akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo munotuka isuwo.
45律法師中有一個回答他:“老師,你這樣說,把我們也侮辱了!”
46Asi akati: Mune nhamowo imwi nyanzvi dzemutemo! Nekuti munoremedza vanhu nemitoro inorema kutakurwa, asi imwi momene hamubati mitoro iyo kunyange neumwe wemimwe yenyu.
46耶穌說:“你們律法師也有禍了,因為你們把難擔的擔子叫人擔,自己連一個指頭也不動。
47Mune nhamo! Nekuti munovaka marinda avaporofita, uye madzibaba enyu akavauraya.
47你們有禍了!因為你們修造先知的墳墓,而那些先知正是你們祖先所殺的,
48Naizvozvi munopupura kuti munotenderana nemabasa emadzibaba enyu; nekuti ivo vakavauraya zvirokwazvo, imwiwo munovaka marinda avo.
48這樣,你們就成了證人,對你們祖先的作為表示同意;他們殺害先知,你們修造先知的墳墓。
49Naizvozvo uchenjeri hwaMwari hunotiwo: Ndichavatumira vaporofita nevaapositori, vamwe vavo vachauraya nekushusha;
49所以, 神的智慧說:‘我要差遣先知和使徒到他們那裡去,有的他們要殺害,有的他們要迫害,
50kuti ropa revaporofita vose rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika ritsvakwe pazera iri,
50為要使創世以來眾先知所流的血,從亞伯的血起,直到在祭壇和聖所之間受害的撒迦利亞的血為止,都向這一代追討。’是的,我告訴你們,都要向這一代追討。
51kubva paropa raAberi kusvikira paropa raZakaria wakaparara pakati pearitari neimba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri: Richatsvakwa pazera iri.
51
52Mune nhamo, nyanzvi dzemutemo! Nekuti makabvisa kiyi yeruzivo; hamuna kupinda momene, nevaipinda makavadzivirira.
52你們律法師有禍了!因為你們拿去知識的鑰匙,自己不進去,又阻止要進去的人。”
53Wakati achitaura zvinhu izvi kwavari, vanyori nevaFarisi vakatanga kuita daka naye zvikurusa, nekumubvunzisisa pamusoro pezvizhinji,
53耶穌從那裡出來,經學家和法利賽人非常敵視他,質問他很多問題,
54vachimuteya, nekutsvaka kubata chinhu chinobuda mumuromo make, vagomupa mhosva.
54等機會從他的口中找把柄。