Shona

聖經新譯本

Numbers

1

1Zvino Jehovha akataura naMozisi murenje reSinai, patende rokusangana, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri negore rechipiri rokubuda kwavo Egipita, akati,
1以色列人第一次數點人口以色列人出埃及地以後,第二年二月一日,耶和華在西奈的曠野,在會幕裡對摩西說:
2Verenga ungano yose yavana vaIsiraeri, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avarume vose, mumwe nomumwe.
2“你們要把以色列全體會眾,按著他們的宗族、父家,根據人名數目,統計人口;所有男丁,都要按著人口登記。
3Iwe naAroni muverenge mapoka avo, vana makore ana makumi maviri navanopfuura, vose pakati pavaIsiraeri vanogona kundorwa.
3在以色列中,凡是二十歲以上,能出去打仗的,你和亞倫要按著他們的隊伍數點他們。
4Munofanira kuenda nomurume worudzi rumwe norumwe, mukuru weimba yamadzibaba ake.
4每一個支派要有一人幫助你們;他們每一個都是他父家的首領。
5Ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsirai: WokwaRubheni, Erizuri, mwanakomana waShedheuri.
5以下就是幫助你們的人的名字:屬流本支派的,有示丟珥的兒子以利蓿;
6WokwaSimioni, Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai.
6屬西緬支派的,有蘇利沙代的兒子示路蔑;
7WokwaJudha, Nashoni, mwanakomana waAminadhabhu.
7屬猶大支派的,有亞米拿達的兒子拿順;
8WokwaIsakari, Netaneri, mwanakomana waZuari.
8屬以薩迦支派的,有蘇押的兒子拿坦業;
9WokwaZebhuruni, Eriabhu, mwanakomana waHeroni.
9屬西布倫支派的,有希倫的兒子以利押;
10Vokuvana vaJosefa: WokwaEfuremu, Erishama, mwanakomana waAmihudhi; wokwaManase, Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri.
10約瑟的子孫中,屬以法蓮支派的,有亞米忽的兒子以利沙瑪;屬瑪拿西支派的,有比大蓿的兒子迦瑪列;
11WokwaBhenjamini, Abhidhani, mwanakomana waGidheoni.
11屬便雅憫支派的,有基多尼的兒子亞比但。
12WokwaDhani, Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai.
12屬但支派的,有亞米沙代的兒子亞希以謝;
13WokwaAsheri, Pagieri, mwanakomana waOkirani.
13屬亞設支派的,有俄蘭的兒子帕結;
14WokwaGadhi, Eriasafi, mwanakomana waDheueri.
14屬迦得支派的,有丟珥的兒子以利雅薩;
15WokwaNafutari, Ahira, mwanakomana waEnani.
15屬拿弗他利支派的,有以南的兒子亞希拉。
16Ndivo vakadamwa paungano, ari machinda amarudzi amadzibaba avo, vakuru vedzimba dzavaIsiraeri.
16這些人是從會眾中選出來,都是他們宗族支派的領袖;他們是以色列的族長。”
17Zvino Mozisi naAroni vakatora varume ava varehwa mazita avo,
17於是,摩西和亞倫帶著這些提名指定的人,
18vakakoka vaIsiraeri vose nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, ivo vakavarondedzera marudzi avo, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avose vakanga vana makore ana makumi maviri navanopfuura, mumwe nomumwe.
18在二月一日召集了全體會眾;他們就照著他們的宗族,按照他們的父家,根據人名數目,二十歲以上的,都按著人口一一登記了。
19Akavaverenga murenje reSinai, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
19耶和華怎樣吩咐摩西,摩西就怎樣在西奈的曠野數點了他們。
20Vokuvana vaRubheni, mwanakomana wedangwe waIsiraeri navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, mumwe nomumwe, varume vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kuenda kuhondo,
20以色列的長子,流本子孫的後代,照著宗族、父家,根據人名數目,按著人口,二十歲以上,能出去打仗的男丁,都登記了;
21vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaRubheni vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitanhatu namazana mashanu.
21流本支派被數點的,共有四萬六千五百人。
22Vokuvana vaSimioni, namarudzi avo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vakaverengwa kwavari namazita avo, vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
22西緬子孫的後代,照著宗族、父家,根據人名數目,按著人口,二十歲以上,能出去打仗的男丁,都登記了;
23vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaSimioni, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvipfumbamwe namazana matatu.
23西緬支派被數點的,共有五萬九千三百人。
24Vokuvana vaGadhi, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
24迦得子孫的後代,照著他們的宗族、父家,根據人名數目,二十歲以上,凡是能出去打仗的,都登記了;
25vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaGadhi, vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu namakumi mashanu.
25迦得支派被數點的,共有四萬五千六百五十人。
26Vokuvana vaJudha, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
26猶大子孫的後代,照著他們的宗族、父家,根據人名數目,二十歲以上,凡是能出去打仗的,都登記了;
27vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaJudha, vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvina namazana matanhatu.
27猶大支派被數點的,共有七萬四千六百人。
28Vokuvana vaIsakari, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
28以薩迦子孫的後代,照著他們的宗族、父家,根據人名數目,二十歲以上,凡是能出去打仗的,都登記了;
29vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaIsakari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu namazana mana.
29以薩迦支派被數點的,共有五萬四千四百人。
30Vokuvana vaZebhuruni, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
30西布倫子孫的後代,照著他們的宗族、父家,根據人名數目,二十歲以上,凡是能出去打仗的,都登記了;
31vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaZebhuruni, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvinomwe namazana mashanu.
31西布倫支派被數點的,共有五萬七千四百人。
32Vokuvana vaJosefa, ivo vana vaEfuremu, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri, vose vaigona kundorwa,
32約瑟的兒子,以法蓮子孫的後代,照著他們的宗族、父家,根據人名數目,二十歲以上,凡是能出去打仗的,都登記了;
33vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaEfuremu, vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu.
33以法蓮支派被數點的,共有四萬零五百人。
34Vokuvana vaManase, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
34瑪拿西子孫的後代,照著他們的宗族、父家,根據人名數目,二十歲以上,凡是能出去打仗的,都登記了;
35vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaManase, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri namazana maviri.
35瑪拿西支派被數點的,共有三萬二千二百人。
36Vokuvana vaBhenjamini, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
36便雅憫子孫的後代,照著他們的宗族、父家,根據人名數目,二十歲以上,凡是能出去打仗的,都登記了;
37vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaBhenjamini, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvishanu namazana mana.
37便雅憫支派被數點的,共有三萬五千四百人。
38Vokuvana vaDhani, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
38但子孫的後代,照著他們的宗族、父家,根據人名數目,二十歲以上,凡是能出去打仗的,都登記了;
39vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaDhani, vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu namazana manomwe.
39但支派被數點的,共有六萬二千七百人。
40Vokuvana vaAsheri, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
40亞設子孫的後代,照著宗族、父家,根據人名數目,二十歲以上,凡是能出去打仗的,都登記了;
41vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaAsheri, vakasvika zviuru zvina makumi mana nechiuru chimwe, namazana mashanu.
41亞設支派被數點的,共有四萬一千五百人。
42Vokuvana vaNafutari, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
42拿弗他利子孫的後代,照著他們的宗族、父家,根據人名數目,二十歲以上,凡是能出去打仗的,都登記了;
43vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaNafutari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitatu namazana mana.
43拿弗他利支派被數點的,共有五萬三千四百人。
44Ndivo vakaverengwa, vakaverengwa naMozisi naAroni, namachinda avaIsiraeri, vaiva varume vane gumi navaviri, mumwe nomumwe panzvimbo yeimba yababa vake.
44以上就是被數點的人數,是摩西和亞倫,以及以色列的首領十二人(每父家一人)所數點的。
45Naizvozvo vose vakaverengwa vavana vaIsiraeri nedzimba dzamadzibaba avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa pakati pavaIsiraeri,
45這樣,在以色列中,按著父家,二十歲以上,凡是能出去打仗的以色列人,都登記了;
46vose vakaverengwa vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu.
46被數點的,共有六十萬零三千五百五十人。
47Asi vaRevhi, norudzi rwamadzibaba avo, havana kuverengwa pakati pavo.
47利未人不計算在內只有利未人沒有按著他們家族的支派,數點在其中。
48nekuti Jehovha akanga ataura naMozisi akati,
48因為耶和華曾對摩西說:
49Asi vorudzi rwaRevhi voga usavaverenga, usavaverengera pakati pavana vaIsiraeri,
49“只有利未支派,你不可數點,也不可把他們的總數列入以色列人中。
50asi vaRevhi uvagadze, vave varitariri vetabhenakeri yechipupuriro, nenhumbi dzayo dzose, nezvose zvayo; ndivo vanofanira kutakura tabhenakeri, nenhumbi dzayo dzose, nekushumirapo, nokukomba tabhenakeri nemisasa yavo.
50只要派利未人管理法櫃的帳幕,和其中的一切器具,以及一切屬於帳幕的事物;他們要抬帳幕和其中的一切器具;他們要辦理帳幕的事,在帳幕四周安營。
51Zvino kana tabhenakeri ichipfuura mberi, vaRevhi ndivo vanofanira kuibvisa; uye kana tabhenakeri ichidzikwazve, vaRevhi ndivo vanofanira kuivaka; munhu asina kufanira anoswederako, anofanira kuurawa.
51帳幕要起行的時候,利未人要把它拆卸下來;帳幕要支搭的時候,利未人要把它豎立起來;如果有外人走近,必須處死。
52Vana vaIsiraeri vanofanira kudzika matende avo, mumwe nomumwe pamisasa yovokwake, mumwe nomumwe pamureza wovokwake, vachiita mapoka avo.
52以色列人安營,要依照他們的隊伍,各歸本營,各歸本旗。
53Asi vaRevhi vanofanira kudzika matende avo vachikomba tabhenakeri yechipupuriro, kuti rudzi rwavana vaIsiraeri rurege kutsamwirwa; vaRevhi vanofanira kubata mabasa etabhenakeri yechipupuriro.
53但利未人要在法櫃帳幕的四周安營,免得 神的忿怒臨到以色列的會眾;利未人要負看守法櫃的帳幕的責任。”
54Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi sezvaakarairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.
54以色列人就這樣行了,耶和華怎樣吩咐摩西,他們就怎樣行。