1Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,
1各支派紮營的次序和位置耶和華對摩西和亞倫說:
2Vana vaIsiraeri vanofanira kudzika matende avo, mumwe nomumwe pamureza wowokwake, nezviratidzo zvedzimba dzamadzibaba avo; vanofanira kudzika matende avo vakatarisana netende rokusangana vakarikomba.
2“以色列人要各歸自己的旗下,在自己父家的旗號下安營;他們要在會幕四周稍遠的地方安營。
3Vanodzika kurutivi rwamabvazuva, nokunobuda zuva nako, vanofanira kuva vomureza wemisasa yaJudha, namapoka avo; Nashoni mwanakomana waAminadhabhu ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaJudha.
3在東方向著日出之地,按著隊伍安營的,是猶大營的旗號;猶大人的領袖是亞米拿達的兒子拿順。
4Boka rake navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvina namazana matanhatu.
4他的隊伍被數點的,共有七萬四千六百人。
5Vanodzika kurutivi rwavo vanofanira kuva vorudzi rwaIsakari; Netaneri, mwanakomana waZuari ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaIsakari.
5在他旁邊安營的,是以薩迦支派;以薩迦人的領袖是蘇押的兒子拿坦業,
6Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvina, namazana mana.
6他的隊伍被數點的,共有五萬四千四百人。
7Novorudzi rwaZebhuruni; Eriabhu, mwanakomana waHeroni, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaZebhuruni.
7又有西布倫支派;西布倫人的領袖是希倫的兒子以利押。
8Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.
8他的隊伍被數點的,共有五萬七千四百人。
9Vose vakaverengwa vemisasa yaJudha vakanga vane zviuru zvine zana nezviuru zvina makumi masere nezvitanhatu namazana mana, namapoka avo. Ndivo vanofanira kutanga kusimuka.
9凡是屬猶大營,按著隊伍被數點的,共有十八萬六千四百人;他們要首先出發。
10Kurutivi rwezasi ndiko kunofanira kuva nomureza wemisasa yaRubheni, namapoka avo; Erizuri, mwanakomana waShedheuri, ndiye unofanira kuva muchinda wavana vaRubheni.
10“在南方,按著隊伍,是流本營的旗號;流本人的領袖是示丟珥的兒子以利蓿。
11Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitanhatu namazana mashanu.
11他的隊伍被數點的,共有四萬六千五百人。
12Rudzi rwaSimioni ndivo vanofanira kudzika kurutivi rwake; Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaSimioni.
12在他旁邊安營的,是西緬支派;西緬人的領袖是蘇利沙代的兒子示路蔑。
13Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvipfumbamwe namazana matatu.
13他的隊伍被數點的,共有五萬九千三百人。
14worudzi rwaGadhi Eriasafi mwanakomana waReueri, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaGadhi.
14又有迦得支派;迦得人的領袖是丟珥的兒子以利雅薩。
15Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvinamakumi mana nezvishanu namazana matanhatu namakumi mashanu.
15他的隊伍被數點的,共有四萬五千六百五十人。
16Vose vakaverengwa pamisasa yaRubheni vakasvika zviuru zvine zana rimwe namakumi mashanu nechiuru chimwe namazana mana namakumi mashanu, namapoka avo. Ndivo vanofanira kusimuka rwechipiri.
16凡是屬流本營,按著隊伍被數點的,共有十五萬一千四百五十人;他們要作第二隊起行。
17Zvino tende rokusangana rinofanira kusimuka pamwechete nemisasa yavaRevhi pakati pemisasa yose; nomutowo wavanodzika matende avo, vanofanira kusimuka saizvozvo, mumwe nomumwe panzvimbo yake, pamureza wake.
17“會幕和利未人的營要在眾營中間前行;他們怎樣安營,就怎樣出發前行;各按本位,各歸本旗。
18Kurutivi rwamavirazuva kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaEfuremu, namapoka avo; Erishama, mwanakomana waAmihudhi, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaEfuremu.
18“在西方,按著隊伍,是以法蓮營的旗號;以法蓮人的領袖是亞米忽的兒子以利沙瑪。
19Boka rake, navakaverengwa kwaari, vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu.
19他的隊伍被數點的,共有四萬零五百人。
20Rudzi rwaManase vanofanira kudzika kurutivi rwavo; Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaManase.
20在他旁邊的,是瑪拿西支派,瑪拿西人的領袖是比大蓿的兒子迦瑪列。
21Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri namazana maviri.
21他的隊伍被數點的,共有三萬二千二百人。
22Norudzi rwaBhenjamini: Abhidhani, mwanakomana waGidheoni, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaBhenjamini.
22又有便雅憫支派;便雅憫人的領袖是基多尼的兒子亞比但。
23Boka rake, navose vakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvishanu namazana mana.
23他的隊伍被數點的,共有三萬五千四百人。
24Vose vakaverengwa pamisasa yaEfuremu vakasvika zviuru zvine zana nezvisere nezana rimwe, namapoka avo. Ndivo vanofanira kusimuka rwechitatu.
24凡是屬以法蓮營,按著隊伍被數點的,共有十萬零八千一百人;他們要作第三隊起行。
25Kurutivi rwokumusoro kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaDhani, namapoka avo; Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaDhani.
25“在北方,按著隊伍,是但營的旗號;但人的領袖是亞米沙代的兒子亞希以謝。
26Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezviviri namazana manomwe.
26他的隊伍被數點的,共有六萬二千七百人。
27Rudzi rwaAsheri ndivo vanofanira kudzika kurutivi rwavo; Pagieri, mwanakomana waOkirani, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaAsheri.
27在他旁邊安營的,是亞設支派;亞設人的領袖是俄蘭的兒子帕結。
28Boka rake navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mana nechimwe namazana mashanu.
28他的隊伍被數點的,共有四萬一千五百人。
29Norudzi rwaNafutari; Ahira, mwanakomana waEnani, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaNafutari.
29又有拿弗他利支派;拿弗他利人的領袖是以南的兒子亞希拉。
30Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitatu namazana mana.
30他的隊伍被數點的,共有五萬三千四百人。
31Vose vakaverengwa pamisasa yaDhani vakasvika zviuru zvine zana namakumi mashanu nezvinomwe namazana matanhatu. Ndivo vanofanira kusimuka pakupedzisira pamireza yavo.
31凡是屬但營被數點的,共有十五萬七千六百人;他們要隨著自己的旗號,最後起行。”
32Ndivo vakaverengwa vavana vaIsiraeri nedzimba dzamadzibaba avo; vose vakaverengwa pamisasa yavo, namapoka avo, vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu.
32以上是照著他們的父家被數點的以色列人;所有按著他們的隊伍在眾營中被數點的,共有六十萬零三千五百五十人。
33Asi vaRevhi havana kuverengwa pakati pavana vaIsiraeri, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
33只有利未人沒有數點在以色列人中,這是耶和華吩咐摩西的。
34Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi sezvaakarairwa zvose naJehovha, saizvozvo vakadzika matende avo pamireza yavo, mumwe nomumwe pamhuri dzavo, padzimba dzamadzibaba avo.
34以色列人就照著耶和華吩咐摩西的一切行了,他們隨著自己的旗號安營,各人按著自己的宗族和父家起行。