1Zvino ndiwo marudzi aAroni naMozisi nomusi wakataura Jehovha nawo naMozisi pagomo reSinai:
1亞倫的後代耶和華在西奈山上與摩西說話的日子,亞倫和摩西的後代如下。
2Ndiwo mazita avanakomana vaAroni: Wedangwe, Nadhabhi, tevere Abhihu naEreazari naltamari.
2亞倫的兒子的名字如下:長子是拿答,還有亞比戶、以利亞撒、以他瑪。
3Ndiwo mazita avanakomana vaAroni, vapristi vakazodzwa, vaakagadza kuti vashumire pabasa roupristi.
3這就是亞倫的兒子的名字,他們是受膏的祭司,是摩西叫他們承受聖職擔任祭司的職分的。
4Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pamberi paJehovha nguva yavakauyisa moto usakafanira pamberi paJehovha murenje reSinai; vakanga vasina vana; asi Ereazari naItamari vakashumira pabasa roupristi pamberi paAroni, baba vavo.
4拿答和亞比戶在西奈曠野把凡火獻在耶和華面前的時候,死在耶和華面前;他們沒有兒子;以利亞撒和以他瑪,就在他們的父親亞倫面前,擔任祭司的職分。
5Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
5利未人的職責耶和華對摩西說:
6Swededza rudzi rwaRevhi, uvaise pamberi paAroni mupristi, kuti vamushumire.
6“你要叫利未支派近前來,使他們站在亞倫祭司面前,可以服事他。
7Vanofanira kumubatira iye, nokubatira ungano yose pamberi petende rokusangana, kuti vapedzise mabasa etabhenakeri.
7他們要替亞倫和全體會眾,在會幕前盡上本分,辦理帳幕的事。
8Vanofanira kuchengeta nhumbi dzose dzetende rokusangana, nokubatira vana vaIsiraeri, kuti vapedzise mabasa etabhenakeri.
8他們又要看守管理會幕裡的一切器具,也要替以色列人盡上本分,辦理帳幕的事。
9Vanofanira kupa Aroni navanakomana vake vaRevhi; vakapiwa chose pakati pavana vaIsiraeri.
9你要把利未人派給亞倫和他的兒子,因為他們是從以色列人中選出來完全給他的。
10Asi Aroni navanakomana vake unofanira kuvagadza, kuti vabate basa roupristi hwavo; asina kufanira, usaswederapo, anofanira kuurawa.
10你要委派亞倫和他的兒子,使他們謹守自己祭司的職分;外人走近,必被治死。”
11Jehovha akataura naMozisi,
11利未人被選耶和華告訴摩西:
12Tarira ini ndomene ndakatora vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri panzvimbo yamatangwe ose anotanga kuzarura chizvaro pakati pavana vaIsiraeri; vaRevhi ndavangu;
12“看哪,我從以色列人中,揀選了利未人,代替以色列人所有頭生的,就是他們的長子,所以利未人要歸我。
13nekuti dangwe rose nderangu; musi wandakauraya dangwe rose panyika yeEgipita, ndakazvitsaurira dangwe rose pavaIsiraeri, pavanhu napazvipfuwo; rinofanira kuva rangu; ndini Jehovha.
13因為所有頭生的,都是我的;我在埃及地擊殺所有頭生的那天,就把以色列中所有頭生的,無論人畜,都分別為聖歸我;他們要歸我,我是耶和華。”
14Zvino Jehovha akataura naMozisi murenje reSinai akati,
14數點利未人的人口耶和華在西奈曠野對摩西說:
15Verenga vana vaRevhi nedzimba dzamadzibaba avo, nemhuri dzavo; unofanira kuverenga varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura.
15“你要照著利未人的父家、宗族,數點他們;所有男丁,一個月以上的,你都要數點。”
16Ipapo Mozisi akavaverenga neshoko raJehovha sezvaakarairwa.
16於是,摩西照著耶和華的命令,就是耶和華吩咐他的,數點了利未人。
17Ndivo vanakomana vaRevhi namazita avo: Geshoni, naKohati, naMerari.
17利未眾子的名字是:革順、哥轄、米拉利。
18Ndiwo mazita avanakomana vaGeshoni, nemhuri dzavo: Ribhini naShimei.
18革順兒子的名字,按著宗族,是立尼和示每。
19Navanakomana vaKohati nemhuri dzavo: Amuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri.
19哥轄的兒子,按著宗族,是暗蘭、以斯哈、希伯倫、烏薛。
20Navanakomana vaMerari nemhuri dzavo: Mari naMushi. Ndidzo mhuri dzavaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo.
20米拉利的兒子,按著宗族,是抹利、母示。這些人按著他們的父家,都是利未人的宗族。
21Geshoni ndiye teteguru wavaRibhini navaShimei, ndidzo mhuri dzavaGeshoni.
21屬革順的,有立尼家族和示每家族;這是革順人的家族。
22Vakaverengwa kwavari, vari varume vose vakaverengwa vomwedzi mumwe navanopfuura, vakasvika zviuru zvinomwe namazana mashanu.
22根據所有男丁的數目,一個月以上,被數點的,共有七千五百人。
23Mhuri dzavaGeshoni dzinofanira kudzika matende adzo shure kwetabhenakeri kumavirazuva.
23革順人的家族,要在帳幕的後面,就是西方安營;
24Eriasafi, mwanakomana waRaeri, ndiye anofanira kuva muchinda weimba yamadzibaba avaGeshoni.
24革順人家族的領袖是拉伊勒的兒子以利雅薩。
25Vanakomana vaGeshoni vanofanira kuchengeta zvinhu izvi mutende rokusangana, tabhenakeri, netende, nechifukidzo chayo, nechidzitiro chomukova wetende rokusangana.
25革順的子孫在會幕中的職分,是看守帳幕、罩棚、罩棚的頂蓋和會幕門口的簾子,
26Nezvirembedzwa zvoruvazhe, nechidzitiro chomukova woruvazhe, ruri patabhenakeri nokunhivi dzose dzeatari, namabote ayo, zvokubata mabasa ayo ose.
26還有院子的帳幕、院子門口的簾子(院子是環繞帳幕和祭壇的),以及院子使用的一切繩子。
27Kohati ndiye tateguru wavaAmuramu, navaIzhari, navaHebhuroni, navaUzieri; ndidzo mhuri. dzavaKohati.
27屬哥轄的,有暗蘭家族、以斯哈家族、希伯倫家族和烏薛家族;這是哥轄人的家族。
28Varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura vakaverengwa vakasvika zviuru zvisere namazana matanhatu; ndivo vaibata mabasa paimba tsvene.
28根據所有男丁的數目,一個月以上的,共有八千六百人;他們要盡看守聖所的職分。
29Mhuri dzavanakomana vaKohati dzinofanira kudzika matende adzo kurutivi rwetebhenakeri nechenyasi
29哥轄子孫的家族要在帳幕的南方安營。
30Erizafani mwanakomana waUzieri, ndiye anofanira kuva muchinda weimba yamadzibaba emhuri dzavaKohati.
30哥轄家族的領袖是烏薛的兒子以利撒反。
31Ivo vanofanira kuchengeta areka, netafura, nechigadziko chemwenje, nearitari, nenhumbi dzeimba tsvene, dzavanobata nadzo, nechidzitiro, namabasa ose ayo.
31他們的職分是管理約櫃、桌子、燈臺、兩座壇,以及他們在聖所內使用的器具、簾子和帳幕裡使用的一切東西。
32Ereazari, mwanakomana waAroni mupristi, ndiye anofanira kuva muchinda wamachinda avaRevhi, iye anofanira kuva mutariri wavanobata mabasa paimba tsvene.
32亞倫祭司的兒子以利亞撒要作利未人眾領袖中的領袖,要監察那些盡看守聖所職分的人。
33Merari ndiye teteguru wavaMari navaMushi; ndidzo mhuri dzaMerari.
33屬米拉利的,有抹利家族和母示家族;這些是米拉利的家族。
34Vakaverengwa kwavari, ivo varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura, vakasvika zviuru zvitanhatu namazana maviri.
34根據所有男丁的數目,一個月以上,被數點的,共有六千二百人。
35Zurieri, mwanakomana waAbhihairi, ndiye anofanira kuva muchinda weimba yamadzibaba emhuri dzaMerari; ivo vanofanira kudzika matende avo kurutivi rwetabhenakeri nechokumusoro.
35米拉利二家族的領袖,是亞比亥的兒子蘇列;他們要在帳幕的北方安營。
36Basa rakatarirwa vanakomana vaMerari nderokuchengeta matanda etabhenakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvadzo, nenhumbi dzayo dzose, namabasa ayo ose;
36米拉利子孫的職分,是看守帳幕的木板、門閂、柱子、插座、一切器具,以及負責一切有關的事務,
37nembiru dzaparuvazhe kunhivi dzose, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo, namabote adzo.
37還有看守院子四周的柱子、插座、橛子和繩子。
38Avo vanodzika matende avo pamberi petabhenakeri kumabvazuva pamberi petende rokusangana, kurutivi runobuda zuva, ndivo Mozisi naAroni navanakomana vake, vanobata basa renzvimbo tsvene, ndiro basa ravana vaIsiraeri; asina kufanira anoswederapo anofanira kuurawa.
38在帳幕前面東邊,就是在會幕向日出的方向安營的,是摩西、亞倫和亞倫的兒子;他們代替以色列人應盡的職責,看守聖所;外人近前來,必被治死。
39Vose vakaverengwa vavaRevhi, vakaverengwa naMozisi naAroni sezvakarairwa naJehovha, nemhuri dzavo, varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri.
39摩西和亞倫照著耶和華的命令,數點了所有的利未人;按著家族,凡是男丁,一個月以上被數點的,共有二萬二千人。
40Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Verenga matangwe ose avarume avana vaIsiraeri vomwedzi mumwe navanopfuura, ugonyora kuwanda kwamazita avo.
40利未人代替以色列人頭生的耶和華對摩西說:“以色列人中所有頭生的男子,一個月以上的,你都要數點;登記他們的姓名。
41Zvino unofanira kunditorera vaRevhi (ndini Jehovha) panzvimbo yamatangwe ose avana vaIsiraeri, nemombe dzavaRevhi panzvimbo yavana vose vemhongora dzemombe dzavana vaIsiraeri.
41我是耶和華,你要把利未人歸我,代替以色列人所有頭生的;也要把利未人的牲畜歸我,代替以色列人中一切頭生的牲畜。”
42Mozisi akaverenga matangwe ose avana vaIsiraeri, sezvaakarairwa naJehovha.
42摩西就照著耶和華吩咐他的,把以色列人所有頭生的都數點了。
43Namatangwe ose avarume namazita avanomwedzi mumwe navanopfuura vakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana maviri namakumi manomwe namatatu.
43根據人名的數目,一個月以上,凡是頭生的男子,被數點的,共有二萬二千二百七十三個。
44Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
44耶和華對摩西說:
45Tora vaRevhi panzvimbo yamatangwe ose avana vaIsiraeri, nemombe dzavaRevhi panzvimbo yemombe dzavo; nekuti vaRevhi ndavangu; ndini Jehovha.
45“你要揀選利未人代替以色列人所有頭生的,也要揀選利未人的牲畜代替以色列人的牲畜;利未人要歸我,我是耶和華。
46Zvino kuti udzikunure matangwe ana mazana maviri namakumi manomwe namatatu avana vaIsiraeri, vanopfuura vaRevhi pakuwanda kwavo,
46至於那超過利未人總數的二百七十三個,需要贖回的以色列人的長子,
47unofanira kutora mashekeri mashanu kuno mumwe nomumwe; unofanira kuatora uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene (shekeri rina magera makumi maviri).
47你要每人收取贖銀五十七克,要按照人數,根據聖所的秤收取,就是按照聖所的標準重量(“就是按照聖所的標準重量”,原文作“一舍客勒是二十季拉”)。
48Zvino unofanira kupa Aroni navanakomana vake mari iyo yokudzikunura avo vakapfuura pakaverengwa pakati pavo.
48你要把那超額人數的贖銀,交給亞倫和他的兒子。”
49Mozisi akatora mari yokudzikunura kuna ivo vakanga vakapfuura vakadzikunurwa navaRevhi;
49於是,摩西就從那些被利未人贖回以外的人收取贖銀;
50akatora mari iyi kumatangwe avana vaIsiraeri, mashekeri ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matanhatu namashanu, achienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene.
50從頭生的以色列人收取的銀子,根據聖所的秤,共有六百八十二公斤。
51Mozisi akapa Aroni navanakomana vake mari iyo yokudzikunura, seshoko raJehovha, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
51摩西照著耶和華的吩咐,把這贖銀交給了亞倫和他的兒子,正如耶和華吩咐摩西的。