Shona

聖經新譯本

Psalms

118

1Vongai Jehovha; nekuti wakanaka; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
1稱謝 神的幫助和拯救你們要稱謝耶和華,因他本是良善的;他的慈愛永遠長存。
2Isiraeri zvino ngavati, tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
2願以色列說:“他的慈愛永遠長存。”
3Imba yaAroni zvino ngaiti: Tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
3願亞倫家說:“他的慈愛永遠長存。”
4Avo vanotya Jehovha zvino ngavati: Tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
4願敬畏耶和華的說:“他的慈愛永遠長存。”
5Ndakadanidzira kuna Jehovha pakutambudzika kwangu, Jehovha paakandipindura, akandiisa pakafarikana.
5我在急難中求告耶和華,他就應允我,使我站在寬闊之地。
6Jehovha ari kurutivi rwangu; handingatyi; Munhu angandiiteiko?
6耶和華是我的幫助,我決不害怕,人能把我怎麼樣呢?
7Jehovha ari kurutivi rwangu pakati pavanondibatsira; Saka ndichaona kukundwa kwavanondivenga.
7耶和華是我的幫助,我必看見恨我的人遭報。
8Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba nomunhu.
8投靠耶和華,勝過倚靠人。
9Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba namachinda.
9投靠耶和華,勝過倚靠王子。
10Vahedheni vose vakandikomba; Ndichavaparadza nezita raJehovha.
10列國圍困著我,我靠著耶和華的名必除滅他們。
11Vakandikomba, zvirokwazvo, vakandikomba, Ndichavaparadza nezita raJehovha.
11他們圍繞著我,把我圍困,我靠著耶和華的名必除滅他們。
12Vakandikomba senyuchi; vakadzimwa somoto wemhinzwa; Ndichavaparadza nezita raJehovha.
12他們如同蜜蜂圍繞著我,但他們要像燒荊棘的火熄滅;我靠著耶和華的名必除滅他們。
13Kundisundidzira wakandisundidzira iwe kuti ndiwe; Asi Jehovha akandibatsira.
13他們(“他們”原文作“你”)極力推我,要我跌倒,耶和華卻幫助了我。
14Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; Iye akava muponesi wangu.
14耶和華是我的力量,我的詩歌;他也成了我的拯救。
15inzwi rokufara nerokuponeswa riri mumatende avakarurama; Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda.
15在義人的帳棚裡,有歡呼和得勝的聲音,說:“耶和華的右手行了大能的事。
16Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzwa, Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda.
16耶和華的右手高高舉起;耶和華的右手行了大能的事。”
17Handingafi, asi ndichararama, Ndichadudzira mabasa aJehovha.
17我必不至於死,我要活下去,並且要述說耶和華的作為。
18Kundiranga Jehovha akandiranga; Asi haana kundiisa pakufa.
18耶和華雖嚴厲地管教我,卻沒有把我置於死地。
19Ndizarurirei masuwo okururama; Ndichapinda nawo, ndivonge Jehovha.
19請你們為我打開正義的門,我要進去,稱謝耶和華。
20iri ndiro suwo raJehovha; Vakarurama vachipinda naro.
20這是耶和華的門,義人才可以進去。
21Ndichakuvongai, nekuti makandipindura, Mukava muponesi wangu.
21我要稱謝你,因為你應允了我,又成了我的拯救。
22Ibwe rakaraswa navavaki Ndiro rakazova musoro wekona.
22建築工人所棄的石頭,成了房角的主要石頭;
23Ichi chinhu chakabva kuna Jehovha; Zvinoshamisa kana tichizviona.
23這是耶和華作的,在我們眼中看為希奇。
24Rino izuva rakaitwa naJehovha; Ngatifare kwazvo tirifarire.
24這是耶和華所定的日子,我們要在這一日歡喜快樂。
25Tiponesei zvino, Jehovha ndizvo zvatinonyengetera; Jehovha, tipei mufaro ndizvo zvatinonyengetera.
25耶和華啊!求你施行拯救;耶和華啊!求你使我們亨通。
26Akaropafadzwa iye anouya nezita raJehovha; Takaropafadzwa tiri mumba maJehovha.
26奉耶和華的名來的是應當稱頌的,我們從耶和華的殿中給你們祝福。
27Jehovha ndiye Mwari, ndiye akativhenekera; Sungirai chibayiro namabote ipo panyanga dzearitari pamene.
27耶和華是 神,他光照了我們。你們要用繩索把祭牲拴住,帶到祭壇的角那裡(“你們要用繩索把祭牲拴住,帶到祭壇的角那裡”或譯:“你們要手拿樹枝,開始向祭壇列隊前行”)。
28imwi muri Mwari wangu, ndichakuvongai; Muri Mwari wangu, ndichakukudzai.
28你是我的 神,我要稱謝你;你是我的 神,我要尊崇你。
29Vongai Jehovha; nekuti akanaka; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
29你們要稱謝耶和華,因他本是良善的;他的慈愛永遠長存。