1Jehovha, ndinosimudzira moyo wangu kwamuri.
1大衛的詩。耶和華啊!我的心仰望你。(本節在《馬索拉抄本》包括細字標題)
2Mwari wangu, ndinovimba nemi, Ngandirege kunyadziswa; Vavengi vangu ngavarege kundikunda.
2我的 神啊!我倚靠你,求你不要使我羞愧,也不要使我的仇敵勝過我。
3Zvirokwazvo, hapana munhu anokumirirai anganyadziswa; Vachanyadziswa ndivo vanonyengera pasina chinhu.
3等候你的必不羞愧,但那些無故以詭詐待人的必要羞愧。
4Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; Ndidzidzisei nzira dzenyu.
4耶和華啊!求你把你的道路指示我,求你把你的路徑教導我,
5Ndiperekedzei muchokwadi yenyu, mundidzidzise; nekuti ndimi Mwari muponesi wangu; Ndinokutarirai zuva rose.
5求你以你的真理引導我,教訓我,因為你是拯救我的 神;我整天等候的就是你。
6Rangarirai, Jehovha, nyasha yenyu huru nounyoro bwenyu, nekuti zvaivapo kare nakare.
6耶和華啊!求你記念你的憐憫和慈愛,因為它們自古以來就存在。
7Regai kurangarira zvivi zvohuduku hwangu, nokudarika kwangu; Mundirangarire nounyoro bwenyu, Nokuda kokunaka kwenyu,
7求你不要記念我幼年的罪惡和我的過犯;耶和華啊!求你因你的恩惠,按著你的慈愛記念我。
8Jehovha. akanaka, akarurama; Saka acharaira vatadzi panzira.
8耶和華是良善和正直的,因此他必指示罪人走正路。
9Achaperekedza vanyoro munezvakarurama; Achadzidzisa vanyoro nzira yake.
9他必引導謙卑的人行正義,把他的道路教導謙卑的人。
10Nzira dzose dzaJehovha ndedzounyoro nechokwadi Kunavanochengeta sungano yake nezvipupuriro zvake.
10遵守耶和華的約和法度的人,耶和華都以慈愛和信實待他們。
11Nokuda kwezita renyu, Jehovha, Kangamwirai zvakaipa zvangu, nekuti zvikuru.
11耶和華啊!因你名的緣故,求你赦免我的罪孽,因為我的罪孽重大。
12Munhu ndoupiko anotya Jehovha? Ndiye waachadzidzisa nzira yaanofanira kusanangura.
12誰是那敬畏耶和華的人?耶和華必指示他應選擇的道路。
13Mweya wake uchagara zvakanaka; Uye vana vake vachagara nhaka yenyika.
13他必安享福樂,他的後裔要承受地土。
14Zvakavanzwa zvaJehovha ndezvavanomutya; Achavaratidza sungano yake.
14耶和華把心意向敬畏他的人顯示,又使他們認識他的約。
15Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha, nekuti anobvisa tsoka dzangu pamumbure.
15我的眼睛時常仰望耶和華,因為他必使我的腳脫離網羅。
16Ringirai kwandiri, mundinzwire nyasha, nekuti ndiri ndoga, ndinotambudzika.
16求你轉向我,恩待我,因為我孤獨困苦。
17matambudziko omoyo wangu awanda kwazvo; Haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu.
17我心中的愁苦增多,求你使我從痛苦中得釋放。
18Tarirai kutambudzika kwangu nokurwadziwa kwangu; Mundikangamwire zvivi zvangu zvose.
18求你看看我的困苦和艱難,赦免我的一切罪惡。
19Tarirai vavengi vangu, nekuti vazhinji; Vanondivenga nehasha dzembengo.
19求你看看我的仇敵,因為他們人數眾多,他們深深痛恨我。
20Chengetai mweya wangu mundirwire; Ndirege kunyadziswa, nekuti ndinovimba nemi.
20求你護衛我的性命,搭救我;不要叫我羞愧,因為我投靠你。
21Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, nekuti ndinokumirirai.
21願純全和正直保護我,因為我等候你。
22dzikunurai Isiraeri, imwi Mwari, Panjodzi dzake dzose.
22 神啊!求你救贖以色列,救他脫離一切困苦。