Shona

聖經新譯本

Psalms

65

1Imwi Mwari munofanira kurumbidzwa paZiyoni; imwi munofanira kuitirwa mhiko.
1歌一首,大衛的詩,交給詩班長。 神啊!在錫安城裡,人們都在等候要頌讚你,他們也要向你償還所許的願。
2imwi vokunzwa munyengetero, Vanhu vose vanofanira kuuya kwamuri.
2聽禱告的主啊!所有的人都要到你面前來。
3Mashoko akaipa ondikunda; Kana kuri kudarika kwedu muchakudzima imi.
3罪孽勝過了我,但我們的過犯,你都必赦免。
4Akaropafadzwa munhu wamunosanangura, wamunoswededza kwamuri, Kuti agare pavazhe dzenyu; Isu tichagutiswa nounaki bweimba yenyu, Iyo nzvimbo tsvene yetemberi yenyu.
4你所揀選,使他親近你,可以住在你院子中的人,是有福的!願我們因你的居所,就是你聖殿的美福心滿意足。
5Mukururama kwenyu munotipindura nezvinhu zvinotyisa, imwi Mwari muponesi wedu; imwi chivimbo chamativi ose apasi, Navari kure pagungwa;
5拯救我們的 神啊!你必充滿威嚴,按公義應允我們;你本是一切地極和海洋遠處的人所倚靠的。
6Iye, anoteya makomo nesimba rake; Iye, akasungwa chiuno nesimba;
6你以大能束腰,用自己的力量堅立眾山。
7Iye, unonyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungo awo, Nokupopota kwavanhu.
7你平息了海洋的洪濤和澎湃的巨浪,以及萬民的喧嘩。
8Naivo vagere kumigumo vanotya zviratidzo zvenyu; Munofadza mabudiro amangwanani naamadeko.
8因此,住在地極的人都因你的神蹟起了敬畏的心;你使日出和日落之地的人都歡呼歌唱。
9Munoshanyira pasi, munopadiridza, Munopafumisa kwazvo; Rwizi rwaMwari ruzere nemvura; Munovagadzirira zviyo, kana magadzira pasi saizvozvo.
9你眷顧大地,普降甘霖,使地甚為肥沃; 神的河滿了水,好為人預備五穀;你就這樣預備了大地。
10Munozadza mihoronga yapo kwazvo; Munoenzanisa mipanje yapo; Munopanyorovesa nemvura inopfunha; Munoropafadza zvinomera zvapo.
10你灌溉地的犁溝,潤平犁脊,又降雨露使地鬆軟,並且賜福給地上所生長的。
11Munoshongedza mwaka nekorona younaki bwenyu; Makwara enyu anodonha mafuta.
11你以恩典為年歲的冠冕,你的路徑都滴下脂油,
12Anodonha pamafuro erenje; Zvikomo zvinozvisunga nomufaro.
12滴在曠野的草場上;群山以歡樂束腰,
13Mafuro akafukidzwa namapoka ezvipfuwo; Uye mipatawo yakafukidzwa nezviyo; Zvinopururudza, zvichiimbawo.
13牧場以羊群為衣,山谷都蓋滿了五穀;這一切都歡呼歌唱。