1Teererai murayiro wangu, imwi vanhu vangu; Rerekerai nzeve dzenyu munzwe mashoko omuromo wangu.
1亞薩的訓誨詩。我的民哪!你們要留心聽我的教訓,側耳聽我口中的言語。(本節在《馬索拉抄本》包括細字標題)
2Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo; Ndichaparidza mashoko akavanzika ekare,
2我要開口用比喻,把古時隱祕的事說出來,
3Zvatakanzwa nezvatakaziva, Nezvatakaudzwa namadzibaba edu.
3就是我們所聽過所知道的,也是我們的列祖告訴我們的,
4Hatingazvivanziri vana vavo, Asi tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha , Nesimba rake, namabasa ake, anoshamisa, aakaita.
4我們不把這些事向他們的子孫隱瞞,卻要把耶和華應得的讚美、他的能力,和他所行的奇事,都向後代的人述說。
5nekuti akamutsa chipupuriro pakati paJakove, Akatema murayiro pakati paIsiraeri, Akazviraira madzibaba edu, Kuti vazvizivise vana vavo;
5他在雅各設立法度,在以色列中制訂律法,就是他吩咐我們的列祖,去教訓他們的子孫的,
6Kuti rudzi runotevera ruzvizive, ivo vana vachazoberekwa; Ivo vasimuke vazviudze vana vavo;
6好使後代的人,包括將要出生的兒女,都可以知道;他們也要起來,告訴他們的子孫,
7Kuti tariro yavo ive kuna Mwari, Varege kukangamwa mabasa aMwari, Asi vachengete mirairo yake;
7使他們信靠 神,不忘記 神的作為,謹守他的誡命;
8Varege kufanana namadzibaba avo, Rwakanga ruri rudzi rusingateereri, rwakamukira Mwari. Rudzi rwakaramba kururamisa moyo yavo, Uye mweya yavo yakanga isina kutendeka kuna Mwari.
8免得他們像他們的列祖,成了頑梗悖逆的一代,心不堅定的一代,他們的心對 神不忠。
9Vana vaEfuraimu, kunyange vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa nouta, Vakadzokera shure pazuva rokurwa.
9以法蓮的子孫,雖然備有弓箭,在爭戰的日子,卻轉身逃走。
10Havana kuchengeta sungano yaMwari, Vakaramba kufamba nomurayiro wake;
10他們不謹守 神的約,不肯遵行他的律法。
11Vakakangamwa zvaakaita, Namabasa ake akashamisa, aakavaratidza.
11他們忘記了 神的作為,和他顯給他們看的奇事。
12Wakaita zvinhu zvinoshamisa pamberi pamadzibaba avo, Panyika yeEgipita, pasango reZoani.
12他在埃及地,在瑣安的田野,在他們列祖的眼前,行了奇事。
13Wakapamura gungwa, akavayambusa; Akamisa mvura ikafanana nomurwi.
13他把海分開,領他們走過去,又使海水直立像一道堤壩。
14Masikatiwo wakavafambisa negore, Nousiku hwose nechiedza chomoto.
14白日他用雲彩,夜間他用火光引導他們。
15Wakapamura matombo murenje, Akavamwisa zvakanaka kwazvo sapamvura inobva pakadzika.
15他在曠野使磐石裂開,給他們水喝,多如深淵的水。
16Akabudisawo hova dzemvura padombo, Akayererisa mvura zhinji yakaita senzizi.
16他使水從磐石中湧出來,使水好像江河一般流下。
17Kunyange zvakadaro vakaramba vachimutadzira, Nokumukira Wekumusoro-soro murenje.
17但他們仍然犯罪頂撞他,在乾旱之地仍然悖逆至高者。
18Vakaidza Mwari mumoyo mavo Vachikumbira zvokudya zvavakanga vachidawo.
18他們心裡試探 神,隨著自己的慾望要求食物。
19Zvirokwazvo vakapopotera Mwari Vakati, Mwari angatigadzirira chokudya murenje here?
19他們妄論 神,說:“ 神可以在曠野擺設筵席嗎?
20Tarirai, akarova dombo, mvura zhinji ikadzutuka, Hova dzakayerera; Ko angapa chingwawo here? Ungavigira vanhu vake nyama here?
20他雖曾擊打磐石,使水湧出來,好像江河氾濫,他還能賜糧食嗎?他還能為自己的子民預備肉食嗎?”
21Saka Jehovha akanzwa, akatsamwa; Moto ukaveserwa Jakove, Kutsamwa kukamukira Isiraeri.
21因此耶和華聽見了,就大怒;有烈火在雅各燒起,有怒氣向以色列發作。
22Nekuti havana kutenda Mwari, Havana kuvimba nokuponesa kwake.
22因為他們不相信 神,不倚靠他的拯救。
23Kunyange zvakadaro wakaraira denga rose kumusoro, Akazarura mikova yokudenga;
23然而,他吩咐天上的雲彩,打開天上的門戶。
24Akanisa mana*pamusoro pavo kuti vadye, Akavapa zviyo zvokudenga.
24他降嗎哪給他們吃,把天上的食物賜給他們。
25Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; Akavatumira zvokudya kusvikira vaguta.
25於是人吃了天使的食物,是 神賜下的食糧,使他們飽足。
26Akabudisa mhepo yakabva mabvazuva, ikarira kudenga; Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake.
26他從天空颳起東風,施能力領出南風。
27Akanisawo nyama pamusoro pavo ikaita seguruva, Neshiri, dzina mapapiro, dzikaita sejecha regungwa;
27他降肉食給他們,多如塵土;又降飛鳥給他們,多如海沙。
28Akazviwisira pakati pemisasa yavo, Pose-pose pavakanga vagere.
28他使飛鳥落在他們的營中,在他們住處的四圍。
29Ipapo vakadya, vakaguta kwazvo; Akavapa zvavakanga vachikarira.
29他們吃了,而且吃得很飽,這樣, 神把他們所願的都賜給他們了。
30Vakanga vasati vanyaradza kukara kwavo, Zvokudya zvavo zvakanga zvichiri mumiromo yavo,
30他們還沒有因所願的滿足,食物仍在他們口中的時候,
31Kutsamwa kwaMwari kukavamukira, Akauraya vakakoresa pakati pavo, Akaparadza majaya aIsiraeri.
31 神的怒氣就向他們發作,殺了他們中間最肥壯的人,擊倒了以色列的年輕人。
32Kunyange zvakadaro vakaramba vachitadza, Vakasatenda mabasa ake aishamisa.
32雖然經歷了這一切,他們仍然犯罪;儘管看見這些奇事,他們仍不相信。
33Saka akapedza mazuva avo panezvisina maturo, Namakore avo panezvinotyisa.
33所以 神使他們的日子在虛空中消逝,使他們的歲月在驚恐中完結。
34Zvino akati achivauraya, ipapo vakamubvunza , vakashingaira kutsvaka Mwari.
34 神擊殺他們的時候,他們就尋求他;他們回轉過來,切切求問 神。
35Vakarangarira kuti Mwari ndiye dombo ravo, NaMwari Wokumusoro-soro mudzikunuri wavo.
35他們也想起 神是他們的磐石,至高的 神是他們的救贖主。
36Asi vakamubata kumeso nemiromo yavo, Vakamurevera nhema nendimi dzavo.
36但他們仍然用口欺騙他,用舌頭向他說謊。
37Nekuti moyo yavo yakanga isina kururama kwaari, Uye vakanga vasina kutendeka pasungano yake.
37他們的心對他不堅定,也不忠於和他所立的約。
38Asi iye, zvaakanga ane nyasha huru, akavakangamwira kuipa kwavo, akasavaparadza; Zvirokwazvo, kazhinji akadzora kutsamwa kwake, Akasamutsa hasha dzake dzose.
38他卻有憐憫,赦免罪孽,沒有把他們滅絕,並且多次抑制自己的怒氣,沒有完全宣洩他的烈怒。
39Akarangarira kuti vakanga vari nyama chete; Nemhepo, inopfuura, isingadzokizve.
39他顧念他們不過是人,是一陣吹去不再返回的風。
40Vakamumukira murenje kazhinji sei, Nokumunzwisa shungu mugwenga!
40他們多少次在曠野悖逆他,在沙漠使他擔憂;
41Vakapamhidzazve, vakaidza Mwari, vakakuvadza Mutsvene waIsiraeri.
41他們再三試探 神,使以色列的聖者憂傷。
42Havana kurangarira ruoko rwake, Kana zuva raakavadzikunura pamudzivisi.
42他們忘記了他的能力,就是他救贖他們脫離敵人的日子,
43Panguva yaakavaratidza zviratidzo zvake Nezvishamiso zvake pasango reZoani;
43他怎樣在埃及顯神蹟,在瑣安的田野行奇事。
44Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa, Nehova dzavo, vakakoniwa kumwa mvura yadzo.
44他把他們的江河都變為血,使他們不能喝河流的水。
45Akatuma pakati pavo mapupira enhunzi, dzakavaruma; Namatafi, akavaparadza.
45他使成群的蒼蠅到他們中間來,吞吃他們;又使青蛙來毀滅他們。
46Zvibereko zvavo wakazvipa mhunduru, Zvavakabatira akazvipa mhashu.
46他把他們的農產交給蚱蜢,把他們辛勞的收穫交給蝗蟲。
47Akaparadza mizambiringa yavo nechimvuramabwe, Nemionde yavo nechando.
47他用冰雹摧毀他們的葡萄樹,用嚴霜凍壞他們的桑樹。
48Mombe dzavo akadziisawo pachimvuramabwe, Zvipfuwo zvavo akazviisa pamheni.
48又把他們的牲畜交給冰雹,把他們的群畜交給閃電。
49Akatuma pakati pavo kutsamwa kwake kukuru, Nehasha neshungu nokutambudza, Rikaita boka ravatumwa vezvakaipa.
49他使猛烈的怒氣、忿怒、憤恨、患難,好像一群降災的使者,臨到他們中間。
50Akagadzirira kutsamwa kwake nzira; Haana kubvisa mweya wavo parufu, Asi akaisa upenyu hwavo kuhosha;
50他為自己的怒氣修平了路,不惜使他們死亡,把他們的性命交給瘟疫。
51Akarova matangwe ose paEgipita, Ivo vokutanga vesimba ravo pamatende aHami;
51他在埃及擊殺了所有的長子,在含的帳棚中擊殺了他們強壯時生的頭胎子。
52Asi akabudisa vanhu vake samakwai, Akavaperekedza murenje seboka rezvipfuwo.
52他卻把自己的子民領出來好像領羊群,在曠野引導他們像引導群畜一樣。
53Akavafambisa vakafara, vakasatya; Asi gungwa rakafukidza vavengi vavo.
53他帶領他們平平安安地走過去,所以他們不懼怕;海卻淹沒了他們的仇敵。
54Akavasvitsa panyika yake tsvene, Pagomo iri, raakatenga noruoko rwake rworudyi.
54他領他們進入自己聖地的境界,到他右手所得的這山地。
55Akadzingawo ndudzi pamberi pavo, Akavaganhurira ivo vave nhaka yavo, Akagarisa vaIsiraeri pamatende avo.
55他在他們面前把外族人趕出去,用繩子量地,分給他們作為產業,又使以色列眾支派的人居住在自己的帳棚裡。
56Kunyange zvakadaro vakaidza Mwari Wekumusoro-soro, vakamumukira, Vakasachengeta zvipupuriro zvake;
56但他們仍然試探和悖逆至高的 神,不謹守他的法則。
57Asi vadzoka, vakaita zvinonyengera. Vakatsauka souta hunonyengera.
57他們背信不忠,像他們的列祖一樣;他們改變了,如同不可靠的弓。
58Nekuti vakamutsa kutsamwa kwake namatunhu avo akakwirira, Vakamutsa godo rake nezvifananidzo zvavo zvakaveziwa.
58因他們的邱壇,惹起他的怒氣,因他們雕刻的偶像,激起他的憤恨。
59Zvino Mwari akati achizvinzwa, akatsamwa kwazvo, Akasema Isiraeri kwazvo-kwazvo.
59 神聽見就大怒,完全棄絕了以色列。
60Akabva patabhenakeri yeShiro, Tende raakanga akaisa pakati pavanhu;
60他丟棄了在示羅的居所,就是他在世人中間居住的帳棚。
61Akaisa simba rake mukutapwa, Nokubwinya kwake muruoko rwomudzivisi.
61他又把象徵他權能的約櫃交給人擄去,把他的榮美交在敵人的手裡,
62Vanhu vake wakavaisawo kumunondo; Akatsamwira nhaka yake kwazvo.
62並且把自己的子民交給刀劍,向自己的產業大發烈怒。
63Moto wakapedza majaya avo; Vasikana vavo havana kuimbirwa pakuwanikwa kwavo.
63他們的青年被火吞滅,他們的少女也聽不見結婚的喜歌。
64Vapristi vavo vakaurawa nomunondo; Chirikadzi dzavo hadzina kuchema.
64他們的祭司倒在刀下,他們的寡婦卻不能哀哭。
65Ipapo Ishe akapepuka somunhu akanga avete, Semhare inoridza mhere nokuda kwewaini.
65那時主好像從睡眠中醒過來,如同勇士酒後清醒一樣。
66Akarova vadzivisi vake, vakadzokera sure. Akavanyadzisa zvisingaperi.
66他擊退了他的敵人,使他們永遠蒙羞受辱。
67Akarambawo tende raJosefa, Akasanangura rudzi rwaEfuremu.
67他棄絕約瑟的帳棚,不揀選以法蓮支派,
68Asi akasanangura rudzi rwaJudha, Negomo reZiyoni raakanga achida.
68卻揀選了猶大支派,他所愛的錫安山。
69Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare dzakakwirira, Sapasi paakateya nokusingaperi.
69他建造了自己的聖所好像在高天之上,又像他所建立永存的大地。
70Akasanangurawo Dhavhidhi muranda wake, Akamubvisa pamatanga amakwai;
70他揀選了自己的僕人大衛,把他從羊圈中召出來;
71Akandomutora paaifudza matunzvi aimwisa, Kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakove, naIsiraeri nhaka yake.
71他領他出來,使他不再跟著那些母羊,卻要牧養他的子民雅各,和他的產業以色列。
72Naizvozvo akavafudza nokururama komoyo wake; Akavaperekedza nouchenjeri hwamaoko ake.
72於是大衛以正直的心牧養他們,靈巧地引導他們。