1Jehovha, Mwari muponesi wangu, Ndakachema masikati nousiku pamberi penyu;
1歌一首,可拉子孫的詩,就是以斯拉人希幔的訓誨詩,交給詩班長,調用“麻哈拉利暗俄”。耶和華、拯救我的 神啊!我晝夜都在你面前哀求。
2Munyengetero wangu ngaupinde pamberi penyu; Rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu;
2願我的禱告達到你面前,求你留心聽我的呼求。
3nekuti mweya wangu uzere namatambudziko, Upenyu hwangu hwoswedera kuSheori.
3因為我飽經憂患,我的性命臨近陰間。
4Ndinoverengwa pamwechete navanoburukira kugomba; Ndakafanana nomunhu anoshaiwa mubatsiri;
4我被列在下坑的人中,就像一個沒有氣力的人一樣。
5Ndakarashirwa pakati pavakafa, Savakaurawa vavete muguva, Vamusati mucharangarira; Vakagurwa paruoko rwenyu.
5我被棄在死人之中,好像被殺的人躺在墳墓裡;你不再記念他們,他們也和你(“你”原文作“你的手”)隔絕了。
6Makandiisa mugomba rakadzika-dzika, Panzvimbo dzine rima, makadzika kwazvo.
6你把我放在最深的坑裡,把我放在黑暗的地方和深淵裡。
7Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu, Makanditambudza namafungu enyu ose.
7你的烈怒重重地壓著我,你的波浪從四方八面把我淹蓋。(細拉)
8Makaisa vazikani vangu kure neni; Makandiita chinhu chinonyangadza kwavari; Ndakapfigirwa, handigoni kubuda.
8你使我的知己都遠離我,使我成為他們所厭惡的。我被囚禁,不能外出。
9Ziso rangu ropera nemhaka yokutambudzika; Ndakadana kwamuri, Jehovha, zuva rimwe nerimwe, Ndakatambanudzira maoko angu kwamuri.
9我的眼睛因困苦而昏花;耶和華啊,我天天向你呼求,向你舉手禱告。
10Mungaitira vakafa zvinoshamisa here? Ko vakaparara vangamuka vakakurumbidzai here?
10你要為死人行奇事嗎?陰魂會起來稱謝你嗎?(細拉)
11Hunyoro bwenyu hungaparidzwa muguva here? Kana kutendeka kwenyu mukuparadza here?
11在墳墓裡有人述說你的慈愛嗎?在滅亡之地(“滅亡之地”原文作“亞巴頓”)有人述說你的信實嗎?
12Zvishamiso zvenyu zvingazikamwa murima here? Nokururama kwenyu panyika yokukangamwa here?
12你的奇事在黑暗裡有人知道嗎?你的公義在那遺忘之地有人知道嗎?
13Asi ndakachema kwamuri, Jehovha, Munyengetero wangu uchasvika pamberi penyu mangwanani.
13耶和華啊!我卻向你呼求,我的禱告在早晨達到你面前。
14Jehovha, munorashireiko mweya wangu? Munovanzireiko chiso chenyu kwandiri?
14耶和華啊!你為甚麼丟棄我?為甚麼掩面不顧我?
15Kubva pauduku hwangu ndakanga ndichitambudzwa ndichirwiso-fa; Kana ndichityiswa nemwi ndinoshaiwa mano.
15我自幼受苦,幾乎死亡;我受了驚嚇,以致困惑不安(“困惑不安”原文意義難確定)。
16Kutsamwa kwenyu kukuru kwakapfuura napamusoro pangu; Kutyisa kwenyu kwakandiparadza.
16你的烈怒把我淹沒,你的驚嚇把我除滅。
17Zvakandikomberedza zuva rose semvura; Zvakandipoteredza pamwechete.
17這些終日像水一樣環繞我,一起把我圍困。
18Iye, anondida, neshamwari yangu, makavaisa kure neni, Nomuzikani wangu ari murima.
18你使我摯愛的和同伴都遠離我,黑暗成了我的知己。