1Jehovha, Mwari mutsivi, imwi Mwari mutsivi, penyai.
1 神必為義人伸冤滅絕惡人耶和華啊!你是伸冤的 神;伸冤的 神啊!求你顯出榮光。
2Zvisimudzei, imwi Mutongi wenyika; Ipai vanozvikudza sezvavakafanira.
2審判大地的主啊!求你起來,使驕傲的人得到應得的報應。
3Jehovha, vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhiko, Vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhi?
3耶和華啊!惡人得意要到幾時呢?惡人歡樂要到幾時呢?
4Vanongotaura havo, vanotaura vachizvikudza, Vaiti vose vezvakaipa vanoita manyawi.
4他們不住地說驕傲的話,所有作孽的人都誇耀自己。
5Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha, Vachitambudza nhaka yenyu.
5耶和華啊!他們欺壓你的子民,苦害你的產業。
6Vanouraya chirikadzi nomweni, Nenherera vanodziuraya.
6他們殺死寡婦和寄居的,又殺害孤兒。
7Vachiti, Jehovha haazvioni, Mwari waJakove haazvirangariri.
7他們還說:“耶和華必看不見,雅各的 神並不留意。”
8Rangarirai imwi vasina njere pakati pavanhu; nemwi mapenzi, muchava vakachenjera rinhiko?
8民間的愚昧人哪!你們要留心;愚頑人哪!你們要到幾時才能明白呢?
9Iye, akasima nzeve, haanganzwi here? Iye, akaumba ziso, haangaoni here?
9那造耳朵的,自己不能聽見嗎?那造眼睛的,自己不能看見嗎?
10Iye, anoranga vahedheni, haangarairi here? Iye, anodzidzisa vanhu zivo haazivi here?
10那管教萬國的,不施行審判嗎?那教導人的,自己沒有知識嗎?
11Jehovha anoziva kufunga kwavanhu,) Kuti hazvina maturo.
11耶和華知道人的意念是虛妄的。
12Akaropafadzwa munhu, anorangwa nemi, Jehovha, lye wamunodzidzisa pamurayiro wenyu;
12耶和華啊!你所管教,用律法教導的人,是有福的。
13Kuti mumuzorodzei pamazuva okutambudzika, Kusvikira vakaipa vachererwa gomba.
13在患難的日子,你使他得享平安,直到為惡人所預備的坑挖好了。
14nekuti Jehovha haangarashi vanhu vake, Uye haangasii nhaka yake.
14因為耶和華必不丟棄他的子民,必不離棄他的產業。
15Nekuti kutonga kuchadzokera kukururama; Vose vane moyo yakarurama vachakutevera.
15因為審判必再轉向公義,所有心裡正直的都必順從。
16Ndianiko achandirwira pavaiti vezvakaipa? Ndianiko achandibatsira panavanoita zvakaipa?
16誰肯為我起來攻擊作惡的人呢?誰肯為我挺身而起對抗作孽的人呢?
17Dai Jehovha aisava mubatsiri wangu, Mweya wangu ungadai wakakurumidza kugara pakati mwii.
17如果不是耶和華幫助我,我早就不在人世了(“我早就不在人世了”原文作“我早就住在寂靜中”)。
18Panguva yandakati, Rutsoka rwangu rwotedzemuka. Tsitsi dzenyu,Jehovha, dzakanditsigira.
18我說:“我失了腳”,耶和華啊!那時你的慈愛就扶持我。
19Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu Kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.
19我心裡充滿憂慮的時候,你就安慰我,使我的心歡樂。
20Chigaro chezvakaipa chingashamwaridzana nemwi here, Icho chinofunga kuita zvakashata nemitemo yacho?
20憑著律例製造奸惡,藉著權位行毀滅的,怎能和你相交呢?
21Vanounganira upenyu hwowakarurama, Vachipa mhosva ropa risina mhosva.
21他們集結起來攻擊義人,把無辜的人定了死罪。
22Asi Jehovha ndiye nhare yangu yakasimba; Mwari wangu idombo routiziro hwangu.
22但耶和華作了我的高臺,我的 神作了我避難的磐石。
23Achadzosera pamusoro pavo kutadza kwavo, Achavaparadza pakati pokuita kwavo; Jehovha Mwari wedu achavaparadza.
23他必使他們的罪孽歸到他們身上,他必因他們的罪惡滅絕他們;耶和華我們的 神必把他們滅絕。