1Zvino ndakaona muruoko rwerudyi rwaiye wakange agere pachigaro cheushe bhuku rakanyorwa mukati nekunze kwaro, rakanamatidzwa nemicherechedzo minomwe.
1得勝的羊羔配展開書卷我看見那位坐在寶座上的,右手拿著書卷,這書卷的兩面都寫滿了字,用七個印封著。
2Ipapo ndakaona mutumwa une simba achidanidzira nenzwi guru; achiti: Ndiani wakafanira kuzarura bhuku, nekusunungura micherechedzo yaro?
2我又看見一位大力的天使,大聲宣告說:“誰配展開那書卷,拆開它的封印呢?”
3Asi kwakange kusina munhu kudenga kana panyika, kana pasi penyika, wakagona kuzarura bhuku, kana kutarira mariri.
3在天上、地上、地底下,沒有一個能夠展開書卷觀看的。
4Ini ndikachema zvikuru, nekuti hakuna kuwanikwa munhu wakafanira kuzarura nekuverenga bhuku kana kutarira mariri.
4因為沒有人配展開觀看書卷,我就大哭。
5Zvino mumwe wavakuru wakati kwandiri: Usachema; tarira, yakunda Shumba yerudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, kuti izarure bhuku nokusunungura micherechedzo yaro minomwe.
5長老中有一位對我說:“不要哭!看哪,那從猶大支派出來的獅子,大衛的根,他已經得勝了,他能夠展開那書卷,拆開它的七印。”
6Zvino ndikaona, uye tarira, pakati pechigaro cheushe chezvisikwa zvipenyu zvina, nepakati pevakuru, Gwayana rimire, rakaita serakabayiwa, rine nyanga nomwe nemeso manomwe, ndiyo Mweya minomwe yaMwari, yakatumwa kunyika yose.
6我又看見在寶座和四個活物中間,並且在眾長老中間,有羊羔站著,像是被殺過的。他有七角七眼,就是 神的七靈,奉差遣到全地去的。
7Iro rikauya, rikatora bhuku muruoko rwerudyi rwaiye wakange agere pachigaro cheushe.
7羊羔走過去,從坐在寶座上那位的右手中取了書卷。
8Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina nevakuru makumi maviri nevana vakawira pasi pamberi peGwayana, umwe neumwe ane rudimbwa, nendiro dzendarama dzakange dzizere nezvinonhuhwira inova minyengetero yevatsvene.
8他拿了書卷之後,四個活物和二十四位長老就俯伏在羊羔面前,各拿著琴和盛滿了香的金爐,這香就是眾聖徒的祈禱。
9zvino vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Ndimwi makafanira kutora bhuku nekuzarura micherechedzo yaro; nekuti makabayiwa, mukatidzikunurira Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nekururimi, nekumunhu, nekurudzi rwose;
9他們唱著新歌,說:“你配取書卷,配拆開封印,因為你曾被殺,曾用你的血,從各支派、各方言、各民族、各邦國,把人買了來歸給 神,
10mukatiita kuna Mwari wedu tive madzimambo nevapristi, uye tichatonga panyika.
10使他們成為我們 神的國度和祭司,他們要在地上執掌王權。”
11Zvino ndakaona, ndikanzwa inzwi revatumwa vazhinji vakange vakakomberedza chigaro cheushe nezvisikwa zvipenyu nevakuru; kuwanda kwazvo kwakange kuri mazana nemazana, nezvuru nezvuru,
11我又觀看,聽見了千千萬萬天使的聲音,他們都在寶座、活物和長老的四周,
12vachiti nenzwi guru: Gwayana rakabayiwa rakafanira kugamuchira simba neufumi nenjere nechiremerera nerukudzo nekubwinya nekurumbidzwa.
12大聲說:“被殺的羊羔是配得權能、豐富、智慧、力量、尊貴、榮耀、頌讚的!”
13Nechisikwa choga choga chiri kudenga, nepanyika, nepasi penyika, nezviri mugungwa nezvose zviri mazviri, ndakanzwa zvichiti: Kurumbidzwa, nerukudzo, nekubwinya, nesimba ngazvive kuna iye ugere pamusoro pechigaro cheushe, nekuGwayana kusvikira rinhi narinhi.
13我又聽見在天上、地上、地底下和海裡的一切被造之物,以及天地間的萬有,都說:“願頌讚、尊貴、榮耀、能力,都歸給坐在寶座上的那一位和羊羔,直到永永遠遠!”
14Ipapo zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: Ameni. Vakuru makumi maviri vakawira pasi, vakanamata iye unorarama nekusingaperi.
14四個活物就說:“阿們!”眾長老也俯伏敬拜。