1Zvino ndakaona Gwayana parakazarura chimwe chezvisimbiso, ndikanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi seremutinhiro: Uya uone.
1羊羔揭開六個印羊羔揭開了七印的第一個印的時候,我觀看,就聽見四個活物中的一個,發出好像雷轟的聲響,說:“你來!”
2Zvino ndikaona, tarira, bhiza jena, naiye wakaritasva, wakange ane uta; uye korona ikapiwa kwaari, akabuda achikunda, uye kuti akunde.
2我觀看,見有一匹白馬;騎在馬上的拿著弓,有冠冕賜給他,他就出去,得勝並且要再得勝。
3Zvino wakati azarura mucherechedzo wechipiri, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Uya uone.
3羊羔揭開了第二個印的時候,我聽見第二個活物說:“你來!”
4Ipapo rimwe bhiza rakabuda riri dzvuku; wakaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti vaurayane; kukapiwa kwaari munondo mukuru.
4就另有一匹紅馬出來,騎在馬上的得了權柄,可以從地上奪去和平,使人互相殘殺,又有一把大刀賜給他。
5Zvino wakati azarura mucherechedzo wechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Uya uone. Uye ndikaona, zvino tarira, bhiza dema; wakange akaritasva wakange ane chiyereso muruoko rwake.
5羊羔揭開了第三個印的時候,我聽見第三個活物說:“你來!”我觀看,見有一匹黑馬;騎在馬上的,手中拿著天平。
6Ndikanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina, richiti: Chiyero chezviyo chichatengwa nedhenari*, nezviyero zvitatu zvebhari* nedhenari; usatadzira mafuta newaini.
6我聽見在四個活物中間,仿佛有聲音說:“一公升小麥賣一個銀幣,三公升大麥賣一個銀幣,油和酒也不可糟蹋。”
7Wakati azarura mucherechedzo wechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Uya uone.
7羊羔揭開了第四個印的時候,我聽見第四個活物的聲音說:“你來!”
8Uye ndikaona, zvino tarira, bhiza rakachenuruka; newakange akaritasva zita rake raiva Rufu; uye Hadhesi rakamutevera. Simba rikapiwa kwaari pamusoro pechechina chenyika, kuti aauraye nemunondo, nenzara, nerufu, nezvikara zvenyika.
8我觀看,見有一匹灰馬;騎在馬上的,名字叫作“死”。陰間也跟隨著他。他們得了權柄可以管轄地上的四分之一,又要用刀劍、饑荒、瘟疫和地上的野獸去殺人。
9Zvino wakati azarura chisimbiso chechishanu, endikaona pasi pearitari mweya yaivo vakang vashinjwa nekuda kweshoko raMwari, uye neuchapupu hwavaiva nahwo;
9羊羔揭開了第五個印的時候,我看見祭壇底下,有為了 神的道,並且為了自己所作的見證而被殺的人的靈魂。
10Zvino vakadana nenzwi guru vachiti: Kusvikira rinhi Tenzi mutsvene wechokwadi, muchirega kutonga nekutsiva ropa redu pane vanogara panyika?
10他們大聲喊叫,說:“聖潔真實的主啊!你不審判住在地上的人,給我們伸流血的冤,要到幾時呢?”
11Zvino umwe neumwe wavo wakapiwa nguvo chena; zvikanzi kwavari vambozorora chinguva chiduku, kusvikira vamwe varanda pamwe navo nehama dzavo, dzaifanira kuurawa saivo varinganiswa.
11於是有白袍賜給他們各人,又有話吩咐他們要安息一會兒,等到那些與他們同作僕人和弟兄,像他們一樣將要被殺的人,湊滿了數目的時候。
12Zvino ndakaona paakange azarura mucherechedzo wechitanhatu, zvino tarira, kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, zuva rikasviba sesaga remvere, mwedzi ukaita seropa;
12羊羔揭開了第六個印的時候,我觀看,大地震就發生了。太陽變黑,像粗糙的黑毛布;整個月亮變紅,像血一樣;
13nenyeredzi dzedenga dzakawira pasi, kunyange semuonde unozuza masvosva awo, kana uchizuzwa nemututu mukuru.
13天上的星辰墜落在地上,像無花果樹被大風搖動,落下還沒有成熟的果子。
14Denga rikabva serugwaro rwakapetwa, kana rwuchipeterwa pamwe; negomo roga roga nechiwi zvakabviswa panzvimbo dzazvo.
14天隱退了,像書被捲起來一樣;山嶺和海島都從原處移去了。
15Nemadzimambo enyika, nevanhu vakuru, navafumi, nevatungamiriri vehondo, navanhu vane simba, nenhapwa dzose, nevakasununguka vose vakandovanda mumapako nemumabwe emakomo;
15地上的君王、大臣、軍長、財主、勇士和所有作奴隸的、自由的,都藏在山洞和巖穴裡。
16vakati kumakomo nemabwe: Tiwirei, mutivige pachiso chaiye unogara pachigaro cheushe, nepakutsamwa kweGwayana;
16他們向山嶺和巖石說:“倒在我們身上吧!把我們藏起來,躲避坐在寶座上那位的面,和羊羔的震怒!
17Nekuti zuva guru rekutsamwa kwaro rasvika; zvino ndiani uchagona kumira?
17因為他們震怒的大日子來到了,誰能站立得住呢?”