Shona

聖經新譯本

Romans

11

1Zvino ndinoti: Ko Mwari wakarasa vanhu vake here? Ngazvisadaro! Nekuti iniwo ndiri muIsraeri, wembeu yaAbhurahamu, werudzi rwaBenjanimi.
1 神並沒有丟棄以色列人那麼我要說,難道 神丟棄了他的子民嗎?絕對沒有!因為我自己也是以色列人,是亞伯拉罕的後裔,屬於便雅憫支派的。
2Mwari haana kurasha vanhu vake vaakagara aziva. Ko hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini kuna Eria here? Kuti unoreverera sei kuna Mwari pamusoro pevaIsraeri, achiti:
2 神並沒有丟棄他預先知道的子民。難道你們不知道在經上以利亞的話是怎樣說的嗎?他向 神控訴以色列人:
3Ishe, vakauraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu, zvino ini ndasara ndoga, uye vanotsvaka upenyu hwangu.
3“主啊,他們殺了你的眾先知,拆毀了你的祭壇,只剩下我一個人,他們還在尋索我的性命。”
4Asi mhinduro yaMwari inoti kudii kwaari? Unoti: Ndakazvichengetera zvuru zvinomwe zvevarume, vasina kufugamira ibvi kuna Bhaari.
4但 神怎樣回答他呢?“我為自己留下了七千人,是沒有向巴力屈膝的。”
5Zvino saizvozvo nguva inowo variko vakasara maererano nesananguro yenyasha.
5因此,現在也是這樣,按著恩典的揀選,還有剩下的餘數。
6Zvino kana zviri zvenyasha, hazvisati zvichiri zvemabasa; asi kana zvisakadaro, nyasha hadzisisiri nyasha. Asi kana zvichibva kumabasa hazvisati zvichiri zvenyasha; kana zvisakadaro basa harizati richibasa.
6既然是靠著恩典,就不再是由於行為了;不然的話,恩典就不再是恩典了。
7Ko zvino? Israeri haana kuwana zvaakanga achitsvaka, asi vasanangurwa vakazviwana; vamwe vakawomeswa,
7那又怎麼樣呢?以色列人懇切尋找的,他們沒有得到,蒙揀選的人倒得著了。其餘的人都成了頑固的,
8maererano sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wekutsumwaira; meso kuti varege kuona; nenzeve kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.
8正如經上所記:“ 神給了他們麻木的靈,有眼睛卻看不見,有耳朵卻聽不到,直到今日。”
9NaDhavhidhi unoti: Tafura yavo ngaiitwe rudzingi, nemusungo nechigumbuso nekutsiva kwavari;
9大衛也說:“願他們的筵席成為他們的網羅、陷阱、絆腳石和報應;
10meso avo ngaasvibirwe kuti varege kuona; uye mukotamise musana wavo nokusingaperi.
10願他們的眼睛昏暗,不能看見;願他們的背脊常常彎曲。”
11Zvino ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Ngazvisadaro! Asi kubudikidza nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuvamutsira godo.
11外族人因信得到救恩那麼我要說,他們失足是要倒下去嗎?絕對不是!反而因為他們的過犯,救恩就臨到外族人,為了要激起他們奮發。
12Zvino kana kuwa kwavo kuri fuma yenyika, nekutapudzika kwavo fuma yevahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?
12既然他們的過犯可以使世人富足,他們的失敗可以使外族人富足,何況他們的豐盛呢?
13Nekuti ndinotaura kwamuri vahedheni; sezvandiri muapositori wevahedheni, ndinokudza basa rangu.
13我現在對你們外族人說話,因為我是外族人的使徒,所以尊重我的職分,
14Kuti zvimwe ndingamutsira godo venyama yangu, ndiponese vamwe vavo.
14這樣也許可以激起我骨肉之親奮發,使他們中間有一些人得救。
15Nekuti kana kurashwa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kwavo kuchaveiko, kunze kweupenyu hunobva kuvakafa?
15如果他們被捨棄,世人就可以與 神復和;他們蒙接納,不就等於從死人中復活嗎?
16Zvino kana chibereko chekutanga chiri chitsvene, bunduwo rakadaro; kana mudzi uri mutsvene, matavi akadarowo;
16如果首先獻上的生麵是聖的,整團麵也是聖的;如果樹根是聖的,樹枝也是聖的。
17Zvino kana mamwe amatavi akavhuniwa, iwe uri muorivhi wekudondo ukabatanidzwa pakati pavo, ukava nemugove pamwe nawo pamudzi nepamafuta emuorivhi;
17如果把幾根樹枝折下來,讓你這野橄欖可以接上去,一同分享那橄欖樹根的汁漿,
18usazvikudza pamusoro pematavi; asi kana uchizvikudza hausi iwe unotakura mudzi, asi mudzi unokutakura iwe.
18你就不可向那些樹枝誇口。你若要誇口,就應當想想:不是你支持著樹根,而是樹根支持著你。
19Zvino uchati: Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.
19那麼你會說,那些樹枝被折下來,就是要把我接上去。
20Zvakanaka; nekusatenda vakavhuniwa, iwe unomira nerutendo. Usazvikudza, asi utye;
20不錯,他們因為不信而被折下來,你因著信才站立得住。只是不可心高氣傲,倒要存畏懼的心。
21nekuti kana Mwari asina kurega matavi echisikigo, zvimwe haangakuregi iwewo.
21 神既然不顧惜那本來的樹枝,也不會顧惜你。
22Zvino tarira unyoro nekuomarara kwaMwari, kune vanowa kuomarara; asi kwauri unyoro, kana uchigara paunyoro hwake; zvimwe newewo ungatemwa.
22所以要留意 神的恩慈和嚴厲:對跌倒的人,他是嚴厲的;對你,只要你繼續在他的恩慈裡,他是恩慈的;不然的話,你也會被砍下來。
23Naivowo, kana vasingagari pakusatenda, vachabatanidzwa, nekuti Mwari unogona kuvabatanidzazve.
23至於他們,如果不是繼續不信,他們仍然會被接上去,因為 神能夠把他們再接上去。
24Nekuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi uri wekudondo pachisikigo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nechisikigo chawo, vangabatanidzwa zvikuru sei avo vari matavi echisikigo pamuti wavo wemuorivhi?
24你這從野生的橄欖樹上砍下來的,尚且可以不自然地接在栽種的橄欖樹上,那些本來就有的樹枝,不是更能夠接在原來的橄欖樹上嗎?
25Nekuti handidi hama kuti musaziva chakavanzika ichi, kuti murege kungwara mumanyawi enyu; kuti kuwomeswa kwemoyo kwakaitika pamusoro pevamwe vevaIsraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda;
25全以色列都要得救弟兄們,我不願意你們對這奧祕一無所知,免得你們自以為聰明。這奧祕就是以色列人當中有一部分是硬心的,直到外族人的全數滿了;
26saizvozvo Israeri wose uchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabuda Musununguri; uchabvisa kusada Mwari kuna Jakobho;
26這樣,全以色列都要得救,如經上所記:“拯救者必從錫安出來,除掉雅各家的不敬虔的心;
27Uye iyi isungano yangu kwavari, pandichabvisa zvivi zvavo.
27我除去他們罪惡的時候,就與他們立這樣的約。”
28Zvino maererano neevhangeri, vavengi nekuda kwenyu; asi maererano nekusanangura, vadikamwa nekuda kwemadzibaba.
28就福音來說,因你們的緣故,他們是仇敵;就揀選來說,因祖宗的緣故,他們是蒙愛的。
29Nekuti zvipo nekudana kwaMwari hazvishanduki.
29因為 神的恩賞和呼召是決不會反悔的。
30Nekuti semwiwo kare makanga musina kuteerera Mwari, asi zvino makagamuchira tsitsi kubudikidza nekusateerera kwavo;
30正如你們從前不順服 神,現在卻因著他們的不順服,你們倒蒙了憐憫;
31saizvozvo naivava ikozvino havana kuteerera, kuti kubudikidza netsitsi dzenyu naivo vawanewo tsitsi;
31照樣,他們因著你們所蒙的憐憫,現在也不順服,使他們現在也可以蒙憐憫。
32nekuti Mwari wakavapfigira vose mukusateera kwavo, kuti ave netsitsi pane vose.
32因為 神把所有的人都圈在不順服之中,為了要憐憫所有的人。
33Haiwa kudzika kwefuma, zvose yeuchenjeri neruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunzverwi zvakadini, nenzira dzake hadzingarondwi!
33頌讚 神 神的豐富、智慧和知識,是多麼高深啊!他的判斷是多麼難測,他的道路是多麼難尋!
34Nekuti ndiani wakaziva fungwa yaMwari kana ndiani wakange ari murairidzi wake?
34“誰知道主的心意,誰作過他的參謀?”
35Ndiani wakatanga kupa kwaari, uye zvicharipirwazve kwaari?
35“誰先給了他,以致他要償還呢?”
36Nekuti zvimwe zvose zvinobva kwaari kubudikidza naye, zvinoenda kwaari; umambo ngahuve kwaari nokusingaperi. Ameni.
36因為萬有都是本於他,倚靠他,歸於他。願榮耀歸給他,直到永遠。阿們。