Shona

聖經新譯本

Romans

10

1Hama, chishuwo zvirokwazvo chemoyo wangu, nemukumbiro kuna Mwari pamusoro paIsraeri ndecheruponeso rwavo.
1弟兄們,我心裡切切盼望的,並且為以色列人向 神祈求的,是要他們得救。
2Nekuti ndinopupura nezvavo kuti vanoshingairira Mwari, asi kwete maererano neruzivo.
2我可以為他們作證,他們對 神有熱心,但不是按著真見識;
3Nekuti ivo zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, vakatsvaka kumisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pekururama kwaMwari.
3他們既然不明白 神的義,而又企圖建立自己的義,就不服 神的義了。
4Nekuti Kristu mugumo wemurairo pakururama, kuna ani nani unotenda.
4因為律法的終極就是基督,使所有信的人都得著義。
5Nekuti Mozisi unotsanangura kururama kuri kwemurairo, kuti munhu unoita zvinhu izvozvo uchararama nazvo.
5求告主名的都必得救論到出於律法的義,摩西寫著說:“遵行這些事的人就必因這些事而活。”
6Asi kururama kunobva parutendo kunotaura sezvizvi: Usati mumoyo mako: Ndiani uchakwira kudenga? uku ndiko kuti kuburusa Kristu;
6但那出於信心的義卻這樣說:“你心裡不要說:‘誰要升到天上去呢?’(就是要把基督領下來,)
7kana kuti: Ndiani uchaburukira kwakadzikadzika? uku ndiko kuti kubudisa Kristuzve kuvakafa.
7或是說:‘誰要下到深淵去呢?’(就是要把基督從死人中領上來。)”
8Asi kunoti kudini? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako nemumoyo mako; ndiro shoko rerutendo ratinoparidza;
8然而那出於信心的義還說甚麼呢?“這話與你相近,在你口裡,也在你心裡。”這話就是我們所傳信心的信息。
9kuti, kana iwe uchibvuma nemuromo wako Ishe Jesu, nerutendo mumoyo mako kuti Mwari wakamumutsa kuvakafa, uchaponeswa;
9你若口裡認耶穌為主,心裡信 神使他從死人中復活,就必得救;
10nekuti nemoyo munhu unotenda kova kururama; uye nemuromo unobvuma kova kuponeswa.
10因為心裡相信就必稱義,用口承認就必得救。
11Nekuti rugwaro rwunoti: Ani nani unotenda kwaari haanganyadziswi.
11經上說:“所有信靠他的人,必不致失望。”
12Nekuti hapana musiyano pakati pemuJudha nemuGiriki; nekuti ishe mumwe chete wevose wakafuma kune vose vanonamata kwaari.
12其實並不分猶太人和希臘人,因為大家同有一位主;他厚待所有求告他的人,
13Nekuti ani nani uchadana kuzita raIshe, uchaponeswa.
13因為“凡求告主名的,都必得救。”
14Zvino vachagodana sei kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vachatenda sei wavasina kunzwa nezvake? Vachanzwa sei vasina muparidzi?
14然而,人還沒有信他,怎能求告他呢?沒有聽見他,怎能信他呢?沒有人傳揚,怎能聽見呢?
15Vachaparidza sei vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzevanoparidza evhangeri yerugare, nevanoparidza mashoko emufaro ezvinhu zvakanaka?
15如果沒有蒙差遣,怎能傳揚呢?如經上所記:“那些傳美事報喜訊的人,他們的腳蹤多麼美!”
16Asi vose havana kuteerera evhangeri. Nekuti Isaya unoti: Ishe, ndiani wakatenda zvatakaparidza?
16但並不是所有的人都順從福音,因為以賽亞說:“主啊,我們所傳的,有誰信呢?”
17Naizvozvo rutendo rwunouya nekunzwa, nekunzwa neshoko raMwari.
17可見信心是從所聽的道來的,所聽的道是藉著基督的話來的。
18Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu zvirokwazvo, Inzwi ravo rakaenda kunyika yose; nemashoko avo kumigumo yenyika.
18但是我要說,他們沒有聽見嗎?他們的確聽見了,如經上所記:“他們的聲音傳遍全地,他們的言語傳到地極。”
19Asi ndinoti: Israeri haana kuziva here? Pakutanga Mozisi unoti: Ndichakumutsirai godo kwete nevatorwa, nerudzi rusingafungi ndichakutsamwisai.
19我再說:以色列人真的不明白嗎?首先,摩西說:“我要使你們對那不是子民的生嫉妒,對那無知的民族起忿怒。”
20NaIsaya une ushingi uye unoti: Ndakawanikwa nevasina kunditsvaka; ndakaratidzwa kune vasina kundibvunza.
20後來,以賽亞也放膽地說:“沒有尋找我的,我讓他們找到;沒有求問我的,我向他們顯現。”
21Asi kuna Israeri unoti: Zuva rose ndakatambanudza maoko angu kuvanhu vasingateereri, nevanokakavara.
21論到以色列人,他卻說:“我整天向那悖逆頂嘴的子民伸開雙手。”