Shona

聖經新譯本

Romans

9

1Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handinyepi, hana yangu ichindipupurira muMweya Mutsvene,
1 神揀選以色列人我在基督裡說的是實話,並沒有撒謊,因為我的良心在聖靈裡一同為我作證;
2kuti ndinoshushikana kwazvo neshungu dzisingaperi mumoyo mangu.
2我大大憂愁,心裡常常傷痛。
3Nekuti ndaishuva kuti ini ndomene ndipiwe rushambwa kuna Kristu nekuda kwehama dzangu, ivo verudzi rwangu panyama;
3為我的同胞,就是我骨肉之親,就算自己受咒詛,與基督隔絕,我也甘心。
4ndivo vaIsraeri vane kuitwa vana nekubwinya nesungano nekupiwa kwemurairo, neushumiri, nezvivimbiso;
4他們是以色列人:嗣子的名分、榮耀、眾約、律法、敬拜的禮儀和各樣的應許,都是他們的。
5madzibaba ndeavo, naKristu wakabva kwavari panyama, iye uri pamusoro pezvose, Mwari unokudzwa narinhi. Ameni.
5蒙揀選的列祖也是他們的祖宗;按肉身來說,基督也是出自他們這一族。其實,他是在萬有之上,永遠受稱頌的 神。阿們。
6Kwete shoko raMwari serakakundikana. Nekuti havazi vaIsraeri vose vakabva kuvaIsraeri;
6當然,這不是說 神的話落了空,因為出自以色列的,不都是以色列人;
7Kana nekuti imbeu yaAbhurahamu, vose vana, asi zvinonzi: Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa mbeu yako.
7也不因為他們是亞伯拉罕的後裔,就都成為他的兒女,只有“以撒生的,才可以稱為你的後裔”,
8Ndiko kuti: Avo vari vana venyama, ava havasi vana vaMwari; asi vana vechivimbiso vanoverengerwa kumbeu.
8這就是說,肉身生的兒女並不是 神的兒女,只有憑著應許生的兒女才算是後裔。
9Nekuti iri ishoko rechivimbiso rinoti: Nenguva ino ndichauya, uye Sara uchava nemwanakomana.
9因為所應許的話是這樣:“明年這個時候我要來,撒拉必定生一個兒子。”
10Handizvo chete; asi Ribhekawo wakati ava nemimba kune umwe, iye Isaka baba vedu;
10不但如此,利百加也是這樣:既然從一個人,就是從我們的祖宗以撒懷了孕,
11nekuti vana vasati vaberekwa, kana kumboita chakanaka kana chakaipa kuti zano raMwari maererano nesananguro risimbiswe, kwete namabasa, asi naiye unodana,
11雙生子還沒有生下來,善惡也沒有行出來(為要堅定 神揀選人的旨意,
12zvakanzi kwaari: Mukuru uchashumira mudoko,
12不是由於行為,而是由於那呼召者), 神就對她說:“將來大的要服事小的。”
13Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.
13正如經上所記的:“我愛雅各,卻惡以掃。”
14Zvino tichatiyi? Kusarurama kuriko kuna Mwari here? Ngazvisadaro!
14既是這樣,我們可以說甚麼呢? 神不公平嗎?絕對不會!
15Nekuti unoti kuna Mozisi: Ndichava netsitsi kune wandichava netsitsi naye, ndichava netsitsi kune wandinetsitsi naye.
15因為他對摩西說:“我要憐憫誰,就憐憫誰;我要恩待誰,就恩待誰。”
16Naizvozvo zvino hazvisi zveunoda, kana unomhanya, asi zvaMwari unonzwira tsitsi.
16這樣看來,既不是出於人意,也不是由於人為,只在於那憐憫人的 神。
17Nekuti Rugwaro runoti kuna Farao: Ndizvozvi zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu mauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.
17經上有話對法老說:“我把你興起來,是要藉著你顯出我的大能,並且使我的名傳遍全地。”
18Naizvozvo unonzwira tsitsi iye waanoda; uye unowomesa moyo wewaanoda.
18這樣看來,他願意憐憫誰就憐憫誰,願意誰剛硬就使誰剛硬。
19Zvino iwe uchati kwandiri: Iye uchawanirei mhosva? Nekuti ndiani ungapikisa kuda kwake?
19 神顯出忿怒又施行憐憫這樣,你會對我說:“那麼他為甚麼責怪人呢?有誰抗拒他的旨意呢?”
20Haiwa, asi iwe munhu ndiwe ani unokakavadzana naMwari? Ko chinhu chakaumbiwa chingati here kune wakaumba: Wandiitirei sezvizvi?
20你這個人哪,你是誰,竟敢跟 神頂嘴呢?被造的怎麼可以對造他的說:“你為甚麼把我做成這個樣子呢?”
21Ko muumbi haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo umwe unokudzwa, neumwe unozvidzwa?
21陶匠難道沒有權用同一團的泥,又做貴重的、又做卑賤的器皿嗎?
22Zvino kana Mwari achida kuratidza kutsamwa kwake, nekuita kuti simba rake rizikamwe, atakura nemoyo murefu midziyo yekutsamwirwa yakagadzirirwa kuparadzwa;
22如果 神有意要顯明他的忿怒,彰顯他的大能,而多多容忍那可怒、預備遭毀滅的器皿,
23uye kuti azivise fuma yokubwinya kwake pamidziyo yetsitsi, yaakagara agadzirira kubwinya,
23為了要使他豐盛的榮耀,彰顯在那蒙恩、早已預備要得榮耀的器皿上,這又有甚麼不可呢?
24yaakadanawo uye yatiri isu, kusiri kuvaJudha chete, asi nekuvahedheni?
24這器皿就是我們這些不但從猶太人中,也從外族人中蒙召的人。
25Sezvaanorevawo kuna Hosiya achiti: Vakange vasi vanhu vangu ndichavaidza vanhu vangu; naiye wakange asingadikamwi mudikamwa.
25就如 神在何西阿書上說的:“我要稱那不是我子民的為我的子民,那不蒙愛的為蒙愛的;
26Zvino zvichaitika kuti panzvimbo pakanzi kwavari: Hamuzi vanhu vangu, ipapo vachaidzwa vana vaMwari mupenyu.
26從前在甚麼地方對他們說:你們不是我的子民,將來就在那裡稱他們為永活 神的兒子。”
27Isaya unodanidzirawo maererano naIsraeri achiti: Kunyange uwandu hwevana vaIsraeri hukaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;
27以賽亞指著以色列人大聲說:“以色列子孫的數目雖然多如海沙,得救的不過是剩下的餘數;
28nekuti uchapedza basa nekugurisira mukururama nekuti basa rakagurisirwa richaitwa naMwari panyika.
28因為主必在地上迅速而徹底地成就他的話。”
29Sezvaakagara zvareva Isaya, achiti: Kunze kwekuti Ishe wehondo atisiira mbeu, tingadai takaitwa seSodhoma, takaitwa vakafanana neGomora.
29又如以賽亞早已說過的:“如果不是萬軍之主給我們存留後裔,我們早就像所多瑪和蛾摩拉一樣了。”
30Zvino tichatiyi? Kuti vahedheni vasingatsvaki kururama, ndivo vakawana kururama, iko kururama kwerutendo;
30以色列人因為不信而絆倒既是這樣,我們還有甚麼可說的呢?那不追求義的外族人卻得了義,就是因信而得的義。
31asi Israeri achitsvakisisa murairo wekururama, haana kusvika pamurairo wekururama.
31但以色列人追求律法的義(“律法的義”原文作“義的律法”),卻達不到律法的要求。
32Nei? Nekuti havana kutsvaka nerutendo, asi nezvainge namabasa emurairo, nekuti vakagumburwa nebwe rinogumbura.
32這是甚麼緣故呢?因為他們不憑信心,只靠行為。他們絆倒在那絆腳石上,
33Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Tarira, ndinogadza paZiyoni ibwe rekugumbura, nedombo rekupinganidza; uye ani nani unotenda kwaari haanganyadziswi.
33正如經上所記:“看哪,我在錫安放了一塊絆腳石,是絆倒人的磐石;信靠他的人,必不致失望。”