1Naizvozvo zvino hakuna kupiwa mhosva kune vari muna Kristu Jesu vasingafambi nenyama asi nemweya.
1聖靈使人脫離罪的律得自由所以現在,那些在耶穌基督裡的人就不被定罪了;
2Nekuti murairo weMweya weupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura pamurairo wechivi nerufu.
2因為生命之靈的律在基督耶穌裡使我自由,脫離了罪和死的律。
3Nekuti zvakange zvisingagoni kuitwa nemurairo, pakuti wakange une utera kubudikidza nenyama, Mwari achituma Mwanakomana wake nemufananidzo wenyama yezvivi, uye nekuda kwechivi, wakapa mhosva chivi munyama;
3律法因肉體的軟弱所作不到的, 神作到了:他差遣自己的兒子成為罪身的樣式,為了除掉罪,就在肉體中把罪判決了,
4kuti kururama kwemurairo kuzadziswe matiri, tisingafambi nenyama, asi nemweya.
4使律法所要求的義,可以在我們這些不隨從肉體而隨從聖靈去行的人身上實現出來。
5Nekuti vari venyama vanorangarira zvinhu zvenyama asi vemweya zvinhu zvemweya.
5隨從肉體的人,以肉體的事為念;隨從聖靈的人,以聖靈的事為念。
6Nekuti kufunganya kwenyama rufu; asi kufunganya kwemweya upenyu nerugare;
6以肉體為念就是死,以聖靈為念就是生命、平安;
7nekuti kufunganya kwenyama ruvengo kuna Mwari; nekuti hakuzviisi pasi pomurairo waMwari; uye hakugoniwo;
7因為以肉體為念就是與 神為仇,既不服從 神的律法,也的確不能夠服從;
8naizvozvo zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari.
8屬肉體的人不能得 神的喜悅。
9Asi imwi hamusi munyama, asi mumweya, kana zvirokwazvo Mweya waMwari uchigara mamuri. Asi ani nani asina Mweya waKristu haazi wake.
9 神的靈既然住在你們裡面,你們就不是屬於肉體,而是屬於聖靈的了。如果人沒有基督的靈,就不是屬於基督的。
10Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wakafa nekuda kwechivi, asi mweya upenyu nekuda kwekururama.
10基督若在你們裡面,你們的身體因著罪的緣故是死的,而聖靈卻因著義的緣故賜給你們生命。
11Zvino kana Mweya waiye wakamutsa Jesu kuvakafa achigara mamuri, iye wakamutsa Kristu kuvakafa uchamutsawo miviri yenyu inofa kubudikidza neMweya wake unogara mamuri.
11如果那使耶穌從死人中復活者的靈住在你們裡面,那使基督從死人中復活的,也必藉著住在你們裡面的聖靈,使你們必死的身體活過來。
12Naizvozvo, hama, tine ngava, kwete kunyama, kuti tirarame zvinoenderana nenyama;
12與基督同作 神的後嗣弟兄們,可見我們並不是欠肉體的債,隨著肉體而活。
13nekuti kana muchirarama panyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa emuviri neMweya, muchararama.
13如果隨著肉體而活,你們必定死;如果靠著聖靈治死身體的惡行,你們就必活著。
14Nekuti vose vanotungamirirwa neMweya waMwari, ndivo vana vaMwari.
14因為蒙 神的靈引導的,都是 神的兒子。
15Nekuti hamuna kugamuchira mweya weurandazve kuti mutye, asi makagamuchira mweya wekuitwa vana, watinodana nawo tichiti: Abha*, Baba.
15你們接受的,不是奴僕的靈,使你們仍舊懼怕;你們接受的,是使人成為嗣子的靈,使我們呼叫“阿爸、父”。
16Mweya amene unopupurirana nemweya wedu, kuti tiri vana vaMwari;
16聖靈親自和我們的靈一同證明我們是 神的兒女。
17zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka vaMwari, vadyi venhaka pamwe naKristu; kana zvakadaro kuti tinotambudzika naye, kuti tikudzwewo pamwe.
17既然是兒女,就是後嗣;是 神的後嗣,也和基督一同作後嗣。我們既然和他一同受苦,就必和他一同得榮耀。
18Nekuti ndinoona kuti matambudziko enguva ino haafaniri kuenzaniswa nekubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.
18耐心期待將來的榮耀我看現在的苦難,與將要向我們顯出的榮耀,是無法相比的。
19Nekuti tarisiro huru yechisikwa inomirira kuratidzwa kwevanakomana vaMwari.
19被造的萬物都熱切渴望 神的眾子顯現出來。
20Nekuti chisikwa chakaiswa pasi pechisina maturo, kwete nekuda, asi nekuda kwaiye wakachiisa pasi mutariro.
20因為被造的萬物服在虛空之下,不是自己願意這樣,而是由於使它屈服的那一位;
21Nekuti chisikwa pachachowo chichasunungurwa pauranda hwekuora, chiiswe parusununguko rwekubwinya kwevana vaMwari.
21被造的萬物盼望自己得著釋放,脫離敗壞的奴役,得著 神兒女榮耀的自由。
22Nekuti tinoziva kuti chisikwa chose chinogomera nekurwadziwa mumarwadzo pamwe kusvikira zvino.
22我們知道被造的萬物直到現在都一同在痛苦呻吟。
23Zvisati zviri izvo chete, asi isuwo, kunyange tine chibereko chekutanga chemweya, nesu tomene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndirwo rudzikunuro rwemuviri wedu.
23不但這樣,連我們這些有聖靈作為初熟果子的人,自己也在內心歎息,熱切期待成為嗣子,就是我們的身體得贖。
24Nekuti tinoponeswa netariro; asi tariro inoonekwa haisi tariro; nekuti izvo munhu zvaanoona uchakazvitaririrei?
24我們得救時就存著這盼望;但是看得見的盼望不是盼望,因為誰會盼望自己看見了的呢?
25Asi kana tichitarisira chatisingaoni, tinochimirira nemoyo murefu.
25但如果我們盼望沒有看見的,就會耐心地熱切期待。
26Saizvozvo Mweyawo unobatsira utera hwedu; nekuti hatizivi chatinofanira kunyengeterera sezvatinofanira; asi Mweya amene unotireverera nekugomera kusingatauriki;
26照樣,聖靈也在我們的軟弱上幫助我們。原來我們不曉得應當怎樣禱告,但聖靈親自用不可言喻的歎息,替我們祈求。
27zvino iye unonzvera moyo, ndiye unoziva fungwa dzeMweya, nekuti unoreverera vatsvene maererano naMwari.
27那鑒察人心的,曉得聖靈的心意,因為聖靈照著 神的旨意替聖徒祈求。
28Uye tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwe kuti zvinakire avo vanoda Mwari, avo vakadamwa maererano nezano rake.
28我們知道,為了愛 神的人,就是按他旨意蒙召的人的益處,萬事都一同效力。
29Nekuti vaakagara aziva, wakagarawo avatemera kuti vafanane nemufananidzo weMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji.
29因為 神預先知道的人,他就預先命定他們和他兒子的形象一模一樣,使他的兒子在許多弟兄中作長子,
30Pamusoro pazvo, avo vaakagara atemera, ndivo vaakadanawo; ivo nevaakadana, ndivo vaakaruramisawo; nevaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo.
30他預先命定的人,又呼召他們;所召來的人,又稱他們為義;所稱為義的人,又使他們得榮耀。
31Zvino tichatiyi kuzvinhu izvi? Kana Mwari ari wedu, ndiani uchatirwisa?
31靠主就得勝有餘既是這樣,我們對這一切還有甚麼話說呢? 神若這樣為我們,誰能敵對我們呢?
32Iye usina kutongoomera neMwanakomana wake, asi wakamukumikidza nekuda kwedu tose, ungarega sei nayewo kutipa pachena zvinhu zvose?
32他連自己的兒子都捨得,為我們眾人把他交出來,難道不也把萬有和他一同白白地賜給我們嗎?
33Ndiani uchapa mhosva vasanangurwa vaMwari? NdiMwari unoruramisa;
33誰能控告 神揀選的人呢?有 神稱我們為義了。
34ndiani unopa mhosva? ndiKristu wakafa, zvikuru wakamutswazve, uri kuruoko rwerudyi rwaMwari, unotirevererawo.
34誰能定我們的罪呢?有基督耶穌死了,而且復活了,現今在 神的右邊,也替我們祈求。
35Ndiani uchatiparadzanisa nerudo rwaKristu? Kutambudzika, kana kumanikidzika, kana kushushwa, kana nzara, kana kushama, kana njodzi, kana munondo here?
35誰能使我們與基督的愛隔絕呢?是患難嗎?是困苦嗎?是迫害嗎?是飢餓嗎?是赤身露體嗎?是危險嗎?是刀劍嗎?
36Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Nekuda kwenyu tinourawa zuva rose; tinoverengwa semakwai okubayiwa.
36正如經上所記:“為你的緣故,我們終日面對死亡,人看我們像待宰的羊。”
37Asi pazvinhu izvi zvose tinodarika vakundi kubudikidza naiye wakatida.
37但靠著愛我們的那一位,我們在這一切事上就得勝有餘了。
38Nekuti ndinechokwadi kuti harwusi rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana ukuru ukuru, kana masimba, kana zvinhu zvazvino, kana zvinhu zvinouya,
38因為我深信:無論是死、是生,是天使、是掌權的,是現在的事,是將來的事,是有能力的,
39kana urefu, kana udzamu, kana chimwe chisikwa chipi zvacho, chingagona kutiparadzanisa nerudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
39是高天的、是深淵的,或是任何別的被造之物,都不能叫我們與 神的愛隔絕,這愛是在我們的主耶穌基督裡的。