1Ivai vateveri vangu, seniwo ndiri waKristu.
1你们应该效法我,好像我效法基督一样。
2Zvino ndinokurumbidzai hama, kuti munondirangarira pazvinhu zvose, muchichengetedza zvimiso, sezvandakakumikidza kwamuri.
2女人蒙头的问题我称赞你们,因为你们在一切事上都记念我,又持守我传交给你们的教训。
3Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro wemurume umwe neumwe ndiKristu; uye musoro womukadzi murume; uye musoro waKristu ndiMwari.
3但是我愿意你们知道,基督是男人的头,男人是女人的头(“男人是女人的头”或译:“丈夫是妻子的头”), 神是基督的头。
4Murume umwe neumwe unonyengetera kana kuporofita ane musoro wakafukidzwa unozvidza musoro wake.
4男人祷告或讲道的时候,如果蒙着头,就是羞辱自己的头。
5Asi mukadzi umwe neumwe unonyengetera kana kuporofita nemusoro usina kufukidzwa, unozvidza musoro wake; nekuti ndizvo zvimwe nokuveurwa.
5女人祷告或讲道的时候,如果不蒙着头,就是羞辱自己的头,因为这就好像剃了头发一样。
6Nekuti kana mukadzi asingafukidzwi ngaagerwewo; asi kana chiri chinyadzo kuti mukadzi agerwe kana kuveurwa, ngaafukidzwe.
6女人要不蒙着头,她就应当把头发剪了;如果女人以为剪发或剃头是羞耻的事,她就应当蒙着头。
7Nekuti murume zvirokwazvo haafaniri kufukidza musoro, sezvaari mufananidzo nekubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwemurume.
7男人不应蒙着头,因为他是 神的形象和荣耀,而女人是男人的荣耀。
8Nekuti murume haabvi kumukadzi; asi mukadzi unobva kumurume;
8因为男人不是由女人而出,女人却是由男人而出,
9kana murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi murume;
9并且男人不是为了女人而造的,女人却是为了男人而造的。
10nekuda kweizvozvi mukadzi unofanira kuva nesimba pamusoro wake, nekuda kwevatumwa.
10因此,为天使的缘故,女人应当在头上有服权柄的记号。
11Kunyange zvakadaro murume haazi kunze kwemukadzi nemukadzi haazi kunze kwemurume muna Ishe.
11然而在主里面,女人不可以没有男人,男人也不可以没有女人。
12Nekuti mukadzi sezvaanobva kumurume, saizvozvo murumewo unobva kumukadzi, asi zvinhu zvose zvinobva kuna Mwari.
12因为正如女人是由男人而出,照样,男人是借着女人而生;万有都是出于 神。
13Zvienzanisei imwi, zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa?
13你们自己判断一下,女人向 神祷告的时候不蒙头,是合适的吗?
14Kunyange chisikigo pachacho hachikudzidzisii here, kuti kana murume ane vhudzi refu, chinyadzo kwaari?
14人的本性不是也教导你们,如果男人有长头发,就是他的羞耻吗?
15Asi kana mukadzi ane vhudzi refu, rukudzo kwaari; nekuti vhudzi rakapiwa kwaari chive chifukidzo.
15如果女人有长头发,不就是她的荣耀吗?因为头发是给她作盖头的。
16Zvino kana mumwe achiratidza kuva negakava, isu hatina tsika yakadaro, kunyange kereke dzaMwari.
16如果有人想要强辩,我们却没有这种习惯, 神的众教会也没有。
17Zvino mukuraira uku handirumbidzi, nekuti munounganira kwete zvakapfuura kunaka, asi zvakaipisisa.
17要用合适的态度吃主的圣餐(太26:26-28;可14:22-24;路22:17-20)我现在要吩咐你们,不是要称赞你们,因为你们聚集在一起,并没有得到益处,反而有害处。
18Nekuti chekutanga kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupatsanurana kuripo pakati penyu; pamwe ndinozvitenda.
18首先,我听说你们在聚会的时候,你们中间起了分裂,这话我也稍微相信。
19Nekuti kupatsanuka kunofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu.
19你们中间会有分党结派的事,这是必然的,为的是要使那些经得起考验的人显明出来。
20Naizvozvo kana muchiungana panzvimbo imwe, uku hakusi kudya chirayiro chaIshe;
20你们聚集在一起,不是吃主的晚餐,
21Nekuti pakudya umwe neumwe unotanga kutora chirayiro chake; uye umwe une nzara, uye umwe wakadhakwa.
21因为吃的时候,各人都先吃自己的晚餐,结果有人饥饿,有人醉了。
22Ko hamuna dzimba dzekudyira nekumwira here? Kana munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu? Ndichatii kwamuri? Ndingakurumbidzai here pane izvi? Handingakurumbidziyi.
22难道你们没有家可以吃喝吗?还是你们藐视 神的教会,使那些没有的羞愧呢?我向你们可以说什么呢?称赞你们吗?在这事上我不能称赞。
23Nekuti ini ndakagamuchira kuna Ishe ichowo chandakagamuchidza kwamuri, kuti Ishe Jesu neusiku hwaakatengeswa wakatora chingwa,
23我当日传交给你们的,原是从主领受的,就是主耶稣被出卖的那一夜,他拿起饼来,
24zvino wakati avonga akamedura, akati: Torai, idyai, ichi muviri wangu unomedurirwa imwi; izvi itai muchindirangarira.
24祝谢了,就擘开,说:“这是我的身体,为你们擘开的;你们应当这样行,为的是记念我。”
25Nenzira imwecheteyo mukombewo, shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu; izvi itai, nguva dzose kana muchimwa mukundirangarira.
25饭后,照样拿起杯来,说:“这杯是用我的血所立的新约,你们每逢喝的时候,应当这样行,为的是记念我。”
26Nekuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nekumwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe kusvikira asvika.
26你们每逢吃这饼,喝这杯,就是宣扬主的死,直等到他来。
27Naizvozvo ani nani unodya chingwa ichi, kana kumwa mukombe waIshe zvisakafanira, uchava nemhosva yemuviri neropa raIshe.
27因此,无论什么人若用不合适的态度吃主的饼,喝主的杯,就是得罪主的身体、主的血了。
28Zvino munhu ngaazviongorore, saizvozvo ngaadye zvechingwa nekumwa zvemukombe.
28所以人应当省察自己,然后才吃这饼,喝这杯。
29Nekuti unodya nokumwa zvisakafanira, unozvidyira nekuzvimwira kutongwa zvaasingatsauri muviri waIshe.
29因为那吃喝的人,如果不辨明是主的身体,就是吃喝定在自己的身上的罪了。
30Nemhaka iyi vazhinji pakati penyu indonda nevarwere, nevazhinji varere.
30因此,你们中间有许多人是软弱的,患病的,而且死了的也不少。
31Nekuti dai taizvinzvera tomene, hatizaitongwa.
31我们若仔细省察自己,就不会受审判了。
32Zvino kana tichitongwa, tinorangwa naIshe, kuti tirege kunzi tine mhosva pamwe nenyika.
32然而我们被主审判的时候,是受他的管教,免得和世人一同被定罪。
33Naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana kuti mudye, miriranai.
33所以,我的弟兄们,你们聚集在一起吃的时候,要彼此等待。
34Uye kana umwe ane nzara, ngaadye kumba; kuti murege kuunganira kunzi mune mhosva. Zvasara ndichazvigadzira kana ndichisvika.
34如果有人饿了,就应当在家里先吃,免得你们聚集在一起的时候受到审判。其余的事,我来的时候再作安排。