Shona

聖經新譯本 (Simplified)

1 Corinthians

12

1Zvino maererano nezvipo zveMweya, hama, handidi kuti musaziva.
1属灵的恩赐
2Munoziva kuti maiva vahedheni, muchitungamirirwa kuzvifananidzo izvi mbeveve, sevanokwehwa.
2你们知道,你们还是教外人的时候,总是受迷惑被引诱,去拜那不能说话的偶像。
3Saka ndinokuzivisai, kuti hakuna munhu unotaura neMweya waMwari unoti: Jesu rushambwa; Uye hakuna munhu ungati: Jesu ndiIshe, kunze kwekuda kweMweya Mutsvene.
3所以我要你们知道,被 神的灵感动而说话的人,没有一个会说“耶稣是可咒诅的”;除非是被圣灵感动,也没有人能说“耶稣是主”。
4Zvino kune marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndeumwe.
4恩赐有许多种,却是同一位圣灵所赐的;
5Uye kune nzira dzakasiyana dzekushumira, asi Ishe mumwe.
5服事的职分有许多种,但是同一位主;
6Kuti marudzi amabasa akasiyana siyana, asi ndiMwari mumwe, iye unobata zvose mune vose.
6工作的方式也有许多种,但仍是一位 神,是他在众人里面作成一切。
7Asi umwe neumwe unopiwa kuratidza kweMweya, kune zvinobatsira.
7圣灵显现在各人的身上,为的是要使人得着益处。
8Nekuti kune umwe kunopiwa neMweya shoko reuchenjeri, nekune umwe shoko reruzivo neMweya iwoyu,
8有人借着圣灵领受了智慧的言语,又有人靠着同一位圣灵领受了知识的言语,
9nekune umwe rutendo, neMweya iwoyu, nekune mumwe zvipo zvekuporesa neMweya iwoyu,
9又有人因着同一位圣灵领受了信心,还有人因着这位圣灵领受了医病的恩赐,
10nekune umwe kuita mabasa esimba, nekune umwe kuporofita, nekune umwe kunzwisisa zvemweya, nekune umwe marudzi endimi, nekune umwe kududzira ndimi;
10另有人可以行神迹,另有人可以讲道,另有人可以辨别诸灵,也有人能说各种的方言,也有人能翻译方言。
11asi izvi zvose zvinoitwa neMweya iwoyu mumwe chete, unogovera umwe neumwe sezvaanoda.
11这一切都是这同一位圣灵所作的,他按照自己的意思个别地分给各人。
12Nekuti muviri sezvauri umwe, uye une mitezo mizhinji, nemitezo yose yemuviri uyu umwe, kunyange iri mizhinji, muviri umwe; wakadarowo Kristu.
12正如身体是一个,却有许多肢体,而且肢体虽然很多,身体仍是一个;基督也是这样。
13Nekuti neMweya umwe isu tose takabhabhatidzirwa mumuviri umwe; kana vaJudha kana vaGiriki, kana varanda kana vakasununguka; isu tose takamwiswa paMweya umwe.
13我们无论是犹太人,是希腊人,是作奴隶的,是自由的,都在那一位圣灵里受了洗,成为一个身体,都饮了那一位圣灵。
14Nekuti muviri hausi mutezo umwe asi mizhinji.
14原来身体有许多肢体,并不是只有一个肢体。
15Kana rutsoka rukati: Nekuti handisi ruoko, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi, harwusi rwemuviri here,
15假如脚说:“我不是手,所以我不属于身体。”它不能因此就不属于身体。
16Nenzeve kana ikati: Nekuti handisi ziso, handisi wemuviri; nekuda kwezvizvi haizi yemuviri here?
16假如耳朵说:“我不是眼睛,所以我不属于身体。”它也不能因此就不属于身体。
17Dai muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepi? Kana wose waiva kunzwa, kunhuwidza kungadai kuripi?
17假如整个身体只是眼睛,怎样听呢?假如整个身体只是耳朵,怎样闻味呢?
18Asi zvino Mwari wakagadza mutezo umwe neumwe pamuviri sezvaakada.
18但现在 神按照自己的意思,把肢体一一放在身体上。
19Asi kana yose yaiva mutezo umwe, muviri ungadai uri kupi?
19假如所有的只是一个肢体,怎能算是身体呢?
20Asi zvino mitezo mizhinji, asi muviri umwe.
20但现在肢体虽然很多,身体却只是一个。
21Uye ziso harigoni kuti kuruoko: Handinei newe; kanazve musoro kutsoka: Handinei newe;
21眼睛不能对手说:“我不需要你。”头也不能对脚说:“我不需要你们。”
22Asi zvikuru mitezo iyo yemuviri inoonekwa seisina simba, ndiyo inodikamwa;
22相反地,身体上那些似乎比较软弱的肢体,更是不可缺少的。
23naiyo yemuviri yatinofunga kuti haikudzwi, ndiyo yatinopa rukudzo zvakawedzerwa; nemitezo iyo yedu isina kunaka, kunaka kwakawedzerwa;
23我们认为身体上不大体面的部分,就更加要把它装饰得体面;不大美观的部分,就更加要使它美观。
24asi yedu yakanaka haishaiwi; asi Mwari wakabatanidza muviri pamwe, achipa rukudzo rukuru kune iyo yaishayiwa,
24我们身体上美观的部分,就不需要这样了。但 神却这样把身体组成了:格外地把体面加给比较有缺欠的肢体,
25kuti parege kuva nokupatsanurana pamuviri; asi mitezo ichengetane zvakaenzana.
25好使肢体能够互相照顾,免得身体上有了分裂。
26Kana mutezo umwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe nawo; kana mutezo umwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwe nawo.
26如果一个肢体受苦,所有的肢体就一同受苦;如果一个肢体得荣耀,所有的肢体就一同快乐。
27Zvino imwi muri muviri waKristu, nemutezo umwe neumwe.
27你们就是基督的身体,并且每一个人都是作肢体的。
28Mwari wakagadza vamwe pakereke, kutanga vaapositori, kechipiri vaporofita, kechitatu vadzidzisi, kozouya mabasa esimba, tevere zvipo zvekuporesa, mabasa erubatsiro, utungamiriri, ndimi dzakasiyana siyana.
28 神在教会里所设立的,第一是使徒,第二是先知,第三是教师,其次是行神迹的,再其次是有医病恩赐的,帮助人的,治理事的,说各种方言的。
29Vose vaapositori here? Vose vaporofita here? Vose vadzidzisi here? Vose mabasa esimba here?
29难道都是使徒吗?都是先知吗?都是教师吗?都是行神迹的吗?
30Vose vane zvipo zvekuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?
30都是有医病恩赐的吗?都是说方言的吗?都是翻译方言的吗?
31Asi shuvai zvipo zvakanakisisa. Uye zvakadaro ndinokuratidzai nzira yakaisvonaka kupfuura dzose.
31你们却要热切地追求那些更大的恩赐。现在我要把更高的道路指示你们。