Shona

聖經新譯本 (Simplified)

1 Corinthians

13

1Kunyange ndikataura nendimi dzevanhu nedzevatumwa, asi ndisina rudo, ndava sendarira inorira, kana chigwagwagwa chinongwerengwedza.
1信望爱中最大的是爱
2Kunyange ndine chiporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, neruzivo rwose; uye kunyange ndine rutendo rwose, zvekuti ndibvise makomo, ndisina rudo, handisi chinhu.
2我若有先知讲道的恩赐,也明白各样的奥秘,各样的知识;并且有全备的信,叫我能够移山,却没有爱,我就算不得什么。
3Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikapa muviri wangu kuti ndipiswe ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu.
3我若把一切所有的分给人,又舍己身被人焚烧,却没有爱,对我仍然毫无益处。
4Rudo rwune moyo murefu, rwune unyoro; rudo harwuna godo; rudo harwuzvikudzi, harwututumadzwi,
4爱是恒久忍耐,又有恩慈。爱是不嫉妒,不自夸,不张狂;
5harwuzvibati zvisakafanira, harwuzvitsvakiri zvarwo; harwugumbuswi nhando, harwunanzereri zvakaipa;
5不作失礼的事,不求自己的益处,不轻易动怒,不计较人的过犯;
6harwufari mukusarurama, asi rwunofara muchokwadi;
6不喜欢不义,只喜欢真理。
7rwunotakura zvinhu zvose, rwunotenda zvinhu zvose, rwunotarisira zvinhu zvose, rwunotsungirira zvinhu zvose.
7爱是凡事包容,凡事相信,凡事盼望,凡事忍耐。
8Rudo harwutongokundikani. Zvino kana zviri zviporofita, zvichakundikana; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana guri ruzivo, rwuchanyangariswa.
8爱是永存不息的。先知的讲道终必过去,方言终必停止,知识终必消失。
9Nekuti tinoziva muchidimbu, uye tinoporofita muchidimbu;
9因为我们现在所知道的,只是一部分;所讲的道也只是一部分;
10asi kana zvakazara zvasvika, izvo zviri muchidimbu zvichashayiswa maturo.
10等那完全的来到,这部分的就要过去了。
11Pandakanga ndiri mucheche, ndaitaura semucheche, ndainzwisisa semucheche, ndaifunga semucheche; zvino pandakava murume, ndakabvisa zveucheche.
11我作孩子的时候,说话像孩子,心思像孩子,想法像孩子,既然长大了,就把孩子的事都丢弃了。
12Nekuti ikozvino tinoona nepachioni-oni madzedzerera; asi nenguva iyo tichaona zviso zvakatarisana; ikozvino ndinoziva muchidimbu, asi ipapo ndichaziva sezvandakazikamwa neniwo.
12我们现在是对着镜子观看,模糊不清,到那时就要面对面了。我现在所知道的只是一部分,到那时就完全知道了,好像主完全知道我一样。
13Ikozvino rutendo, tariro, rudo, zvitatu izvi ndizvo zvinogara; asi chikuru chezvizvi rudo.
13现在常存的有信、望、爱这三样,其中最大的是爱。