Shona

聖經新譯本 (Simplified)

1 Corinthians

5

1Zvinonzwikwa chose kuti upombwe hwuripo pakati penyu, uye upombwe hwakadaro hwusingataurwi kunyange pakati pevahedheni, hwokuti mumwe ave nemukadzi wababa vake.
1行淫乱的人应当赶出教会听说你们中间竟然有淫乱的事,这样的淫乱在教外人中间都没有,就是有人和他的继母同居。
2Asi imwi munozvikudza, uye pachinzvimbo chaizvozvo hamuna kuchema, kuti uyo wakaita chiito ichi abviswe pakati penyu?
2你们还是自高自大!难道你们不该觉得痛心,把作这件事的人从你们中间赶出去吗?
3Nekuti ini zvirokwazvo, sendisipo pamuviri, asi ndiripo pamweya, ndatotonga uyo wakaita chiito ichi sendinenge ndiripo,
3我身体虽然不在你们那里,心灵却与你们在一起,好像我亲身在那里审判了作这件事的人,
4Muzita raIshe wedu Jesu Kristu, maungana pamwe nemweya wangu nesimba raIshe wedu Jesu Kristu.
4就是当你们奉我们主耶稣的名聚集在一起,我的灵在那里,我们主耶稣的权能也同在的时候,
5kukumikidza wakadai kuna Satani kuti nyama yake iparadzwe, kuti mweya uponeswe pazuva raIshe Jesu.
5要把这样的人交给撒但,败坏他的身体,使他的灵魂在主的日子可以得救。
6Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa bundu rose?
6你们这样自夸是不好的。你们不知道一点面酵能使全团面发起来吗?
7Naizvozvo bvisai mbiriso yekare, kuti muve bundu idzva, sezvamusina kuviriswa. Nekuti nepasika yedu yakabayirwa isu, iye Kristu;
7你们既是无酵的面,就应当把旧酵除净,好让你们成为新的面团;因为我们逾越节的羊羔基督已经被杀献祭了。
8saka ngatichengetedze mutambo, kwete nembiriso yekare, kana nembiriso yekuipa nekutadza; asi nechingwa chisina kuviriswa chakatendeka nechokwadi.
8所以我们守这节,不可用旧酵,也不可用又邪又恶的酵,而是要用纯洁真实的无酵饼。
9Ndakakunyorerai mutsamba, kuti musafambidzana nemhombwe;
9我以前写信告诉你们,不可与淫乱的人来往。
10asi kwete zvakazara nemhombwe dzenyika ino, kana nevachivi, kana makororo, kana vanonamata zvifananidzo, nekuti kana zvakadaro zvingafanira kuti mubude munyika.
10这话当然不是指这世上行淫乱的、贪心的、勒索的,或拜偶像的人;如果是这样,你们就非脱离这世界不可。
11Asi ikozvino ndakunyorerai kuti murege kufambidzana, kana munhu achiidzwa hama ari mhombwe, kana muchivi kana munamati wezvifananidzo kana munyombi kana chidhakwa kana gororo; musatongodya newakadai.
11但现在我写信告诉你们,如果有称为弟兄,却是行淫乱、贪心、拜偶像、辱骂人、醉酒或勒索的,这样的人,不可和他来往,连和他吃饭都不可。
12Nekuti ini ndinei pakutongawo vari kunze? Imwi hamutongi vari mukati here?
12审判教外的人,跟我有什么关系?教内的人不是你们审判的吗?
13Asi avo vari kunze Mwari unovatonga. Naizvozvo bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.
13至于教外的人, 神会审判他们。你们要把那恶人从你们中间赶出去。