Shona

聖經新譯本 (Simplified)

1 Corinthians

4

1Munhu ngaatirangarire sezvizvi, sevaranda vaKristu, nevachengetedzi vezvakavanzika zvaMwari.
1基督的使徒遭人轻视
2Pamusoro pazvo zvinotarisirwa kuti pavatariri, kuti munhu awanikwe akatendeka.
2对于管家的要求,就是要他忠心。
3Asi kwandiri chinhu chiduku-duku kuti nditongwe nemwi, kana nekutonga kwemunhu; asi neni handizvitongi.
3我被你们论断,或被人间法庭审判,我都认为是极小的事,连我自己也不论断自己。
4Nekuti handirangariri chinhu kwandiri, zvakadaro handiruramiswi neizvozvo; Asi unonditonga ndiIshe.
4我虽然问心无愧,却不能因此自以为义,因为判断我的是主。
5Naizvozvo regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe auya, iye zvose uchabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, uye ucharatidza mazano emoyo; uye ipapo munhu umwe neumwe ucharumbidzwa naMwari.
5所以时候还没有到,你们不要批评,直等到主来;他要照出黑暗中的隐情,显明人心里的动机。那时,各人要从 神那里得着称赞。
6Zvino zvinhu izvi, hama, ndinozvifananidzira neni naAporo nekuda kwenyu, kuti mudzidze kwatiri kuti musafunga kupfuura izvo zvakanyorwa, kuti umwe arege kuzvikudza achitsaura umwe kune umwe.
6弟兄们,我为你们的缘故,拿了这些事来比拟自己和亚波罗,让你们在我们身上学到的,不会超过圣经所记的,免得你们中间有人自高自大,看重这个轻视那个。
7Nekuti ndiani wakaita kuti musiyane? Uye chii chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzirei seusina kupiwa?
7使你与人不同的是谁呢?你有什么不是领受的呢?既然是领受的,为什么要自夸,好像不是领受的呢?
8Matoguta, matofuma, matotonga kunze kwedu; ndinodawo kuti mutonge, kuti isuwo titonge pamwe nemwi.
8你们已经满足了,已经丰富了,不需要我们,自己作王了。我恨不得你们真的作了王,让我们也可以跟你们一同作王!
9Nekuti ndinofunga kuti Mwari wakatigadza isu vaapositori vekupedzisira, sevakatemerwa rufu; nekuti takaitwa chivokero kunyika, nekuvatumwa nekuvanhu.
9我想 神是把我们作使徒的列在最后,好像定了死刑的人,因为我们成了一台戏给宇宙观看,就是给天使和世人观看!
10Isu tiri mapenzi nekuda kwaKristu, asi imwi makachenjera muna Kristu; isu tine utera, asi imwi makasimba; imwi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa.
10我们为基督的缘故,成了愚笨的;你们在基督里,倒成了聪明的。我们软弱,你们倒强壮;你们受人尊敬,我们倒被轻视。
11Kunyange kusvikira nguva ino tine nzara, uye tine nyota, takashama, tinorohwa netsiva, uye tiri vambeyi;
11直到现在,我们还是又饥又渴,衣不蔽体,又挨打,又没有栖身的地方,
12tinochama, tichishanda nemaoko edu; kana tichinyombwa tinoropafadza, kana tichishushwa tinotsunga moyo;
12并且劳苦,亲手作工。被人咒骂,我们就祝福;遭受迫害,我们就忍受;
13kana tichinyeyewa tinonyengerera; tinoitwa setsvina yenyika, marara ezvinhu zvose, kusvikira zvino.
13被人毁谤,我们却好好地劝导;直到现在,人还是把我们当作世上的垃圾,万物的渣滓。
14Handinyoreri zvinhu izvi kuti ndikunyadzisei, asi savana vangu vanodikamwa ndinokunyeverai.
14我写这些话,不是要叫你们羞愧,而是把你们当作我亲爱的儿女一样劝戒你们。
15Nekuti kunyange mune vadzidzisi zvuru gumi muna Kristu, zvakadaro hamuna madzibaba mazhinji; nekuti muna Kristu Jesu ini ndakakuberekai kubudikidza neevhangeri.
15纵然你们在基督里有上万的启蒙教师,可是父亲却不多,因为是我在基督耶稣里借着福音生了你们。
16Naizvozvo ndinokukumbirisai: Ivai vatevedzeri vangu.
16所以我劝你们要效法我。
17Nemhaka iyi ndakatuma Timotio kwamuri, unova mwana wangu unodikamwa, uye wakatendeka muna Ishe; iye uchakuyeuchidzai mitoo yangu iri muna Kristu, sezvandinodzidzisa kose pakereke dzose.
17因此,我打发提摩太到你们那里去。他是我在主里亲爱又忠心的儿子,他要提醒你们我在基督里是怎样行事为人,正如我在各处教会中所教导的一样。
18Zvino vamwe vanozvikudza sezvinonzi handingauyi kwamuri.
18有人以为我不会到你们那里去,就自高自大。
19Asi ndichauya kwamuri nekukurumidza, kana Ishe achida, uye ndichaziva, kwete shoko revanozvikudza, asi simba.
19然而主若愿意,我很快就要到你们那里去;到时我要知道的,不是那些自高自大的人所讲的,而是他们的能力。
20Nekuti ushe hwaMwari hahwuzi pashoko asi pasimba.
20因为 神的国不在乎言语,而在乎权能。
21Munodei? Ndiuye kwamuri netsvimbo here kana murudo nemweya weuyoro?
21你们愿意怎么样呢?要我带着刑杖到你们那里去,还是以温柔的灵,带着爱心去呢?