Shona

聖經新譯本 (Simplified)

1 Corinthians

3

1Zvino ini, hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemwi sekune veMweya, asi sekune venyama, sekune vacheche muna Kristu.
1不可分派结党
2Ndakakumwisai mukaka, kwete chikafu chikukutu; nekuti makanga musati mogona kudya, zvakare nazvino hamugoni.
2我喂给你们吃的是奶,不是饭,因为那时你们不能吃,就是现在还是不能,
3Nekuti muchiri venyama; Nekuti zvapachine godo pakati penyu, negakava nekupatsanurana, hamusi venyama, muchifamba sevanhu here?
3因为你们仍然是属肉体的。在你们当中既然有嫉妒纷争,你们不还是属肉体,照着世人的方式而行吗?
4Nekuti kana umwe achiti: Ini ndiri waPauro, neumwe achiti: Ini waAporo, hamuzi venyama here?
4有人说“我是保罗派的”,又有人说“我是亚波罗派的”,你们不是和世人一样吗?
5Ko Pauro chii? Uye Aporo chii? Asi varanda vamakatenda kubudikidza navo, uye umwe neumwe sekupiwa kwaakaitwa naMwari.
5亚波罗算什么?保罗算什么?我们不过是 神的仆人,你们借着我们信了主;按着主所赐给各人的,
6Ini ndakadzvara, Aporo wakadiridza, asi Mwari wakakudza.
6我栽种了,亚波罗浇灌了,唯有 神使它生长。
7Naizvozvo unodzvara haazi chinhu, kana unodiridza, asi Mwari unokudza.
7所以,栽种的算不得什么,浇灌的也算不得什么,只在乎那使它生长的 神。
8Zvino unodzvara neunodiridza ndevamwe; asi umwe neumwe uchagamuchira mubairo wake zvichienderana nebasa rake.
8栽种的和浇灌的都是一样,只是各人要照着自己的劳苦得着自己的报酬。
9Nekuti tiri vashandi vaMwari pamwe naye; muri munda waMwari, muri chivakwa chaMwari.
9我们是 神的同工,你们是 神的田地, 神的房屋。
10Nekuda kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri, semuvaki nyanzvi wakachenjera, ndakaronga nheyo; umwe unovaka pamusoro padzo. Asi umwe neumwe ngaachenjere kuti unovaka sei pamusoro padzo.
10我照着 神赐给我的恩典,就像一个聪明的工程师,立好了根基,别人在上面建造。各人要注意怎样在上面建造,
11Nekuti hakuna umwe unogona kuronga imwe nheyo, asi iyo yakarongwa, inova Jesu Kristu.
11因为除了那已经立好的根基以外,没有人能立别的根基。那根基就是耶稣基督。
12Zvino kana ani nani achivaka pamusoro penheyo iyi, ndarama, sirivheri, mabwe anokosha, matanda, uswa, mashanga,
12如果有人用金、银、宝石、草、木、禾秸,在这根基上建造,
13basa reumwe neumwe richabudiswa pachena; nekuti zuva iro richazvibudisa pachena, nekuti richazarurwa nemoto; uye moto uchaidza basa reumwe neumwe kuti rakadini.
13各人的工程将来必要显露,因为那日子必把它显明出来。有火要把它显露出来,那火要考验各人的工程是怎样的。
14Kana basa raani nani raakavaka pamusoro payo richigara, uchagamuchira mubairo.
14如果有人在这根基上建造的工程存得住,他就要得到赏赐;
15Kana basa raani nani rikapiswa, ucharashikirwa; asi iye amene uchaponeswa, asi sewakabuda nemumoto.
15如果有人的工程被烧毁,他就要受亏损;自己却要得救,只是要像从火里经过一样。
16Hamuzivi kuti imwi muri tembere yaMwari here, uye kuti Mweya waMwari unogara mamuri?
16难道不知道你们是 神的殿, 神的灵住在你们里面吗?
17Kana ani nani achiparadza tembere yaMwari, Mwari uchamuparadza; nekuti tembere yaMwari itsvene, inova imwi.
17如果有人毁坏 神的殿, 神必要毁坏这人,因为 神的殿是圣洁的,这殿就是你们。
18Ngakurege kuva neunozvinyengera. Kana umwe pakati penyu achizviona sewakachenjera panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera.
18谁也不要自欺。如果你们当中有人以为自己在这世代里是有智慧的,他就应该变为愚笨,好让他有智慧。
19Nekuti njere dzenyika ino upenzi kuna Mwari. Nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Unobata vakachenjera paumhare hwavo;
19因为这世界的智慧,在 神看来是愚笨的,如经上所记:“他使有智慧的人中了自己的诡计。”
20uyezve: Ishe unoziva ndangariro dzevakachenjera, kuti hadzina maturo.
20又说:“主知道智慧人的意念是虚妄的。”
21Naizvozvo ngakurege kuva neunozvikudza nevanhu. Nekuti zvinhu zvose ndezvenyu,
21所以,谁都不可拿人来夸耀,因为一切都是你们的。
22kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu; kana rufu, kana zvinhu zviripo, kana zvinhu zvinouya; zvose ndezvenyu,
22无论是保罗,是亚波罗,是矶法,是世界,是生,是死,是现在的事,是将来的事,都是你们的。
23nemwi muri vaKristu, naKristu ndewaMwari.
23你们是属基督的,基督是属 神的。