1Zvino ini, hama, pandakauya kwamuri, handina kuuya neunyanzvi hwekutaura kana nenjere, ndichikuparidzirai uchapupu hwaMwari.
1只传耶稣基督钉十字架
2Nekuti ndakafunga kusaziva chinhu pakati penyu, kunze kwaJesu Kristu, naiye wakarovererwa pamuchinjikwa.
2因为我曾立定主意,在你们中间什么都不想知道,只知道耶稣基督和他钉十字架的事。
3Uye ndakanga ndinemwi muutera nemukutya nemukudedera kukuru.
3我在你们那里的时候,又软弱又惧怕,而且战战兢兢;
4Nekutaura kwangu nekuparidza kwangu hakuna kuva nemashoko ekukwezva euchenjeri hwevanhu asi mukuratidza kweMweya nekwesimba;
4我说的话、讲的道,都不是用智慧的话去说服人,而是用圣灵和能力来证明,
5kuti rutendo rwenyu rwurege kuva munjere dzevanhu, asi musimba raMwari.
5使你们的信不是凭着人的智慧,而是凭着 神的能力。
6Asi njere tinodzitaura pakati pevakakwana, asi uchenjeri hwusati hwuri hwenyika ino, kana hwevatongi venyika ino, vanozoshaiswa maturo.
6属灵的人看透万事然而在信心成熟的人中间,我们也讲智慧,但不是这世代的智慧,也不是这世代将要灭亡的执政者的智慧。
7Asi tinotaura uchenjeri hwaMwari muchakavanzika, hwakavigwa, hwakagara hwagadzwa naMwari nyika isati yavapo hwuve kubwinya kwedu;
7我们所讲的,是从前隐藏的、 神奥秘的智慧,就是 神在万世以前,为我们的荣耀所预定的;
8ihwo hwusina kuzivikamwa neumwe wevatongi venyika ino; nekuti dai vakaziva, vangadai vasina kuroverera Ishe wekubwinya pamuchinjikwa.
8这智慧,这世代执政的人没有一个知道,如果他们知道,就不会把荣耀的主钉在十字架上了。
9Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: Izvo ziso zvarisina kuona, nenzeve zvadzisina kunzwa, kana kupinda mumoyo wemunhu, Mwari zvaakavagadzirira vanomuda;
9正如经上所记:“ 神为爱他的人所预备的,是眼睛未曾见过,耳朵未曾听过,人心也未曾想到的。”
10Mwari wakazvizarurira kwatiri neMweya wake; nekuti Mweya unonzvera zvinhu zvose, kunyange zvinhu zvakadzika zvaMwari.
10但 神却借着圣灵把这些向我们显明了,因为圣灵测透万事,连 神深奥的事也测透了。
11Nekuti munhu ndeupi unoziva zvinhu zvemunhu, kunze kwemweya wemunhu uri maari? Saizvozvo hakuna munhu unoziva zvinhu zvaMwari, kunze kweMweya waMwari.
11除了在人里面的灵,谁能知道人的事呢?同样,除了 神的灵,也没有人知道 神的事。
12Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatakangopiwa pachena naMwari;
12我们所领受的,不是这世界的灵,而是从 神来的灵,使我们能知道 神开恩赐给我们的事。
13zvatinotaurawo, kwete mumashoko anodzidziswa nenjere dzevanhu, asi anodzidziswa neMweya Mutsvene; tichienzanisa zvinhu zveMweya neMweya.
13我们也讲这些事,不是用人的智慧所教的言语,而是用圣灵所教的言语,向属灵的人解释属灵的事(“向属灵的人解释属灵的事”或译:“用属灵的话解释属灵的事”)。
14Zvino munhu wechisikigo haagamuchiri zvinhu zveMweya waMwari; nekuti upenzi kwaari; uye haagoni kunzwisisa, nekuti zvinonzverwa neMweya.
14然而属血气的人不接受 神的灵的事,因为他以为是愚笨的;而且他也不能够明白,因为这些事,要有属灵的眼光才能领悟。
15Asi weMweya unonzvera zvinhu zvose, asi iye amene haanzverwi nemunhu.
15属灵的人能看透万事,却没有人能看透他,
16Nekuti ndiani wakaziva fungwa yaIshe, kuti amuraire? Asi isu tine fungwa yaKristu.
16如经上所记:“谁曾知道主的心意,能够指教他呢?”但我们已经得着基督的心意了。