Shona

聖經新譯本 (Simplified)

1 Corinthians

1

1Pauro wakadamwa kuva muapositori waJesu Kristu kubudikidza nechido chaMwari, naSositenesi hama,
1问安
2kukereke yaMwari iri paKorinde, kune vakaitwa vatsvene muna Jesu Kristu, vakadamwa kuva vatsvene, pamwe nevose vanodana panzvimbo dzose kuzita raIshe wedu Kristu Jesu, zvose wavo newedu:
2写信给在哥林多 神的教会,就是在基督耶稣里已经被分别为圣,蒙召为圣徒的人,和所有在各地呼求我们主耶稣基督的名的人。基督是他们的主,也是我们的主。
3Nyasha kwamuri nerugare runobva kuna Mwari baba vedu naIshe Jesu Kristu.
3愿恩惠平安从我们的父 神和主耶稣基督临到你们。
4Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose nekuda kwenyu, nekuda kwenyasha dzaMwari dzamakapiwa muna Kristu Jesu;
4为信徒感谢 神我因着 神在基督耶稣里赐给你们的恩典,常常为你们感谢我的 神,
5kuti pachinhu chose makafumiswa maari, pakutaura kose neparuzivo rwose,
5因为你们在他里面凡事都富足,很有口才,知识丰富,
6sezvo uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri;
6就如我们为基督所作的见证在你们中间得到坚立一样,
7kuti hamusariri pane chimwe chipo, muchimirira kuratidzwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,
7以致你们在恩赐上一无所缺,殷切盼望着我们主耶稣基督的显现;
8uchakusimbisaiwo kusvikira pakuguma, musina mhosva pazuva raIshe wedu Jesu Kristu.
8他也必坚定你们到底,使你们在我们主耶稣基督的日子无可指摘。
9Mwari wakatendeka, wamakadamwa kubudikidza naye mukudyidzana kweMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu.
9 神是信实的,他呼召了你们,是要你们与他的儿子我们主耶稣基督连合在一起。
10Zvino ndinokukumbirisai, hama, nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mose mutaure chinhu chimwe, uye pasava nekupatsanurana pakati penyu; asi kuti mubatanidzwe pamwe zvakazara pamurangariro umwe nemaonero mamwe.
10基督是分开的吗?弟兄们,我凭着我们主耶稣基督的名,劝你们大家要同心,在你们中间不要分党,只要在同一的心思、同一的意念上团结起来。
11Nekuti ndakanyatsoudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, nevekwaKirowa, kuti kune makakava pakati penyu.
11我的弟兄们,革来氏家里的人向我提到你们,说你们中间有纷争。
12Zvino ndinoreva izvi, kuti umwe neumwe wenyu unoti: Ini ndiri waPauro, asi ini waAporo, asi ini waKefasi, asi ini waKristu.
12我的意思就是,你们各人说,我是保罗派的,我是亚波罗派的,我是矶法派的,我是基督派的。
13Kristu wakapatsanurwa here? Ko Pauro wakarovererwa pamuchunjikwa imwi here? Kana makabhabhatidzwa muzita raPauro here?
13基督是分开的吗?保罗为你们钉了十字架吗?你们受洗是归入保罗的名下吗?
14Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza mumwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo;
14我感谢 神,除了基利司布和该犹以外,我没有给你们任何人施过洗,
15kuti kurege kuva neungati ndakabhabhatidza muzita rangu ndomene.
15所以你们没有人可以说是受洗归入我名下的。
16Uye ndakabhabhatidzawo imba yaStefana; kunze kwaivava handizivi kana ndakabhabhatidza umwe.
16我也给司提反一家的人施过洗;此外,有没有给别人施过洗,我就不记得了。
17Nekuti Kristu wakandituma kwete kuzobhabhatidza, asi kuti ndiparidze evhangeri; kwete nenjere dzemashoko, kuti zvimwe muchinjikwa waKrsitu ushaiswe maturo.
17基督差遣我,不是要我去施洗,而是去传福音;不是靠着智慧的言论去传,免得基督的十字架失去了效力。
18Nekuti shoko remuchinjikwa kuna vanoparadzwa upenzi; asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari.
18基督是 神的能力和智慧因为十字架的道理,对走向灭亡的人来说是愚笨的,但对我们这些得救的人,却是 神的大能。
19Nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza njere dzevakachenjera, Ndichashaisa maturo kunzwisisa kwevazivi.
19因为经上记着说:“我要灭绝智慧人的智慧,废弃聪明人的聪明。”
20Uripi wakachenjera? Uripi munyori? Uripi mukakavari wenyika ino? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here?
20智慧人在哪里?经学家在哪里?今世的辩士在哪里? 神不是使属世的智慧变成了愚笨吗?
21Nekuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza neuchenjeri hwayo haina kuziva Mwari, zvakafadza Mwari kubudikidza neupenzi hwekuparidza kuponesa vanotenda.
21因为在 神的智慧里,世人凭自己的智慧,既然不能认识 神, 神就乐意借着所传的愚笨的道理,去拯救那些信的人。
22Nekuti vaJudha vanokumbira chiratidzo, nevaGiriki vanotsvaka uchenjeri;
22犹太人要求神迹,希腊人寻找智慧,
23asi isu tinoparidza Kristu wakarovererwa pamuchinjikwa, kuvaJudha chigumbuso, nekuvaGiriki upenzi;
23我们却传扬钉十字架的基督;在犹太人看来是绊脚石,在外族人看来是愚笨的,
24asi kune vakadamwa, vose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nenjere dzaMwari;
24但对那些蒙召的人,不论是犹太人或希腊人,基督是 神的能力, 神的智慧。
25Nekuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura vanhu, neutera hwaMwari hwakasimba kupfuura vanhu.
25因为 神的愚笨总比人智慧, 神的软弱总比人刚强。
26Nekuti tarirai kudanwa kwenyu, hama, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama, havazi vazhinji vane simba, havazi vazhinji vanokudzwa;
26弟兄们,你们想想,你们这些蒙召的,按人来看有智慧的不多,有权势的不多,出身尊贵的也不多。
27asi Mwari wakatsaura zvinhu zveupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; uye Mwari wakatsaura zvinhu zvisina simba zvenyika, kuti anyadzise izvo zvine simba;
27但是 神却拣选了世上愚笨的,使那些有智慧的羞愧。他也拣选了世上软弱的,使那些刚强的羞愧。
28Nezvinhu zvepasi zvenyika nezvinhu zvinoshorwa Mwari wakasarudza, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zvinhu zviripo maturo;
28他也拣选了世上卑贱的和被人轻视的,以及算不得什么的,为了要废弃那些自以为是的,
29kuti kurege kuva nenyama ingazvikudza pamberi pake.
29使所有的人在 神面前都不能自夸。
30Asi kwaari imwi muri muna Kristu Jesu, iye wakaitirwa isu uchenjeri hwunobva kuna Mwari, nekururama, nekuitwa vatsvene, nerudzikinuro.
30你们因着 神得以在基督耶稣里,他使基督成了我们的智慧;就是公义、圣洁和救赎,
31Kuti maererano sezvazvakanyorwa zvichinzi: Uyo unozvikudza, ngaazvikudze muna Ishe.
31正如经上所说的:“夸口的应当靠着主夸口。”