Shona

聖經新譯本 (Simplified)

1 Corinthians

8

1Zvino pamusoro pezvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti tose tine ruzivo. Ruzivo rwunotutumadza, asi rudo rwunosimbisa.
1祭过偶像的食物的问题
2Uye kana ani nani achifunga kuti unoziva chinhu, haasati aziva chinhu sezvaanofanira kuziva.
2如果有人自以为知道些什么,那么,他应该知道的,他还是不知道。
3Asi kana ani nani achida Mwari, ndiye unozikamwa naye.
3如果有人爱 神,这人是 神所知道的。
4Naizvozvo maererano nekudya zvinhu izvo zvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu panyika, uye kuti hakuna umwe Mwari kunze kweumwe.
4关于吃祭过偶像的食物,我们知道世上的偶像算不得什么,也知道 神只有一位,没有别的神。
5Nekuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga kana panyika (sezvavaripo vamwari vazhinji, nemadzishe mazhinji),
5虽然有被称为神的,无论在天上或在地上(就如有许多的“神”许多的“主”),
6asi kwatiri kuna Mwari mumwe, Baba, kwaari kunobva zvinhu zvose, nesu tiripo naye; naIshe umwe, Jesu Kristu; kwaari kunobva zvinhu zvose, nesu tiripo naye.
6然而我们只有一位 神,就是父;万物都是从他而来,我们也为了他而活。我们也只有一位主,就是耶稣基督;万物都是借着他而有的,我们也是借着他而有的。
7Asi ruzivo harwuko kwavari vose; nekuti vamwe vachine hana dzechifananidzo kusvikira zvino, vanodya sezvakabayirwa chifananidzo; nehana yavo isina simba inoshatiswa.
7不过,这种知识不是人人都有的。有些人直到现在习惯了拜偶像的事,因此他们吃的时候,就把这些食物看作是真的献过给偶像的;他们的良心既然软弱,就被污秽了。
8Zvino chikafu hachingatiswededzi kuna Mwari; nekuti kunyange tichidya, hazvirevi kuti tine mubairo; uye kana tisingadyi, hazvirevi kuti tinorashikirwa.
8其实食物不能使我们亲近 神,我们不吃也无损,吃也无益。
9Asi chenjerai, kuti kodzero yenyu iyi irege kuva chigumbuso kune avo vasina simba.
9然而你们要谨慎,免得你们这自由成了软弱的人的绊脚石。
10Nekuti kana mumwe achikuona iwe une ruzivo ugere pakudya mutembere yechifananidzo, hana yaiyeye usinesimba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabayirwa zvifananidzo here?
10因为如果有人看见你这有知识的人,在偶像的庙里吃饭,他的良心若是软弱,他不就放胆去吃那祭过偶像的食物吗?
11Uye kubudikidza neruzivo rwako hama iyo isina simba ichaparara, Kristu yaakafira.
11因此,基督已经为他死了的那软弱的弟兄,就因你的知识而灭亡了。
12Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchikuvadza hana yavo isina simba, munotadzira Kristu.
12你们这样得罪弟兄,伤了他们软弱的良心,就是得罪基督了。
13Naizvozvo kana chikafu chichigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama kusvikira narinhi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.
13所以,如果食物使我的弟兄跌倒,我就永远不再吃肉,免得使我的弟兄跌倒了。