Shona

聖經新譯本 (Simplified)

1 Corinthians

9

1Handizi muapositori here? Handizi wakasununguka here? Handina kuona Jesu Kristu Ishe wedu here? Imwi hamusi basa rangu muna Ishe here?
1使徒的权利
2Kana ndisiri muapositori kuna vamwe, asi zviri pachena ndiri iye kwamuri; nekuti mucherechedzo wevuapositori hwangu ndimwi muna Ishe.
2对别人来说,我或许不是使徒,但对你们来说,我总是使徒,因为你们就是我在主里作使徒的印记。
3Kuzvidavirira kwangu kune vanondinzvera ndeuku.
3对那些盘问我的人,这就是我的答辩。
4Hatina simba here rekudya nekumwa?
4难道我们没有权利吃喝吗?
5Hatina simba rekutenderera nehamakadzi sevamwe vaapositori nevanin'ina vaIshe naKefasi here?
5难道我们没有权利,像其余的使徒、主的弟兄和矶法一样,带着信主的妻子往来吗?
6Kana ndini ndoga naBhanabhasi here tisina simba rekusabata basa?
6难道只有我和巴拿巴没有权利不作工吗?
7Ndianiko wakambobudira hondo achizviripira mubairo? Ndiani unorima munda wemizambiringa akasadya zvibereko zvawo? Kana ndiani unofudza boka akasadya zvemukaka weboka?
7有谁当兵要自备粮饷呢?有谁栽种葡萄园,不吃园里的果子呢?有谁牧养羊群,不喝羊的奶呢?
8Zvinhu izvi ndinozvitaura semunhu here? Ko murairo hautauriwo izvozvo here?
8我说这话,不是照着人的意见,律法不也是这样说吗?
9Nekuti zvakanyorwa mumurairo waMozisi kuti: Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo. Ko Mwari unehanya nenzombe here?
9就在摩西的律法上记着说:“牛踹谷的时候,不可笼住它的嘴。”难道 神关心的只是牛吗?
10Kana unoreva zvirokwazvo nekuda kwedu here? Nekuti zvirokwazvo, zvakanyorwa nekuda kwedu, kuti uyo unorima unofanira kurima mutariro; neunopura mutariro unofanira kugoverwa mutariro yake.
10这不全是为我们说的吗?当然是为我们说的,因为耕种的应当存着希望去耕种,收割的也应当存着希望去分享收获。
11Kana isu takadzvara kwamuri zvinhu zvemweya, chinhu chikuru here kana tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama?
11我们既然在你们中间撒了属灵的种子,如果要从你们那里收获一些物质的供应,这算是过分吗?
12Kana vamwe vachigovana simba pamusoro penyu, zvikuru isu? Asi hatina kushandisa simba iri; asi tinoregera zvinhu zvose, kuti tirege kupa chipinganidzo kuevhangeri yaKristu.
12如果别人在你们身上享有这种权利,我们不是更可以享有吗?然而我们没有用过这种权利,反而凡事容忍,免得我们拦阻了基督的福音。
13Hamuzivi here kuti avo vanoshumira pazvinhu zvitsvene vanorarama nezvetembere? Uye avo vanorindira paaritari vanogovana nearitari here?
13所作的一切都是为了福音难道你们不知道,在圣殿供职的,就吃殿中的供物;侍候祭坛的,就分领坛上的祭物吗?
14Saizvozvovo Ishe wakaraira kuti avo vanoparidza evhangeri, vararame neevhangeri.
14主也曾这样吩咐,叫传福音的人靠福音为生。
15Asi ini handina kushandisa chimwe chezvinhu izvi, kana kunyora zvinhu izvi kuti zviitwe saizvozvo kwandiri, nekuti zviri nani kwandiri kuti ndife, pakuti mumwe ashayise kuzvikudza kwangu maturo.
15但这种权利,我一点也没有用过。我写这些话,并不是想叫人这样待我,因为我宁可死,也不让人使我所夸耀的落了空。
16Nekuti kunyange ndichiparidza evhangeri, handina chandingazvikudza nacho, nekuti faniro yakatakudzwa pamusoro pangu; ndine nhamo kana ndisingaparidzi evhangeri.
16我传福音原是没有可夸的,因我不能不传。如果不传福音,我就有祸了。
17Nekuti kana ndichiita chinhu ichi ndichida, ndine mubairo; asi kana ndisingadi, ndakapiwa utariri.
17如果我甘心作这事,就有赏赐;即使不甘心,这职责还是托付我了。
18Zvino mubairo wangu chii? Kuti kana ndichiparidza evhangeri, ndiite kuti evhangeri yaKristu isabhadharwa, kuti ndirege kushandisa simba rangu zvakapfuurikidza muevhangeri.
18那么,我的赏赐是什么呢?就是我传福音时,叫人免费得着福音。这样,我就没有用过传福音可以享有的权利了。
19Nekuti kunyange ndakasununguka kune vose, asi ndakazviita muranda kune vose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.
19我虽然自由,不受任何人管辖,但我自愿成为众人的奴仆,为的是要多得一些人。
20Uye kuvaJudha ndakava semuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kune vari pasi pemurairo seuri pasi pemurairo, kuti ndiwane vari pasi pemurairo;
20对犹太人,我就作犹太人,为了要得着犹太人;对律法以下的人,虽然我自己不在律法之下,还是作了律法以下的人,为了要得着律法以下的人。
21kune vasina murairo seusina murairo (ndisati ndiri usina murairo kuna Mwari, asi pasi pemurairo kuna Kristu), kuti ndiwane vasina murairo.
21对没有律法的人,我就作了没有律法的人,其实我不是在 神的律法以外,而是在基督的律法之下,为了要得着没有律法的人。
22Kuna vasina simba ndakava seusina simba, kuti ndiwane vasina simba; ndakava zvinhu zvose kune vose, kuti ndiponese vamwe nemitoo yose.
22对软弱的人,我就成了软弱的人,为了要得着软弱的人。对怎么样的人,我就作怎么样的人;无论如何,总要救一些人。
23Uye izvi ndinoita nekuda kweevhangeri, kuti ndive mugovani pariri.
23我所作的一切,都是为了福音的缘故,好让我与别人同享福音的好处。
24Hamuzivi here kuti vanomhanya munhangemutange vanomhanya vose, asi umwe unowana mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane.
24难道你们不知道,在场上赛跑的人,虽然大家都跑,但得奖的只有一个人吗?你们都应当这样跑,好叫你们可以得奖。
25Uye umwe neumwe unokwikwidza unozvidzora pazvinhu zvose. Zvino ivo vanozviita kuti vawane korona inoora, asi isu isingaori.
25凡参加运动比赛的,在一切事上都有节制;他们这样作,不过要得到能坏的冠冕,我们却是要得不朽的冠冕。
26Naizvozvo ini ndinomhanya saizvozvo kwete seusina chokwadi, saizvozvo ndinorwa kwete seunorova mhepo;
26所以我奔跑,不是没有目标的;我斗拳,不是打空气的。
27asi ndinotsikirira muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe chero nenzira ipi kana ndaparidzira vamwe, ini ndirege kuva wakarashwa.
27我要克制自己的身体,叫身体服我,免得我传了给别人,自己反而落选了。