Shona

聖經新譯本 (Simplified)

1 Thessalonians

4

1Pamusoro pazvo zvino, hama, tinokukumbirisai, nekukurudzira naIshe Jesu, kuti sezvamakadzidza kwatiri kuti munofanira kufamba nekufadza Mwari sei, muwanze nekuwanzisisa pane izvozvo.
1要讨 神喜悦
2Nekuti munoziva mirairo yatakakupai naIshe Jesu.
2我们凭着主耶稣传给你们的是什么命令,你们是知道的。
3Nekuti ichi ndicho chido chaMwari, kuitwa vatsvene kwenyu, kuti murege upombwe;
3 神的旨意是要你们圣洁,远避淫行;
4kuti umwe neumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake mukuitwa mutsvene nerukudzo,
4要你们各人晓得怎样用圣洁尊贵的方法保守自己的身体(“身体”原文作“器皿”);
5asingaiti nekuchiva kwechishuwo, kunyange sevahedheni vasingazivi Mwari;
5不要放纵邪情私欲,像那些不认识 神的外族人一样;
6kusava neunopfuurikidza akanyengera hama yake pamhaka, nekuti Ishe ndiye mutsivi wezvose izvi, sezvatakagara takuudzaiwo nekukupupurirai kwazvo.
6谁也不要在这事上越轨,占弟兄的便宜,因为这一类的事,主必报应。这是我们从前告诉过你们,又严严警戒过你们的。
7Nekuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuutsvene.
7 神呼召我们,不是要我们沾染污秽,而是要我们圣洁。
8Naizvozvo unozvidza, haazvidzi munhu, asi Mwari unotipawo Mweya wake, Mutsvene.
8所以那弃绝这命令的,不是弃绝人,而是弃绝把他自己的圣灵赐给你们的那位 神。
9Zvino, kana ruri rudo rweukama, hamufaniri kuti ndikunyorerei, nekuti imwi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudanane;
9论到弟兄相爱,用不着人写什么给你们,因为你们自己受了 神的教导,要彼此相爱。
10Nekuti nemwi munozviita kuhama dzose dziri paMakedhonia yose asi tinokukurudzirai, hama, kuti muwanze nekuwanzisisa;
10其实,你们向全马其顿所有的弟兄,已经这样行了。但是,弟兄们,我们劝你们要更加彼此相爱;
11uye kuti mushingairire kuva nerunyararo, nekuita basa renyu pachenyu, muchishanda nemaoko enyu, sezvatakakurairai;
11又要立志过安静的生活,办自己的事,亲手作工,正如我们从前吩咐过你们,
12kuti mufambe nemutowo wakafanira kune vari kunze, uye musashaya chinhu.
12使你们行事为人可以得到外人的尊敬,自己也不会有什么缺乏了。
13Asi handidi kuti mushaiwe ruzivo, hama, maererano nevarere, kuti murege kushungurudzika sevamwe vasina tariro.
13在主里睡了的人必先复活弟兄们,论到睡了的人,我们不愿意你们不知道,免得你们忧伤,像那些没有盼望的人一样。
14Nekuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa akamukazve, saizvozvo avowo vakarara muna Jesu, Mwari uchavavuyisa pamwe naye.
14我们若信耶稣死了,又复活了,照样,也应该相信那些靠着耶稣已经睡了的人, 神必定把他们和耶稣一同带来。
15Nekuti izvi tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, tinosara kusvikira pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakarara.
15我们现在照着主的话告诉你们:我们这些活着存留到主再来的人,绝不能在那些睡了的人以先。
16Nekuti Ishe amene uchaburuka kubva kudenga nekudanidzira, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; zvino vakafa muna Kristu vachatanga kumuka;
16因为主必亲自从天降临,那时,有发令的声音,有天使长的呼声,还有 神的号声,那些在基督里死了的人必先复活;
17zvino isu vapenyu vakasara, tichabvutwa pamwe navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mumhepo; naizvozvo tichava naIshe nekusingaperi.
17然后,我们还活着存留的人,必和他们一同被提到云里,在空中与主相会。这样,我们就要和主常常同在。
18Naizvozvo nyaradzanai nemashoko awa.
18所以,你们应该用这些话彼此劝慰。