Shona

聖經新譯本 (Simplified)

1 Thessalonians

5

1Asi zvenguva nemwaka, hama, hamufaniri kuti ndikunyorerei,
1警醒谨慎等候主再来
2Nekuti imwi mumene munoziva kwazvo kuti zuva raIshe rinosvika sembavha usiku.
2因为你们自己清楚知道,主的日子来到,就像夜间的贼来到一样。
3Nekuti kana vachiti, Rugare nekugarika, pakarepo kuparadzwa kunovawira, sekurwadzwa kwemukadzi une mimba; uye havangapukunyuki.
3人正在说平安稳妥的时候,毁灭性的灾祸就突然临到他们,好像生产的痛苦临到怀胎的妇人一样,他们绝不能逃脱。
4Asi imwi, hama, hamusi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha.
4但是弟兄们,你们不在黑暗里,以致那日子会临到你们像贼来到一样。
5Imwi mose muri vana vechiedza nevana vemasikati; hatizi veusiku kana verima;
5你们都是光明之子、白昼之子;我们不是属于黑夜的,也不是属于黑暗的。
6naizvozvo ngatirege kuvata sevamwe, asi ngatirinde, tipengenuke.
6所以,我们不要沉睡像别人一样,总要警醒谨慎。
7Nekuti vanovata vanovata usiku; nevanodhakwa vanodhakwa usiku.
7因为睡觉的人是在晚上睡,醉酒的人是在晚上醉;
8Asi isu zvatiri vemasikati, ngatipengenuke, tichipfeka chidzitiro chechifuva cherutendo nerudo; nengowani ive tariro yeruponeso.
8但我们既然属于白昼,就应当谨慎,披上信和爱的胸甲,戴上救恩的盼望作头盔。
9Nekuti Mwari haana kutitemera hasha, asi kuwana ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu
9因为 神不是定意要我们受刑罚(“刑罚”原文作“忿怒”),而是要我们借着我们的主耶稣基督得着救恩。
10wakatifira, kuti kana tikarinda kana kuvata, tirarame pamwe naye.
10基督替我们死,使我们无论是醒着或睡着,都和他一同活着。
11Saka nyaradzanai, musimbisane, sezvamunoitawo.
11所以,你们应该彼此劝慰,互相造就,正如你们一向所行的。
12Asi tinokukumbirisai, hama, kuziva avo vanoshanda pakati penyu, vanokutungamirirai muna Ishe, nekukurairai;
12训勉和祝福弟兄们,我们求你们要敬重那些在你们中间劳苦的人,就是在主里面治理你们、劝戒你们的人。
13uye muvakudze zvikuru murudo, nekuda kwebasa ravo. Ivai nerugare pakati penyu.
13又因为他们的工作,你们要用爱心格外尊重他们。你们应当彼此和睦。
14Asi tinokukurudzirai hama, yambirai vasingateereri murairo, musimbise vanopera moyo, mutsigire vasina simba, muve nemoyo murefu kune vose.
14弟兄们,我们劝你们,要警戒游手好闲的人,勉励灰心丧志的人,扶助软弱无力的人,也要容忍所有的人。
15Chenjerai kuti mumwe arege kutsiva mumwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzose teverai zvakanaka, zvose pakati penyu nekune vose.
15你们要注意,不管是谁都不要以恶报恶,却要在彼此相处和对待众人这方面,常常追求良善。
16Farai nekusingaperi;
16要常常喜乐,
17nyengeterai musingamiri;
17不住祷告,
18vongai pazvinhu zvose; nekuti ichi ndicho chido chaMwari muna Kristu Jesu maererano nemwi.
18凡事谢恩;这就是 神在基督耶稣里给你们的旨意。
19Musadzima Mweya;
19不要熄灭圣灵的感动。
20musazvidza zviporofita;
20不要藐视先知的话语。
21idzai zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka;
21凡事都要察验,好的要持守,
22regai zvose zvinoonekwa zvakaipa.
22各样的恶事要远离。
23Iye Mwari werugare amene ngaakuitei vatsvene zvakazara; neMweya wenyu wose, nemoyo, nemuviri, zvichengetwe zvisina zvazvingapomerwa pakuvuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.
23愿赐平安的 神亲自使你们完全成圣,又愿你们整个人:灵、魂和身体都得蒙保守,在我们的主耶稣基督再来的时候,无可指摘。
24wakatendeka iye unokudanai, uchazviitawo.
24那呼召你们的是信实的,他必成就这事。
25Hama tinyengetererei.
25弟兄们,请为我们祷告。
26Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene.
26要用圣洁的亲嘴问候众弟兄。
27Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iverengerwe hama tsvene dzose.
27我凭着主吩咐你们,要把这封信读给众弟兄听。
28Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemwi.
28愿我们主耶稣基督的恩惠与你们同在。