Shona

聖經新譯本 (Simplified)

1 Timothy

3

1Ishoko rakatendeka rekuti: Kana munhu achishuva basa reutariri, unoshuva basa rakanaka;
1作监督的资格
2naizvozvo mutariri unofanira kuva usina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, wakangwara, wakasvinura, unozvibata, unoitira vaeni rudo, unoziva kudzidzisa,
2所以作监督的,必须无可指摘,只作一个妻子的丈夫,有节制,自律,庄重,乐意接待客旅,善于教导,
3usiri chidhakwa, usingafariri kurwa, usingakariri mibairo yakaipa; asi wakadzikama, usina gakava, usingakariri mari;
3不好酒,不打人,只要温和,与人无争,不贪财,
4unobata imba yake zvakanaka, une vana vanozviisa pasi nekukudza kose;
4好好管理自己的家,使儿女凡事敬重顺服。
5Nekuti kana munhu asingazivi kubata imba yake, ungachengeta sei kereke yaMwari?
5(人若不知道怎样管理自己的家,怎能照料 神的教会呢?)
6Asava mutendi mutsva, kuti zvimwe nekukudzwa angawira mukutonga kwadhiabhorosi
6初信主的不可作监督,恐怕他骄傲,就落在魔鬼所受的刑罚里。
7Uyezve unofanira kupupurirwa zvakanaka nevari kunze, kuti zvimwe arege kuwira mukumhurwa nemumusungo wadhiabhorosi.
7作监督的也必须在教外有好声誉,免得他被人毁谤,就落在魔鬼的陷阱里。
8Saizvozvo vadhikoni* ngavave vanokudzwa, vasina manzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa;
8作执事的资格照样,执事也必须庄重,不一口两舌,不酗酒,不贪不义之财,
9vanochengeta chakavanzika cherutendo muhana yakachena.
9用清洁的良心持守信仰的奥秘。
10Naivava ngavatange kuidzwawo, ipapo vashumire kana vasina chavangapomerwa.
10他们也必须先受考验,若没有可责之处,然后才让他们作执事。
11Saizvozvowo vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, kwete vacheri, vakasvinura, vakatendeka pazvose.
11照样,他们的妻子(“他们的妻子”可解作“女执事”)也要庄重,不说谗言,有节制,凡事忠心。
12Vadhikoni ngavave varume vane mukadzi umwe, vanobata vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka.
12执事只可以作一个妻子的丈夫,善于管理儿女和自己的家。
13Nekuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira chimiro chakanaka, nekutsunga kukuru parutendo rwuri muna Kristu Jesu.
13那善于作执事的,就为自己得了好的位分,也因着相信基督耶稣得到大大的胆量。
14Zvinhu izvi ndinokunyorera, ndichitarisira kuuya kwauri nekukurumidza;
14伟大的敬虔奥秘我把这些事写给你,希望不久可以到你那里去;
15asi kana ndikanonoka, ndinoda kuti uzive kuti unofanira kufamba sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nehwaro hwechokwadi.
15假如我来迟了,你也可以知道在 神的家里应该怎样行。这家就是永活 神的教会、真理的柱石和根基。
16Hazvipikiswi kuti chakavanzika chekunamata Mwari chikuru; Mwari wakaratidzwa panyama, wakanzi wakarurama pamweya, wakaonekwa nevatumwa, akaparidzwa kuvahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.
16敬虔的奥秘真伟大啊,这是众人所公认的,就是:“他在肉身显现,在圣灵里称义,被天使看见;被传于列国,被世人信服,被接到荣耀里。”