Shona

聖經新譯本 (Simplified)

1 Timothy

2

1Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinokurudzira kuti mikumbiro, minyengetero, kureverera nekupa kuvonga zviitirwe vanhu vose;
1要为万人祷告
2Nekuti madzimambo nevose vari panzvimbo dzakakwirira kuti tigare upenyu hwerugare nerunyararo pauMwari hwose nerukudzo;
2
3nekuti izvi zvakanaka uye zvinogamuchirwa pamberi paMwari Muponesi wedu,
3在我们的救主 神看来,这是美好的,可蒙悦纳的。
4uyo unoda kuti vanhu vose vaponeswe, uye vasvike pakuziva chokwadi.
4他愿意万人得救,并且充分认识真理。
5Nekuti kuna Mwari umwe, nemurevereri umwe pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,
5因为 神只有一位,在 神和人中间也只有一位中保,就是降世为人的基督耶稣。
6wakazvipa amene kuva rudzikunuro rwevose, chive chapupu panguva dzakafanira,
6他舍了自己作万人的赎价,到了适当的时候,这事就证实了。
7icho chandagadzirwa kuva muparidzi nemuapositori (ndinoreva zvirokwazvo, muna Kristu, handirevi nhema), mudzidzisi wevahedheni parutendo nechokwadi.
7为了这事,我也被派作传道的和使徒(我说的是真话,不是谎言),在信仰和真理上作外族人的教师。
8Naizvozvo ndinoda kuti varume vanyengetere panzvimbo dzose, vachisimudza maoko matsvene, vasina kutsamwa nekupikisana.
8敬畏 神的女人因此,我愿意男人没有忿怒,没有争论,举起圣洁的手随处祷告。
9Saizvozvowo, kuti vakadzi vazvishongedze nezvipfeko zvakafanira, vane kunyara nekuzvidzora, kwete nevhudzi rakarukwa, kana ndarama, kana maparera*, kana nguvo dzinodhura,
9照样,我也愿意女人以端正、娴淑、自律为装饰;不要以鬈发、金饰、珠宝,或名贵衣裳为装饰,
10asi zvakafanira vakadzi vanoti vanoshumira Mwari nemabasa akanaka.
10却要以善行作装饰,这才配称为敬畏 神的女人。
11Mukadzi ngaadzidze mukunyarara nekuzviisa pasi kose.
11女人应该安静而又完全顺服地学习。
12Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ave mukunyarara.
12我不准女人教训男人,辖制男人;女人总要安静。
13Nekuti Adhamu wakatanga kuumbwa, tevere Evha;
13因为先造的是亚当,后造的是夏娃;
14naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi anyengerwa wakava mukudarika,
14不是亚当受了引诱,而是女人受了引诱,陷在过犯里面。
15asi vachaponeswa kubudikidza nekubereka vana, kana vachirambira murutendo nerudo, neutsvene nekuzvidzora.
15然而女人要是常常存着信心、爱心、圣洁自律,在她生育的事上必定得救。