1Pauro, muapositori waJesu Kristu nekuraira kwaMwari Muponesi wedu, nekwaIshe Jesu Kristu, tariro yedu,
1问安
2kuna Timotio mwana wangu chaiye parutendo: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naJesu Kristu Ishe wedu.
2写信给因信主而作我真儿子的提摩太。愿恩惠、怜悯、平安从父 神和我们的主基督耶稣临到你。
3Sezvandakakukurudzira kuti ugare paEfeso, ndichienda Makedhonia, kuti uraire vamwe kuti varege kudzidzisa dzimwe dzidziso,
3提防别的教义我往马其顿去的时候,曾经劝你留在以弗所,为要嘱咐某些人,不可传别的教义,
4kana kurangarira ngano nenhoroondo dzamazita emadzibaba dzisingaperi, zvinomutsa gakava pane kutsigisa kwaMwari kuri murutendo.
4也不可沉迷于无稽之谈和无穷的家谱;这些事只能引起争论,对于 神在信仰上所定的计划是毫无帮助的。
5Asi chinangwa chemurairo rudo rwunobva pamoyo wakachena nehana yakanaka nerutendo rwusinganyepedzeri;
5这嘱咐的目的是出于爱;这爱是发自纯洁的心、无愧的良心和无伪的信心。
6pane izvozvi vamwe vakatsvedza vakatsaukira kukutaura kusina maturo;
6有些人偏离了这些,就转向无意义的辩论,
7vachishuva kuva vadzidzisi vemurairo, vasingazivi zvavanoreva kana zvavanosimbisa.
7想要作律法教师,却不明白自己讲的是什么,主张的又是什么。
8Asi tinoziva kuti murairo wakanaka, kana munhu achiushandisa zviri pamurairo,
8我们知道律法是好的,只要应用得恰当。
9achiziva izvi, kuti murairo hauna kuitirwa munhu wakarurama, asi vasina murairo nevasingateereri, vasingadi Mwari nevatadzi, vasiri vatsvene, nevasingatendi, nemhondi dzemadzibaba, nemhondi dzana amai, vanoponda vanhu;
9要知道律法本来不是为义人设立的,而是为那些无法无天和放荡不羁的、不敬虔和犯罪的、不圣洁和世俗的、弒父母和杀人的、
10mhombwe, ngochani, nevanopamba vanhu, varevi venhema, vaputsi vemhiko, uye kana chimwe chiriko chinopesana nedzidziso mhenyu;
10淫乱的、亲男色的、拐带人口的、说谎话的、发假誓的,以及为其他抵挡纯正教训的人设立的。
11sezvinoreva evhangeri yekubwinya kwaMwari wakaropafadzwa, yakakumikidzwa kwandiri.
11这是照着可称颂的、荣耀的 神所交托我的福音说的。
12Uye ndinomuvonga Kristu Jesu Ishe wedu wakandigonesa, nekuti wakati ndakatendeka, akandiisa paushumiri,
12基督耶稣降世为要拯救罪人我感谢那赐我能力的、我们的主基督耶稣,因为他认为我有忠心,派我服事他。
13Ini ndaimbova munyombii nemushushi nemutuki; asi ndakawana tsitsi nekuti ndakaita nekusaziva pakusatenda;
13我从前是亵渎 神的、迫害人的、凌辱人的,然而我还蒙了怜悯,因为我是在不信的时候,由于无知而作的。
14asi nyasha dzaIshe wedu dzakawedzeresa nerutendo, nerudo rwuri muna Kristu Jesu.
14我们主的恩典,随着在基督耶稣里的信心和爱心,在我身上越发增加。
15Ishoko rakatendeka rinofanira kugamuchirwa chose, kuti Kristu Jesu wakavuya munyika kuzoponesa vatadzi, avo vandiri mukuru wavo;
15“基督耶稣降世,为要拯救罪人。”这话是可信的,是值得完全接纳的。在罪人中我是个罪魁。
16asi nekuda kwaizvozvi ndakawana tsitsi, kuti mandiri ini mukuru Jesu Kristu aratidze moyo murefu wose, uve muenzaniso kuna vanozotenda kwaari, paupenyu hwusingaperi.
16可是,我竟然蒙了怜悯,好让基督耶稣在我这个罪魁身上,显明他完全的忍耐,给后来信他得永生的人作榜样。
17Zvino kuna iye Ishe wekusingaperi, usingafi, usingavonekwi, Mwari woga wakachenjera ngakuve nekukudzwa nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
17但愿尊贵荣耀归给万世的君王,就是那不朽坏、人不能见、独一的 神,直到永永远远。阿们。
18Murairo uyu ndinokumikidza kwauri, Timotio mwana wangu, sezviporofita zvakatanga kuitika pamusoro pako, kuti nazvo urwe kurwa kwakanaka;
18我儿提摩太啊!我照着从前关于你的预言,把这命令交托你,为的是要叫你借着这些预言打那美好的仗。
19wakabata rutendo nehana yakanaka, iyo vamwe vakati vairasa zvichienderana nerutendo vakaputsikirwa nechikepe;
19常常存着信心和无愧的良心。有些人丢弃良心,就在信仰上失落了。
20vamwe vavo ndiHimenio naArekizandro, vandakakumikidza kuna Satani, kuti vadzidze kusanyomba.
20他们当中有许米乃和亚历山大,我已经把他们交给撒但,使他们受管教不再亵渎。