1Pakupedzisira, hama, tinyengetererei, kuti shoko raIshe rimhanye nekukudzwa kunyange sezvinoitwa nemwi;
1祈求主的道快快传开
2uye kuti tisunungurwe kuvanhu vasakarurama nevakaipa; nekuti rutendo harwusi rwevose.
2也使我们能够脱离那些不讲理的恶人,因为不是人人都有信心。
3Asi Ishe wakatendeka, uchakusimbisai, nekukuchengetai kune wakaipa.
3主是信实的,他必坚定你们,保护你们脱离那恶者。
4Uye tine chivimbo muna Ishe maererano nemwi, kuti munoita zvinhu zvose zvatinokurairai uye muchazviita.
4我们靠着主深深相信,你们现在以及将来都会遵行我们所吩咐的,
5Asi Ishe ngaatungamirire moyo yenyu murudo rwaMwari, nemumoyo murefu waKristu.
5愿主引导你们的心,使你们有 神的爱和基督的坚忍。
6Zvino tinokurairai hama muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti muzviraure pahama imwe neimwe inofamba zvisakafanira uye kwete nemirairo yamakagamuchira kwatiri;
6不可游手好闲弟兄们,我们奉主耶稣基督的名吩咐你们,凡是游手好闲的弟兄,不按着你们从我们所领受的教训去行,就应当远离他。
7Nekuti imwi mumene munoziva kuti munofanira kutitevera sei, nekuti hatina kufamba zvisakafanira pakati penyu;
7你们自己本来就知道应当怎样效法我们,因为我们在你们中间并没有游手好闲,
8uye hatina kudya chikafu chemunhu pachena, asi takashingaira nekushanda nekutambudzika siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu;
8也没有白吃过谁的饭,反而辛苦劳碌,昼夜作工,免得加重你们任何一人的负担。
9kwete nekuti hatina mvumo, asi kuti tipe muenzaniso kwamuri kuti mutitevere.
9这不是因为我们没有权利,而是要给你们作榜样,好让你们效法我们。
10Nekuti kunyange pataiva nemwi, takakurairai izvi, kuti: Kana umwe asingadi kushanda, ngaarege kudyawo.
10我们在你们那里的时候,曾经吩咐过你们,如果有人不肯作工,就不可吃饭。
11Nekuti tinonzwa kuti kune vamwe vanofamba pakati penyu zvisakafanira, vasingatongoshandi zvachose, asi vachiita zvisina maturo.
11因为我们听说,你们中间有人游手好闲,什么工也不作,反倒专管闲事。
12Zvino avo vakadaro tinoraira nekukurudzira kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, kuti vashande nekunyarara vadye chikafu chavo.
12我们靠着主耶稣基督,吩咐劝戒这样的人,要安静作工,自食其力。
13Asi imwi, hama, musaneta pakuita zvakanaka.
13弟兄们,你们行善不可灰心。
14Asi kana ani nani asingateereri shoko redu netsamba iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, kuti anyare;
14如果有人不听从我们这封信上的训勉,要把这个人记下来,不可和他来往,好叫他自己觉得惭愧。
15uye musamuidza semuvengi, asi mumuraire sehama.
15但不要把他看作仇敌,却要劝他好像劝弟兄一样。
16Zvino, Ishe werugare amene ngaakupei rugare nguva dzose nemitoo yose. Ishe ngaave nemwi mose.
16祝福愿赐平安的主亲自随时随地赐平安给你们。愿主与你们众人同在。
17Kwaziso neruoko rwangu, ini Pauro, ndicho chiratidzo patsamba dzose; ndinonyora saizvozvo.
17我保罗亲笔问候你们。这是我每一封信的记号;我的笔迹就是这样。
18Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Ameni.
18愿我们主耶稣基督的恩惠与你们众人同在。