1Vose vari varanda pasi pejoko ngavaverenge vatenzi vavo sevanofanirwa nekukudzwa kose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kunyombwa.
1凡负轭作奴仆的,应当看自己的主人是配受十分的敬重,免得 神的名和道理被人亵渎。
2Avo vane vatenzi vanotenda, ngavarege kuvazvidza zvadziri hama, asi zvikuru ngavavashandire, nekuti vakatendeka uye vanodikamwa vagovani vemibairo. Dzidzisa zvinhu izvi ukurudzire.
2奴仆有信主的主人,不可因为他们是弟兄而轻看他们;倒要加意服事他们,因为这些受到服事的益处的,是信主蒙爱的人。你要把这些事教导人,劝勉人。
3Kana munhu achidzidzisa zvinopesana nezvizvi, asingabvumiri mashoko awa mapenyu, mashoko aIshe wedu Jesu Kristu, nekudzidziso inoenderana nekunamata Mwari,
3敬虔与知足如果有人传别的教义,不接受我们的主耶稣基督纯正的话语,和那敬虔的道理,
4unongozvikudza asingazivi chinhu, asi unongokarira mibvunzo nenharo dzemashoko panobva gakava, kutuka, kufungidzira kwakaipa,
4他是自高自大,一无所知,反而专好问难争辩,由此产生妒忌、纷争、毁谤、恶意的猜疑,
5nekukakavadzana kwevanhu vane murangariro wakaodzwa, vakarasikirwa nechokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa. Zviparadzanise nevakadaro.
5就和那些心术败坏,丧失真理的人不断地争竞。他们视敬虔为得利的门路。
6Asi uMwari nekugutsikana ndiwo mubairo mukuru;
6其实敬虔而又知足,就是得大利的途径,
7Nekuti hatina kuvuya nechinhu panyika, zviri pachena kuti hatigoni kubuda nechinhu.
7因为我们没有带什么到世上来,也不能带什么去。
8asi kana tine chikafu nezvekufuka tichagutsikana neizvozvi.
8只要有衣有食,就应当知足。
9Asi vanoshuva kufuma vanowira mukuidzwa nemumusungo, nemukuchiva kweupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nekuputswa,
9但那些想要发财的人,就落在试探中和陷阱里;又落在许多无知而有害的私欲里,使人沉沦在败坏和灭亡中;
10Nekuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; uyo vamwe vakati vachishuva vakatsauswa parutendo, vakazvibaya neshungu zhinji.
10因为贪财是万恶之根。有人贪爱钱财,就被引诱离开真道,用许多痛苦把自己刺透了。
11Asi iwe, haiwa munhu waMwari, tiza zvinhu izvi; utevere kururama, uMwari, rutendo, rudo, moyo murefu, neunyoro.
11要为信仰打那美好的仗但你这属 神的人啊,应该逃避这些事,要追求公义、敬虔、信心、爱心、忍耐和温柔。
12Irwa kurwa kwakanaka kwerutendo, ubatisise upenyu hwusingaperi, hwawakadanirwawo kwahwuri, ukabvuma kubvuma kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.
12要为信仰打那美好的仗,持定永生;你是为这永生而蒙召的,又在许多的证人面前承认过美好的信仰。
13Ndinokuraira pachiso chaMwari, unoraramisa zvinhu zvose, naKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPondiyo Pirato,
13我在赐生命给万物的 神面前,并那在本丢.彼拉多面前见证过美好的信仰的基督耶稣面前嘱咐你,
14kuti uchengete murairo usina gwapa, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,
14你当毫无玷污,无可指摘地持守这命令,直到我们主耶稣基督的显现。
15kwaachazoratidza panguva dzake, iye oga Wakaropafadzwa neWamasimbaose, Mambo wemadzimambo naIshe wemadzishe,
15到了适当的时候,那可称颂的、独一的全能者,万王之王,万主之主,必把基督的显现表明出来。
16iye oga usingafi, ugere pachiedza chisingasvikiki; usina kumboonekwa nemunhu, kana kugona kuona; kukudzwa nesimba risingaperi zviri kwaari. Ameni.
16只有他永远不死,住在不能接近的光里,没有人见过他,人也不能看见他。愿尊荣和永远的权能都归给他。阿们。
17Raira vakafuma panyika ino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingavimbiki, asi naMwari mupenyu, unotipa zvinhu zvose achiwanza kuti tifare nazvo;
17你要嘱咐那些今世富有的人,叫他们不要心高气傲,也不要寄望在浮动的财富上,却要仰望那厚赐百物给我们享用的 神。
18kuti vaite zvakanaka, kuti vave vafumi pamabasa akanaka, vagadzirire kupa, vachishuva kudyidzana;
18又要嘱咐他们行善,在善事上富足,慷慨好施。
19vazvirongedzere nheyo yakanaka yenguva inovuya, kuti vabatisise upenyu hwusingaperi.
19这样,就为自己在来世积聚财富,作美好的基础,好叫他们能够得着那真正的生命。
20Haiwa, Timotio, chengetedza icho chawakakumikidzwa, ufuratire kutaura kusina maturo nekupikisa kwezvinonzi ruzivo rwusati rwuri ruzivo;
20提摩太啊,你要保守所交托你的,避免世俗的空谈和冒称是知识的那种反调;
21irwo vamwe vakati vachipupura vakarashika parutendo. Nyasha ngadzive newe. Ameni.
21有些人自称有这知识,就偏离了真道。愿恩惠与你们同在。