Shona

聖經新譯本 (Simplified)

2 Timothy

1

1Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, zvichienderana nechivimbiso cheupenyu hwuri muna Kristu Jesu,
1问安
2kuna Timotio, mwana wangu unodikamwa: Nyasha, tsitsi, nerugare, zvinobva kuna Mwari Baba, naKristu Jesu Ishe wedu.
2写信给亲爱的儿子提摩太,愿恩惠、怜悯、平安从父 神和我们的主基督耶稣临到你。
3Ndinovonga Mwari wandinoshumira kubva kumadziteteguru nehana yakachena, kuti ndisingamiri ndakakurangarira paminyengetero yangu siku nesikati,
3为主作见证不要当作羞耻我感谢 神,就是我像我祖先一样,以清洁的良心所事奉的 神,在祷告中昼夜不断地记念你;
4ndichishuva zvikuru kukuona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nemufaro;
4一想起你流的眼泪,我就渴望见你,好叫我满有喜乐。
5kana ndichisvika pakurangarira rutendo rwusinganyepedzeri rwuri mauri, rwaimbogara pakutanga muna mbuya vako Roisi namai vako Yunisi, uye ndinovimba kuti kunogarawo mauri.
5我记得你心里无伪的信心,这信心原先是在你外祖母罗以和你母亲友尼基心里的,我深信也在你的心里。
6Nemhaka iyi ndinokuyeudzira kuti ukutidzire chipo chaMwari, chiri mauri nekuiswa kwemaoko angu.
6为了这缘故,我提醒你,要把 神借着我按手给你的恩赐,像火一样再挑旺起来。
7Nekuti Mwari haana kutipa mweya wekutya asi wesimba, newerudo, newefungwa dzakanaka.
7因为 神所赐给我们的,不是胆怯的灵,而是有能力、仁爱、自律的灵。
8Naizvozvo usanyadziswa neuchapupu hwaIshe wedu, kana hwangu musungwa wake, asi utambudzike pamwe neni nekuda kweevhangeri zvichienderana nesimba raMwari,
8所以,不要以给我们的主作见证当作羞耻,也不要以我这为主被囚的当作羞耻,却要为了福音的缘故,靠着 神的大能,与我同受磨难。
9wakatiponesa, akatidana nekudana kutsvene, kwete zvichienderana nemabasa edu, asi zvichienderana nezano rake, nenyasha dzakapiwa kwatiri muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo,
9 神救了我们,以圣召呼召我们,不是按照我们的行为,却是按照他自己的计划和恩典;这恩典是在永世之先,在基督耶稣里赐给了我们的,
10asi zvino kunoratidzwa nekuonekwa kwemuponesi wedu Jesu Kristu, wakaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nekusafa kubudikidza neevhangeri,
10但现在借着我们救主基督耶稣的显现,才表明出来。他废掉了死亡,借着福音把生命和不朽彰显出来。
11yandakagadzirwa kuva muparidzi, nemuapositori, nemudzidzisi wevahedheni.
11为这福音,我被派作传道的、使徒和教师。
12Nemhaka yechikonzero ichi neni ndinotambudzika zvinhu izvi, zvakadaro handinyadziswi, nekuti ndinoziva wandakatenda, uye ndinoziva kwazvo kuti unogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva iroro.
12为了这缘故,我也受这些苦,但我不以为耻,因为我知道我所信的是谁,也深信他能保守我所交托他的,直到那日。
13Batisisa muenzaniso wemashoko mapenyu awakanzwa kwandiri murutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu.
13你要靠着在基督耶稣里的信心和爱心,常常坚守从我这里听过的话,作为纯正话语的模范;
14Icho chinhu chakanaka chawakakumikidzwa uchichengete neMweya Mutsvene unogara matiri.
14又要靠着那住在我们里面的圣灵,保守所交托你的善道。
15Unozviziva izvi, kuti vose vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo pana Figero naHemogene.
15你知道所有在亚西亚的人都离弃了我,他们当中有腓吉路和黑摩其尼。
16Ishe ape tsitsi kuimba yaOnesiforo; nekuti kazhinji wakandivandudza, uye haana kunyadziswa neketani yangu.
16愿主赐怜悯给阿尼色弗一家的人,因为他多次使我畅快,也不以我的锁链为耻;
17Asi wakati asvika Roma, akanditsvaka zvikuru, akandiwana.
17他竟然来到罗马,迫切地寻找我,结果找到了。
18Ishe ngaamuitire kuti awane tsitsi kuna Ishe nezuva iroro; uye muzvinhu zvingani zvaakabatira kwandiri paEfeso iwe unozivisisa.
18(愿主在那日使他从主那里得着怜悯。)你也清楚知道他在以弗所是怎样多方服事我。