1Nenguva iyi yechitatu ndinouya kwamuri; mumiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu shoko roga roga richasimbiswa.
1劝勉和祝福
2Ndakambokuudzai, uye ndinogara ndakuudzai, sendakange ndiripo rwechipiri, ikozvino ndisipo, ndinovanyorera avo vakatadza, nekune vamwe vose kuti kana ndikauyazve, handingavaregererizve.
2我第二次到你们那里去的时候说过,现今不在你们那里,再预先对那些从前犯了罪的和其余的人说:我若再来,必不宽容,
3Sezvo muchitsvaka uchapupu hwaKristu unotaura mandiri, iye usingashaiwi simba kwamuri, asi une simba mamuri.
3因为你们在找基督借着我说话的凭据。基督对你们不是软弱的,相反地,在你们身上是有能力的。
4Nekuti kunyange akarovererwa pamuchinjikwa neutera, asi unorarama nesimba raMwari. Nekuti isuwo hatina simba maari asi tichararama pamwe naye nesimba raMwari kwamuri.
4他因着软弱被钉死了,却靠着 神的大能活着。我们在他里面也是软弱的,但靠着 神向你们所显的大能,也必与他一同活着。
5Zviongororei kana muri parutendo; zvinzverei mumene, Hamuzivi here imwi mumene kuti Jesu Kristu uri mamuri sei? Kunze kwekuti zvirokwazvo muri vakarashwa.
5你们应当察验自己是不是持守着信仰,也应当考验自己。难道不晓得基督耶稣是在你们里面吗?(除非你们是经不起考验的人。)
6Asi ndinovimba kuti muchaziva kuti hatisi vakarashwa.
6我盼望你们晓得,我们不是经不起考验的人。
7Zvino ndinonyengetera kuna Mwari kuti musaita chakaipa; kwete kuti isu tiratidzike setakatendeka, asi kuti imwi muite zvakarurama, kunyange isu takaita savakarashwa.
7我们祈求 神,使你们不作什么恶事。这并不是要显明我们是经得起考验的,而是要你们行善;我们呢,就让我们作经不起考验的人好了!
8Nekuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nechokwadi, asi chechokwadi.
8我们不能作什么事违背真理,只能维护真理。
9Nekuti tinofara kana isu tine utera asi imwi makasimba; uye izvi tinozvinyengetererawo, kuzadziswa kwenyu.
9当我们软弱、你们刚强的时候,我们就欢喜;我们所求的,就是要你们完全。
10Saka ndinonyora zvinhu izvi ndisipo, zvimwe kana ndiripo ndingashandisa hasha, zvichienderana nesimba randakapiwa naIshe rekusimbisa, kwete rekuputsa.
10因此,我趁着不在你们那里的时候,把这些话写给你们,到我来了,就不必凭着主所给我的权柄严厉地对待你们。这权柄不是要拆毁你们,而是要建立你们。
11Pakupedzisira, hama, farai, muzadziswe, munyaradzwe, muve vemoyo umwe, garai murugare; uye Mwari werudo nerugare uchava nemwi.
11最后,弟兄们,你们要喜乐,要完全,要受安慰,要同心,要和睦。这样,施慈爱赐平安的 神必与你们同在。
12Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.
12你们要用圣洁的亲嘴彼此问安。
13Vatsvene vose vanokukwazisai.
13众圣徒都问候你们。
14Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, nerudo rwaMwari, nekudyidzana kweMweya Mutsvene, ngazvive nemwi mose. Ameni.
14愿主耶稣基督的恩惠, 神的慈爱,圣灵的契通,常与你们众人同在。