Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Galatians

1

1Pauro muapositori usingabvi kuvanhu, uye kwete nemunhu, asi unobva kubudikidza naJesu Kristu, naMwari Baba vakamumutsa kuvakafa,
1问安作使徒的保罗(不是由于人,也不是借着人,而是借着耶稣基督和那使他从死人中复活的父 神),
2nehama dzose dzineni, kukereke dzeGaratia:
2和所有与我在一起的弟兄,写信给加拉太的众教会。
3Nyasha kwamuri norugare rwunobva kuna Mwari Baba, naIshe wedu Jesu Kristu,
3愿恩惠平安从我们的父 神和主耶稣基督临到你们。
4wakazvipa nekuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure panguva yakaipa yaikozvino, nechido chaMwari naBaba vedu;
4基督照着我们父 神的旨意,曾经为我们的罪舍己,为的是要救我们脱离现在这邪恶的世代。
5kwaari kune kurumbidzwa kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
5愿荣耀归给他,直到永永远远。阿们。
6Ndinoshamisika kuti munokurumidza zvakadai kupandukira uyo wakakudanai munyasha dzaKristu, muchienda kune imwe evhangeri;
6福音只有一个我很惊奇,你们这么快就离开了借着基督的恩呼召你们的那一位,去归向别的福音。
7isati iri imwe; asi kune vamwe vanokutambudzai vachida kutsaudzira evhangeri yaKristu.
7其实那并不是另一个福音,只是有些搅扰你们的人,想把基督的福音改变了。
8Asi kunyange isu, kana mutumwa unobva kudenga akaparidza imwe evhangeri kwamuri yakasiyana neyatakaparidza kwamuri, ngaave wakapiwa rushambwa.
8但无论是我们,或是从天上来的使者,如果传给你们的和我们以前传给你们的福音不同,他就该受咒诅。
9Sezvatakamboreva, zvino ndinorevazve saizvozvo: Kana umwe akaparidza imwe evhangeri kwamuri yakasiyana naiyo yamakagamuchira, ngaave wakapiwa rushambwa.
9我们已经说过,现在我要再说,如果有人传给你们的和你们以前所领受的福音不同,他就该受咒诅。
10Nekuti zvino ndinonyengetedza vanhu here kana Mwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Nekuti kana ndichiri kufadza vanhu, handifaniri kuva muranda waKristu.
10我现在是要得人的欢心,还是要得 神的欢心呢?难道我想讨人欢喜吗?如果我仍然要讨人欢喜,就不是基督的仆人了。
11Asi ndinokuzivisai, hama, evhangeri yakaparidzwa neni, kuti haisi yekuita kwevanhu.
11保罗得启示作使徒弟兄们,我要你们知道,我所传的福音,并不是照着人的意思,
12Nekuti neni handina kuigamuchira kumunhu kana kuidzidziswa, asi nekuzarurirwa kwaJesu Kristu.
12因为这福音我不是从人领受的,也不是人教导我的,而是借着耶稣基督的启示来的。
13Nekuti makanzwa zvemufambiro wangu munguva yapfuura pachiJudha, kuti ndaishusha kereke yaMwari kupfuura chipimo sei, nokuiparadza;
13你们听过我从前在犹太教中所行的:怎样极力逼迫残害 神的教会,
14uye ndakabudirira pachiJudha kupfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichinyanya kushingairira tsika dzemadzibaba angu.
14怎样在犹太教中比许多本族同辈的人更激进,为我祖先的传统分外热心。
15Asi zvakati zvafadza Mwari, iye wakandisanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake.
15然而,当我在母腹里就把我分别出来,又用他的恩呼召我的那一位,
16kuratidza Mwanakomana wake mandiri, kuti ndimuparidze pakati pevahedheni, pakarepo handina kurangana nenyama neropa;
16既然乐意把自己的儿子启示给我,使我可以在外族人中传扬他,我就没有和任何人(“人”直译“肉和血”)商量,
17uye handina kukwira kuJerusarema kuna avo vakanditangira kuva vaapositori, asi ndakaenda Arabhiya, ndikadzokerazve Dhamasiko.
17也没有上耶路撒冷见那些比我先作使徒的,却去了阿拉伯,然后再回到大马士革。
18Zvino shure kwemakore matatu ndakakwira kuJerusarema kunoona Petro, ndikagara naye mazuva gumi mashanu.
18过了三年,我才上耶路撒冷去见矶法,和他住了十五天。
19Asi handina kuvona mumwe wavaapositori, kunze kwaJakobho munin'ina waIshe.
19至于其余的使徒,除了主的弟弟雅各以外,我都没有见过。
20Zvino zvinhu zvandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMwari handinyepi.
20在 神面前我敢说,我写给你们的都不是谎话。
21Shure kwaizvozvo ndakasvika kumatunhu eSiria neKirikia.
21后来,我到了叙利亚和基利家一带的地方。
22Asi ndakanga ndisingazikamwi pachiso nekereke dzeJudhiya dzaiva muna Kristu;
22那时,在基督里的犹太众教会还没有见过我的面,
23asi vakange vanzwa chete, kuti waititambudza nguva dzakapfuura, zvino woparidza rutendo rwaaimboparadza,
23不过听说“那个从前迫害我们的,现在竟然传扬他以前所残害的信仰”,
24vakarumbidza Mwari mandiri.
24他们就因着我的缘故颂赞 神。