1Asi ndakazvipira izvi mandiri kusauya kwamuri nekushungurudza.
1我自己决定了,到你们那里去的时候,不再是忧愁的。
2Nekuti kana ndichikushungurudzai, ndiani zvino uchandifadza, kunze kwaiye wakashungurudzwa neni?
2如果我使你们忧愁,除了那因我而忧愁的人以外,谁能使我快乐呢?
3Zvino ndakakunyorerai chinhu chakadai kuti zvimwe kana ndasvika, ndirege kushungurudzwa naivo vanofanira kundifadza; ndine chivimbo mamuri mose, kuti mufaro wangu ndewenyu mose.
3我写了这样的信,免得我来的时候,应该使我快乐的人反而使我忧愁;我深信你们众人都以我的喜乐为你们的喜乐。
4Nekuti mudambudziko guru nekushungurudzika kwemoyo ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji, kwete kuti murwadziswe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo.
4我从前心里痛苦难过,流着眼泪写信给你们,并不是要使你们忧愁,而是要你们知道我是多么爱你们。
5Zvino kana umwe akarwadzisa, haana kurwadzisa ini, asi muchidimbu (kuti ndirege kukuremedzai) mose.
5饶恕犯罪的弟兄如果有人使人忧愁,他不是使我忧愁,而是使你们众人都有一点忧愁;我只说有一点,是避免说得过分。
6Kuranga uku kwakakwanira wakadai ndiko kwevazhinji.
6这样的人受了许多人的责备,也就够了,
7Kuti panzvimbo yaizvozvi zviri nani kuti mumukangamwire nokunyaradza, kuti wakadaro arege kuodzwa moyo kwazvo neshungu zvinji.
7倒不如饶恕他,安慰他,免得他因忧愁过度而受不了。
8Naizvozvo ndinokukumbirisai kuti musimbise rudo kwaari.
8所以,我劝你们要向他确实显明你们的爱心。
9Nekuti ndakanyorerawo izvi, kuti ndizive kuidzwa kwenyu kana muchiteerera pazvinhu zvose.
9为这缘故,我写了那封信,要考验你们是不是凡事都顺从。
10Zvino iye wamunokangamwira chinhu, neni ndinomukangamwira; nekuti kana ini ndichikangamwira chinhu, uyo wandinenge ndakakangamwira, ndinozviita nekuda kwenyu pamberi paKristu;
10你们饶恕谁,我也饶恕谁;我所饶恕了的(如果我饶恕过什么),是为了你们在基督面前饶恕的,
11zvimwe Satani ungatora mukana wedu; nekuti hatizi vasingazivi mano ake.
11免得撒但有机可乘,因为我们并不是不晓得他的诡计。
12Zvino ndakati ndichisvika paTroasi neevhangeri yaKristu, ndazarurirwa mukova muna Kristu,
12基督的馨香从前我为基督的福音到了特罗亚,虽然主给我开了门,
13handina kuwana zororo pamweya wangu, nekuti handina kuwana Tito hama yangu; asi ndakawonekana navo ndikabvapo ndikaenda Makedhonia.
13我心里仍然没有安宁,因为见不到提多弟兄。于是我辞别了那里的人,到马其顿去了。
14Asi ngaavongwe Mwari, unotikundisa nguva dzose muna Kristu, uye unoratidza nesu kose-kose hwema hweruzivo rwake.
14感谢 神,他常常在基督里,使我们这些作俘虏的,列在凯旋的队伍当中,又借着我们在各地散播香气,就是使人认识基督。
15Nekuti tiri hwema hwunonhuwira hwaKristu kuna Mwari, pane ivo vanoponeswa nepane ivo vanoparara.
15因为无论在得救的人或灭亡的人中间,我们都是基督的馨香,是献给 神的。
16Kune vamwe hwema hworufu mukufa; nekune vamwe hwema hweupenyu muupenyu. Zvino ndiani ungakwanira zvinhu izvi?
16对于灭亡的人,这是死亡的气味叫人死;对于得救的人,这却是生命的香气使人活。这些事谁够资格作呢?
17Nekuti hatifanani nevazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi seveuchokwadi, uye sezvinobva kuna Mwari pachiso chaMwari tinotaura tiri muna Kristu.
17我们不像那许多的人,为了图利而谬讲 神的道。相反地,我们讲话,是出于真诚,出于 神,是在 神面前、在基督里的。