1Tinotangazve kuzvipupurira here? Tinotsvaka here, sevamwe tsamba dzekutipupurira kwamuri, kana dzokupupura kunobva kwamuri?
1新旧约之比较
2Imwi muri tsamba yedu, yakanyorwa mumoyo yedu, inozikamwa nekuverengwa nevanhu vose;
2你们就是我们的荐信,写在我们的心里,是众人所认识所诵读的,
3muchiratidza kuti muri tsamba yaKristu inoshumirwa nesu; yakanyorwa kwete neingi, asi neMweya waMwari mupenyu; kwete pamahwandefa emabwe, asi pamahwandefa enyama yemoyo.
3显明你们自己是基督的书信,是借着我们写成的,不是用墨,而是用永活 神的灵写的;不是写在石版上,而是写在心版上。
4Chivimbo chakadai tinacho kubudikidza naKristu kuna Mwari;
4我们在 神面前,借着基督才有这样的信心。
5kwete kuti tinozvikwanisa isu pachedu, kufunga pamusoro pechimwe chinhu pachedu, asi kukwaniswa kwedu kunobva kuna Mwari;
5我们不敢以为自己有资格作什么,我们所能够作的是出于 神。
6iye wakatigonesa kuva vashumiri vesungano itsva, kwete yezvakanyorwa asi yeMweya; nekuti chakanyorwa chinouraya, asi Mweya unopa upenyu.
6他使我们有资格作新约的仆役,这新约不是从仪文来的,而是从圣灵来的;因为仪文会使人死,而圣灵却使人活。
7Asi kana ushumiri hwekufa, pamashoko akavezwa pamabwe hwakasvikira mukubwinya, zvekuti vana vaIsraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMozisi nekuda kwekubwinya kwechiso chake kwakange kuchizopedzwa,
7如果那以文字刻在石上使人死的律法的工作,尚且带有荣光,以致以色列人因着摩西脸上短暂的荣光,不能注视他的脸,
8ko kushumira kweMweya kungakona nei kubwinya zvikuru?
8那出于圣灵的工作不是更有荣光吗?
9Nekuti kana kushumira kwekupiwa mhosva kuri kubwinya, kushumira kwekururama kuchakunda zvikuru sei mukubwinya.
9如果那定人有罪的工作尚且有荣光,那使人称义的工作就更有荣光了!
10Nekuti kunyange naicho chakabwinyiswa hachina kubwinyiswa nenzira iyi nekuda kwekubwinya uku kwakanyanyisa.
10那从前有荣光的,现在因那超越的荣光,就算不得有荣光;
11Nekuti kana icho chinopfuudzwa chaiva nekubwinya, zvikuru sei icho chinogara pakubwinya.
11如果那短暂的有荣光,那长存的就更有荣光了。
12Zvatine tariro yakadai, tinoshandisa ushingi ukuru hwekutaura,
12所以,我们既然有这样的盼望,就大大地放胆行事,
13uye kwete saMozisi waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopedzwa.
13不像摩西那样,把帕子蒙在脸上,使以色列人看不见那短暂的荣光的结局。
14Asi fungwa dzavo dzakapofumadzwa, nekuti kusvikira zuva rino chifukidziro ichochi chichiripo chisina kubviswa pakuverengwa kwetesitamende yekare, chakapedzwa muna Kristu.
14但是他们的心思迟钝,因为直到今日,他们诵读旧约的时候,这帕子仍然存在,没有揭开,唯有在基督里才能把这帕子废掉。
15Asi kunyange kusvikira zuva rino, kana Mozisi achiverengwa, chifukidziro chiri pamoyo wavo.
15可是直到今日,他们每逢诵读摩西的书的时候,这帕子还盖在他们的心上。
16Chero rinhi kana achidzokera kuna Ishe, chifukidziro chinobviswa.
16但他们什么时候归向主,这帕子就什么时候除掉了。
17Zvino Ishe ndiye Mweya uyo; uye pane Mweya waIshe pane rusununguko.
17主就是那灵;主的灵在哪里,哪里就有自由。
18Asi isu tose nechiso chakashama tichitarisa sapachionioni kubwinya kwaIshe, tinoshandurirwa kumufananidzo iwoyo kubva pakubwinya kuenda pakubwinya, sezvinobva kuMweya waIshe
18我们众人脸上的帕子既然已经揭开,反映主的荣光(“反映主的荣光”或译:“对着镜子看见主的荣光”),就变成主那样的形象,大有荣光。这是主所作成的,他就是那灵。