Shona

聖經新譯本 (Simplified)

2 Corinthians

4

1Naizvozvo zvatine kushumira uku, sezvatakagamuchira tsitsi, hatineti;
1新约的仆役
2asi takarasha zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi neusvatu, kana kushandisa shoko raMwari nekunyengera; asi nekuratidza chokwadi, tichizvipupurira kuhana dzevanhu vose pamberi paMwari.
2却把暗昧可耻的事弃绝了;不行诡诈,不掺混 神的道,反而借着显扬真理,在 神面前把自己推荐给众人的良心。
3Zvino kana evhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kune avo vanoparara;
3如果我们的福音被蒙蔽了,那是对灭亡的人才蒙蔽的。
4kwavari Mwari wenyika ino wavakapofumadza fungwa dzevasingatendi, zvimwe chiedza chekubwinya kweevhangeri yaKristu uri mufananidzo waMwari chingavhenekera kwavari.
4这些不信的人被这世代的神弄瞎了他们的心眼,使他们看不见基督荣耀的福音的光;基督就是 神的形象。
5Nekuti hatizviparidzi isu, asi Kristu Jesu Ishe; uye isu tiri varanda venyu nekuda kwaJesu.
5我们并不是传扬自己,而是传扬耶稣基督是主,并且为了耶稣的缘故成了你们的仆人。
6Nekuti Mwari wakati chiedza chivhenekere parima ndiye wakavhenekera mumoyo yedu, kuti atipe chiedza cheruzivo rwokubwinya kwaMwari pachiso chaJesu Kristu.
6因为那说“要有光从黑暗里照出来”的 神,已经照在我们的心里,要我们把 神的荣光照出去,就是使人可以认识那在基督脸上的荣光。
7Asi tine fuma iyi mumidziyo yevhu, kuti ukuru hwesimba hwuve hwaMwari, uye hwusabva kwatiri;
7我们有这宝贝在瓦器里,是要显明这极大的能力是属于 神,不是出于我们。
8tinotambudzwa pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatiori moyo;
8我们虽然四面受压,却没有压碎;心里作难,却不至绝望,
9tinotambudzwa, asi kwete kusiiwa; tinowisirwa pasi, asi kwete kuparadzwa;
9受到迫害,却没有被丢弃;打倒了,却不至死亡。
10tichitakura nguva dzose kufa kwaIshe Jesu mumuviri, kuti neupenyuwo hwaJesu hwuratidzwe mumuviri wedu.
10我们身上常常带着耶稣的死,好让耶稣的生也在我们的身上显明出来。
11Nekuti isu vapenyu tinogara tichikumikidzwa mukufa nekuda kwaJesu, kuti upenyuwo hwaJesu hwuratidzwe munyama yedu inofa.
11我们这些活着的人,为耶稣的缘故常常被人置于死地,好让耶稣的生也在我们必死的身上显明出来。
12Saizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu mamuri.
12这样看来,死在我们身上运行,生却在你们的身上运行。
13Naizvozvo tine mweya iwoyu werutendo, zvichienderana nezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakatenda, saka naizvozvo ndakataura; isuwo tinotenda saka naizvozvo tinotaura;
13经上记着说:“我信,所以我说话。”我们既然有同样的信心(“信心”原文作“信心的灵”),也就信,所以也说话,
14tichiziva kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, uchatimutsawo isu kubudikidza naJesu; agotikumikidza pamwe nemwi.
14因为知道那使主耶稣复活的,也必定使我们与耶稣一同复活,并且把我们和你们呈献在他的面前。
15Nekuti zvinhu zvose zvinoitwa nekuda kwenyu, kuti nyasha zvadzakawanzwa nekuda kwekuvonga kwevazhinji dziwedzerwe dzive rukudzo kuna Mwari.
15这一切都是为了你们,好使恩惠既然因着许多人而增多,感恩的心也更加增多了,使荣耀归给 神。
16Naizvozvo hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunze achiparara, zvakadaro womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe.
16日日更新所以,我们并不沮丧,我们外面的人虽然渐渐朽坏,但里面的人却日日更新,
17Nekuti kutambudzika kwedu kwakareruka kuripo asi kwechinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvo-naka kusina chiyero;
17因为我们短暂轻微的患难,是要为我们成就极大无比、永远的荣耀。
18Nekuti tisingatariri zvinhu zvinoonekwa, asi zvinhu zvisingaonekwi; nekuti zvinhu zvinoonekwa ndezvenguva, asi zvinhu zvisingaonekwi ndezvekusingaperi.
18我们所顾念的,不是看得见的,而是看不见的;因为看得见的是暂时的,看不见的是永远的。