1Asi uzivewo ichi, kuti mumazuva ekupedzisira nguva dzekutambudzika dzichasvika.
1末世的情况
2Nekuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanyombi, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasiri vatsvene,
2那时,人会专爱自己、贪爱钱财、自夸、高傲、亵渎、悖逆父母、忘恩负义、不圣洁、
3vasina rudo rwechisikigo, vasingadi kuyanana, vacheri, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvakanaka,
3没有亲情、不肯和解、恶言中伤、不能自律、横蛮凶暴、不爱良善、
4vatengesi, vanongomhanyirira, vane manyawi, vanoda mafaro kupfuura kuda Mwari;
4卖主卖友、容易冲动、傲慢自大、爱享乐过于爱 神,
5vane mufananidzo weuMwari, asi vakaramba simba rako; ubve pavanhu vakadai.
5有敬虔的形式,却否定敬虔的能力;这些人你应当避开。
6Nekuti pane ivava varipo vanopinda mudzimba vachiverevedza, vachitapa zvikadzi nzenza, vakaremedzwa nezvivi, vanozvuzvurudzwa nekuchiva kwakasiyana siyana,
6他们中间有人潜入别人的家里,操纵无知的妇女。这些妇女被罪压住,又被各种私欲拖累,
7zvinongogara zvichidzidza, asi hazvitongogoni kusvika paruzivo rwechokwadi.
7虽然常常学习,总不能充分明白真理。
8Jane naJambere sezvavakapikisa Mozisi, saizvozvo ava vanoramba chokwadi, vanhu vendangariro dzakaodzwa, vakarashwa parutendo.
8从前雅尼和杨蓓怎样反对摩西,这些人也怎样反对真理。他们的心思败坏,信仰也经不起考验。
9Asi havachapfuuriri mberi, nekuti upenzi hwavo hwuchaonekwa kune vose, sezvakazoita hwavowo.
9然而他们不能再这样下去了,因为他们的愚昧终必在众人面前显露出来,好像那两个人一样。
10Asi iwe wakatevera zvakazara dzidziso yangu, mufambiro, chinangwa, rutendo, moyo murefu, rudo, kutsungirira,
10圣经都是 神默示的但是,你已经了解我的教训、品行、志向、信心、宽容、爱心和忍耐,
11kushushwa, nenhamo, zvakandiwira paAndiyokiya, paIkoniyamu, napaRistra, kushushwa kwakadini kwandakatsunga makuri, uye Mwari wakandinunura maari ose.
11以及我在安提阿、以哥念、路司得所受的苦和迫害。我所忍受的是怎样的迫害;这一切主都救我脱离了。
12Hongu, nevose vanoda kurarama muuMwari muna Kristu Jesu vachashushwa;
12其实,所有立志在基督耶稣里过敬虔生活的,都必遭受迫害。
13asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachaenderera mberi pakuipa vachitsausa nekutsauswa.
13但恶人和骗子必越来越坏,他们欺骗人,也必受欺骗。
14Asi iwe rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvakasimbiswa kwauri, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna ani,
14你应当遵守所学和确信的;你知道是跟谁学的,
15uye kuti kubvira paucheche wakaziva magwaro matsvene, anogona kukuchenjedza kusvikira pakuponeswa kubudikidza nerutendo rwuri muna Kristu Jesu.
15并且知道自己从小就明白圣经,这圣经能够使你有智慧,可以因信基督耶稣得着救恩。
16Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari runobatsira padzidziso, pakutsiura, pakururamisa, nekuraira kuri mukururama,
16全部圣经都是 神所默示的,在教训、责备、矫正和公义的训练各方面,都是有益的,
17kuti munhu waMwari ave wakakwana, agadzirirwa kwazvo basa rose rakanaka.
17为要使属 神的人装备好,可以完成各样的善工。