Shona

聖經新譯本 (Simplified)

2 Timothy

4

1Ndinorairisa naizvozvo pamberi paMwari, naIshe Jesu Kristu, iye uchatonga vapenyu nevakafa pakuonekwa kwake neushe hwake;
1务要传道
2paridza shoko; iva wakagadzirira nenguva yakafanira, panguva isakafanira; dzora, tsiura, kurudzira nemoyo murefu wose nepadzidziso.
2务要传道;无论时机是否适合,都要常作准备;要以多方的忍耐和教训责备人、警戒人、劝勉人。
3Nekuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso mhenyu, asi zvichienderana nekuchiva kwavo vachazvivunganidzira vadzidzisi, vachirumwa nzeve,
3因为时候快要到了,人必容不下纯正的道理,反而耳朵发痒,随着自己的私欲,增添许多教师,
4vachafuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitendeusirwa kungano.
4而且转离不听真理,反倒趋向无稽之谈。
5Asi iwe svinura pazvinhu zvose, utsungirire pamatambudziko, uite basa remuevhangeri, uzadzise basa rako.
5你却要凡事谨慎,忍受磨难、作传福音者的工作,完成你的职务。
6Nekuti ini ndotodururwa sechibayiro, nenguva yekubva kwangu yasvika.
6我已经被浇奠;我离世的时候也到了。
7Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo, ndachengeta rutendo;
7那美好的仗我已经打过了,当跑的路我已经跑尽了,所持的信仰我已经守住了。
8kubva ikozvino, ndakachengeterwa korona yekururama yandichapiwa naIshe Mutongi wakarurama nezuva iroro; kwete kwandiri ndoga, asi kune vose vanoda kuonekwa kwake.
8从此以后,有公义的冠冕为我存留,就是按公义审判的主在那日要赏给我的;不但赏给我,也赏给所有爱慕他显现的人。
9Shingaira kuti ukurumidze kuuya kwandiri.
9最后的吩咐你要尽快到我这里来。
10Nekuti Dhemasi wakandisiya, ada nyika yaikozvino. Akaenda Tesaronika; Kresike kuGaratia, Tito kuDhamatia.
10因为底马贪爱现今的世界,就离弃我到帖撒罗尼迦去了。革勒士去了加拉太,提多去了达马太。
11Ruka oga uneni. Tora Mako uuye naye nekuti unondibatsira pakushumira.
11只有路加在我这里。你找到了马可,就把他带来,因为他在圣工上对我有益。
12Asi Tikiko ndakamutuma kuEfeso.
12我差派了推基古到以弗所去。
13Nguvo yandakasiya paTroasi kuna Kapo, kana wouya uuye nayo, nemabhuku, zvikuru magwaro ematebwe.
13我在特罗亚留在加布那里的外衣,你来的时候要把它带来,还有那些书卷,特别是那些羊皮卷,也要带来。
14Arekisandiro mupfuri wendarira wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe uchamutsiva zvinoenderana nemabasa ake;
14铜匠亚历山大作了许多恶事陷害我,主必按着他所行的报应他。
15iwewo umuchenjerere, nekuti wakapikisa zvikuru mashoko edu.
15你也要提防他,因为他极力抵挡我们的话。
16Pakuzvidavirira kwangu kwekutanga hapana munhu wakamira neni, asi vose vakandisiya. Dai zvarega kuverengerwa kwavari.
16我第一次申辩的时候,没有一个人支持我,反而离弃我。但愿这罪不要归在他们身上。
17Zvakadaro Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti neni kuparidza kuzikamwe zvakazara nevahedheni vose vanzwe; uye ndakarwirwa pamuromo weshumba.
17然而主站在我旁边,加给我力量,使福音的信息借着我尽都传开,万国的人都可以听见;他并且把我从狮子口中救出来。
18Uye Ishe uchandirwira pabasa rose rakaipa, uye uchandichengetera kupinda ushe hwake hwokudenga; kubwinya ngakuve kwaari nekusingaperi-peri. Ameni.
18主必救我脱离一切邪恶的事,也必救我进入他天上的国。愿荣耀归给他,直到永永远远。阿们。
19Kwazisa Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo.
19问候的话问候百基拉、亚居拉和阿尼色弗一家的人。
20Erasto wakasara paKorinde; asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara.
20以拉都在哥林多住下了。特罗非摩病了,我就留他在米利都。
21Shingaira kuuya chando chisati chasvika. Yubhuro unokukwazisa, naPudhe, naRina, naKraudhia nehama dzose.
21你要赶紧在冬天以前到我这里来。友布罗、布田、利奴、革老底亚和众弟兄都问候你。
22Ishe Jesu Kristu ngaave nemweya wako. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.
22主与你同在。愿恩惠与你们同在。