Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Titus

1

1Pauro muranda waMwari, nemuapositori waJesu Kristu, zvichienderana nerutendo rwevasanangurwa vaMwari nekugamuchira chokwadi chiri pauMwari,
1问安
2patariro yeupenyu hwusingaperi, uhwo Mwari usingarevi nhema hwaakavimbisa, nhambo dzenguva dzisati dzavapo,
2这都是根据永生的盼望,这永生就是没有谎言的 神在万世以前所应许的。
3asi panguva dzakafanira wakaratidza shoko rake kubudukidza nekuparidza kwakakumikidzwa kwandiri zvichienderana nemurairo waMwari Muponesi wedu,
3到了适当的时候, 神就借着福音的宣讲,把他的道显明出来。照着 神我们救主的命令,这宣讲的使命交托了我),
4kuna Tito, mwana wangu chaiye parutendo rwakafanana: Nyasha, tsitsi, rugare zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu Muponesi wedu.
4写信给提多,就是那在共同的信仰上作我真儿子的。愿恩惠平安从父 神和我们的救主基督耶稣临到你。
5Nekuda kwaizvozvi ndakakusiya paKrete, kuti ugadzirise zvinhu zvakasara, uye ugadze vakuru muguta roga roga, sezvandakakuraira;
5提多在克里特的工作我从前留你在克里特岛,是要你办好没有办完的事,并且照我所吩咐的,在各城设立长老。
6kana ani nani usina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, une vana vakatendeka, vasingapiwi mhosva yebongozozo, kana kusateerera.
6如果有人无可指摘,只作一个妻子的丈夫,儿女都信主,也没有人控告他们放荡或不受约束,才可以作长老。
7Nekuti mutariri unofanira kuva usina chaangapomerwa semuchengeti weimba yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri fuma inonyangadza;
7因为监督是 神的管家,所以必须无可指摘、不任性、不随便动怒、不好酒、不打人、不贪不义之财;
8asi unofarira kugamuchira vaenzi, unoda zvinhu zvakanaka, wakasvunura, wakarurama, mutsvene, unozvidzora,
8却要接待客旅、喜爱良善、自律、公正、圣洁、自制,
9unobatisisa shoko rakatendeka sezvaakadzidziswa, kuti agone kukurudzira nedzidziso mhenyu, nekupwisa vakakavari.
9坚守那合乎教义、可靠的真道,好使他能够用纯正的道理劝勉人,并且能够折服反对的人。
10Nekuti vazhinji varipo vasingateereri, vanotaura zvisina maturo nevanyepedzeri, zvikuru avo vekudzingiswa,
10因为有许多不受约束、好讲空话和欺骗人的,尤其是那些守割礼的人,
11miromo yavo inofanira kudzivirwa; vanopidigura dzimba dzose, vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri nekuda kwefuma yakaipa.
11他们为了可耻的利益,教训一些不应该教导的事,败坏人的全家,你务要堵住他们的嘴。
12Mumwe wavo muporofita wekwavo, wakati: VaKrete vagara vari varevi venhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.
12有一个克里特本地的先知说过:“克里特人是常常说谎的,是恶兽,好吃懒作。”
13Uchapupu uhwu ndehwechokwadi. Nekuda kwechikonzero ichi uvatsiure zvikuru, kuti vagwinye parutendo.
13这见证是真的。为了这缘故,你要严厉地责备他们,好使他们在信仰上健全,
14vasingateereri ngano dzevaJudha, nemirairo yevanhu vachizvifuratidza kuchokwadi.
14不再理会犹太人的无稽之谈和偏离正道的人的规条。
15Kuvatsvene zvinhu zvose zvitsvene; asi kune vakasvibiswa vasingatendi hakuna chitsvene, asi kunyange kufunga kwavo nehana zvakasvibiswa.
15在清洁的人,一切都是清洁的;但在污秽和不信的人,没有一样是清洁的,连他们的意念和良心都污秽了。
16Vanobvuma kuti vanoziva Mwari, asi pamabasa vanomuramba, zvavari vanyangadzi nevasingateereri, vasingabatsiri pabasa rose rakanaka.
16他们声称认识 神,却在行为上否认他。他们是可憎的、悖逆的,在各样的善事上,是毫无用处的。