Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Acts

11

1Zvino vaapositori nehama dzaiva paJudhiya vakanzwa kuti vahedheni vagamuchirawo shoko raMwari.
1彼得向耶路撒冷教会报告
2Zvino Petro wakati akwira kuJerusarema, vekudzingiswa vakapokana naye,
2彼得上到耶路撒冷的时候,那些守割礼的人与他争论,
3vachiti: Wakapinda muvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.
3说:“你竟然到未受割礼的人那里,跟他们一起吃饭!”
4Asi Petro atanga wakavarondedzera zvichitevedzana achiti:
4彼得就按着次序向他们讲解,说:
5Ini ndakange ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, zvino muchiyeverwa ndakaona chiratidzo, umwe mudziyo wakaburuka, semucheka mukuru unoburuswa kubva kudenga nemakona mana, ndokusvika kwandiri;
5“我在约帕城祷告的时候,魂游象外,见到异象:有一件东西,好像一块大布,绑着四角,从天上降下来,一直来到我面前。
6wandakati ndatarisisa ndacherekedza, zvino ndakaona mhuka dzine makumbo mana dzenyika nezvikara nezvinokambaira neshiri dzedenga.
6我定睛观察,看见里面有地上的四足牲畜、走兽,还有昆虫和天空的飞鸟。
7Zvino ndakanzwa inzwi richiti kwandiri: Simuka, Petro, baya udye.
7我也听见有声音对我说:‘彼得,起来,宰了吃!’
8Asi ndakati: Aiwa kwete Ishe; nekuti hakuna chisakachena kana chine tsvina chakatongopinda mumuromo mangu.
8我说:‘主啊,千万不可,因为俗物或不洁的东西,从来没有进过我的口。’
9Asi inzwi rakandipindura rwechipiri richibva kudenga richiti: Mwari chaachenesa, iwe usati chakasviba.
9第二次又有声音从天上回答:‘ 神所洁净的,你不可当作俗物。’
10Uye izvi zvakaitika kusvikira katatu, zvose ndokukweverwazve kumusoro kudenga.
10这样一连三次之后,所有的东西都拉回天上去了。
11Zvino tarira, pakarepo varume vatatu vamire pamberi pemba yandakange ndiri, vatumwa kwandiri kubva kuKesariya.
11就在那个时候,有三个从该撒利亚派到我这里来的人,站在我住的房子门前。
12Mweya ndokuti kwandiri ndiende navo, ndisingakahadziki chinhu; nehama idzi nhanhatuwo dzakaenda neni, zvino takapinda mumba memurume uyu;
12圣灵吩咐我跟他们一起去,一点也不要疑惑。这六位弟兄也跟我一起去,我们就进了那人的家。
13iye akatipira kuti wakaona sei mutumwa amire mumba make, achiti kwaari: Tumira varume kuJopa, ugodana Simoni, unonzi Petro,
13他告诉我们,他怎样看见天使站在他家里说:‘派人到约帕去,请那个名叫彼得的西门来,
14uchakuudza mashoko, auchaponeswa nawo iwe nemhuri yako yose.
14他有话要告诉你,使你和你全家都可以得救。’
15Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavo, sezvazvakaita pamusoro pedu pakutanga.
15我一开始讲话,圣灵就降在他们身上,正像当初降在我们身上一样。
16Zvino ndakarangarira shoko raIshe, kuti wakataura sei achiti: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene.
16我就想起主所说的话:‘约翰用水施洗,但你们要受圣灵的洗。’
17Naizvozvo kana Mwari avapa chipo chakafanana nechaakapa kwatiriwo, takatenda kuna Ishe Jesu Kristu, ini ndaiva ani waigona kudzivisa Mwari?
17 神既然把同样的恩赐给他们,像给我们这些信了主耶稣基督的人一样,我是谁,我能够阻止 神吗?”
18Zvino vakati vanzwa zvinhu izvozvi vakanyarara, vakarumbidza Mwari, vachiti: Naizvozvo Mwari wakapawo kuvahedheni kutendeukira kuupenyu.
18众人听见这些话,就默然无声,把荣耀归给 神,说:“这样看来, 神也把悔改的心赐给外族人,使他们得生命。”
19Zvino avo vakapararira nekushushwa kwakaitika pamusoro paSitefano vakagura kusvikira paFenikia neSaipuresi neAndiyokia, vasingatauri shoko kuna ani asi kuvaJudha chete.
19安提阿的教会那些因司提反事件遭受苦难而四散的门徒,一直走到腓尼基、塞浦路斯、安提阿;他们不对别人传讲,只对犹太人传讲。
20Asi kwaiva nevamwe vavo, varume vaSaipuresi nevaSairini vakati vasvika kuAndiyokiya, vakataura kuvaHerenisiti*, vachiparidza mashoko akanaka aIshe Jesu.
20但其中有些塞浦路斯人和古利奈人,来到安提阿,也对希腊人传讲主耶稣。
21Neruoko rwaIshe rwaiva navo; uye uwandu ukuru hwakatenda hwukatendeukira kuna Ishe.
21主的手与他们同在,信而归主的人就多起来。
22Zvino shoko pamusoro pavo rikanzwikwa munzveve dzekereke yaiva paJerusarema; zvino vakatuma Bhanabhasi kuti agure kunosvika Andiyokiya;
22这事传到耶路撒冷教会的耳中,他们就派巴拿巴到安提阿去。
23iye asvika ndokuona nyasha dzaMwari akafara, akavakurudzira vose kuti vanamatire Ishe nekuzvipira kwemoyo;
23他到了那里,看见 神所施的恩,就很欢喜,劝勉众人坚心靠主。
24nekuti waiva murume wakanaka, uye azere neMweya Mutsvene uye nekutenda; chaunga chikuru ndokuwedzerwa kuna Ishe.
24巴拿巴是个好人,满有圣灵和信心,于是许多人归了主。
25Bhanabhasi ndokubuda akaenda kuTaso kunotsvaka Sauro.
25后来他到大数去找扫罗,
26Zvino wakati amuwana akamuuisa kuAndiyokiya. Zvino zvikaitika kuti gore rose vakaungana mukereke vakadzidzisa chaunga chikuru; uye vadzidzi vakatanga kunzi vaKristu paAndiyokia.
26找到了,就带他来安提阿。足足有一年,他们一同在教会聚集,教导了许多人。门徒称为基督徒,是从安提阿开始的。
27Zvino nemazuva iwayo, vaporofita vakaburukira kuAndiyokia vachibva kuJerusarema.
27那时,有几位先知从耶路撒冷下到安提阿。
28Zvino kwakasimuka umwe wavo wainzi Agabhusi, ndokuratidza neMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; yakaitikawo panguva yaKiraudhio Kesari.
28其中有一个名叫亚迦布的站起来,借着圣灵指出天下将要有大饥荒;这事在革老丢时期果然发生了。
29Uye vadzidzi vakazvipira kuti chero ani paaigona napo, umwe neumwe wavo atume zvinobatsira kuhama dzigere muJudhiya;
29于是门徒决定按着各人的力量捐款,好送给住在犹太的弟兄。
30zvavakaitawo, vakatumira kuvakuru neruoko rwaBhanabhasi naSauro.
30他们就这样行了,由巴拿巴和扫罗经手送到长老们那里。