1Nenguva iyoyo Herodhe mambo wakatandavadza maoko kuti atambudze avo kubva mukereke.
1雅各殉道,彼得被囚
2Ndokuuraya Jakobho mukoma waJohwani nemunondo.
2用刀杀了约翰的哥哥雅各。
3Zvino wakati achiona kuti zvinofadza vaJudha, wakapfuurira mberi akabata Petrowo; zvino aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso;
3他见这事博得了犹太人的欢心,就在除酵节期间,再次捉拿彼得。
4akati amubatawo akaisa mutirongo, akamukumikidza kumapoka mana evanhu vana emauto kuti vamurinde, achida kumuisa kuvanhu mushure mepasika.
4捉到了,就把他关在监里,交给四班士兵看守,每班四个人,打算过了逾越节,把他提出来交给民众。
5Naizvozvo Petro wakachengetwa mutirongo; asi munyengetero waiitwa zvikuru nekereke kuna Mwari uchiitirwa iye.
5彼得就这样被拘留在监里;但教会却为他迫切地祈求 神。
6Zvino Herodhe wakati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petro wakange arere pakati pemauto maviri, akasungwa nemaketani maviri; nevarindi pamberi pemusuwo vakarinda tirongo.
6天使救彼得出监希律要提他出来的前一夜,彼得被两条锁链锁住,睡在两个士兵中间,还有卫兵守在门前。
7Zvino tarira, mutumwa waIshe wakamira parutivi, chiedza ndokupenya muchitokisi; zvino akarova Petro parutivi, akamumutsa achiti: Simuka nekukurumidza. Zvino maketani ake akawa pamaoko ake.
7忽然,有主的一位使者出现,屋就光芒四射。天使拍拍彼得的肋旁,唤醒他,说:“快起来!”他手上的锁链就脱落了。
8Mutumwa ndokuti kwaari: Zvisunge chiuno, uye sunga manyatera ako. Ndokuita saizvozvo. Zvino akati kwaari: Monera nguvo yako, unditevere.
8天使对他说:“束上带子,穿上鞋!”他就这样作了。天使又说:“披上外衣,跟我走!”
9Zvino wakabuda akamutevera; uye asingazivi kuti ichokwadi chinoitwa nemutumwa, asi waifunga kuti unoona chiratidzo.
9他就出来跟着天使走,但他不知道天使所作的事是真的,还以为是见了异象。
10Zvino vakati vapfuura varindi vekutanga nevechipiri, vakasvika pasuwo reutare raipinda muguta; iro rakavazarukira roga; zvino vakabuda, vakapfuura nzira imwe yemumusha, pakarepo mutumwa ndokubva kwaari.
10他们经过第一、第二两个岗位,来到通往城内的铁门,那门自动给他们开了。他们出来,往前走了一条街,天使立刻离开了他。
11Zvino Petro, wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe watuma mutumwa wake, uye wandisunungura paruoko rwaHerodhe netarisiro yose yevanhu vevaJudha.
11彼得清醒过来,说:“现在我确实知道,主差他的天使来,救我脱离希律的手和犹太人所期望的一切。”
12Zvino wakati arangarira akaenda kumba kwaMaria mai vaJohwani wainzi Mako, vazhinji pavakange vakaungana vachinyengetera.
12他明白了之后,就到约翰(别名马可)的母亲马利亚家里去;有许多人聚集在那里祷告。
13Zvino Petro wakati agogodza pagonhi resuwo, murandakadzi wakauya kuzoteerera, wainzi Rodha.
13彼得敲了大门,有一个名叫罗大的使女,出来应门。
14Zvino wakati achiziva inzwi raPetro, haana kuzarura suwo nekuda kwemufaro, asi wakamhanyira mukati akavaudza kuti Petro umire pamberi pesuwo.
14她认出是彼得的声音,欢喜到顾不得开门,就跑进去报告,说彼得站在门外。
15Asi vakati kwaari: Unopenga. Asi wakaramba achisimbisa kuti zvaiva zvakadaro. Ivo ndokuti: Mutumwa wake.
15大家说:“你疯了!”她却坚持地说这是真的。他们说:“一定是他的天使。”
16Asi Petro wakaramba achigogodza; zvino vakati vazarura vakamuona, vakashamisika.
16彼得继续敲门;他们打开了,一见是他,就非常惊讶。
17Zvino wakavaninira neruoko kuti vanyarare, akavarondedzera kuti Ishe wakamubudisa sei mutirongo, akati: Pirai kuna Jakobho nekuhama zvinhu izvi. Zvino akabuda akaenda kune imwe nzvimbo.
17彼得作了一个手势,要他们安静,然后对他们述说主怎样领他出监,又说:“你们把这些事告诉雅各和众弟兄。”就离开那里,到别的地方去了。
18Zvino kwakati kwaedza, bongozozo risati riri diki rikavapo pakati pemauto, kuti chii chakawira Petro.
18天亮的时候,士兵们非常慌乱,不知彼得出了什么事。
19Zvino Herodhe wakati amutsvaka akasamuwana, wakabvunzisisa varindi, akaraira kuti vabviswe. Zvino akabva Judhiya akaburukira Kesariya akagarako.
19希律搜索他,却找不到,就审问卫兵,下令把他们带出去处死。后来希律离开犹太,到该撒利亚去,住在那里。
20Zvino Herodhe wakatsamwira zvikuru veTire nevaSidhoni; asi vakauya kwaari nemoyo umwe, vakashamwaridzana naBhurasto mutariri weimba yekurara yamambo, vakakumbira rugare, nekuti nyika yavo yaipiwa chikafu nenyika yamambo.
20希律被 神击打当时希律对推罗和西顿人怀怒在心。这两地的人因为他们的地区都需要从王的领土得到粮食,就先拉拢了王的内侍臣伯拉斯都,然后同心地去见希律,要向他求和。
21Zvino nezuva rakatarwa Herodhe wakafuka nguvo dzeumambo, akagara pachigaro chekutonga, akaita nhaurwa kwavari.
21到了定好的日期,希律穿上王服,坐在高台上,向他们演讲。
22Vanhu ndokudanidzira vachiti: Inzwi raMwari, uye kwete remunhu.
22群众大声说:“这是 神的声音,不是人的声音!”
23Zvino pakarepo mutumwa waIshe wakamurova, nekuti haana kupa Mwari rukudzo; ndokudyiwa nehonye, akapera.
23他不归荣耀给 神,所以主的使者立刻击打他,他被虫咬,就断了气。
24Asi shoko raMwari rakakura rikawanda.
24 神的道日渐兴旺,越发广传。
25Zvino Bhanabhasi naSauro vakadzoka vachibva kuJerusarema, vapedzisa basa, vakaenda naJohwaniwo wainzi Mako.
25巴拿巴和扫罗完成了送交捐项的任务,就带着名叫马可的约翰,从耶路撒冷回来。